Kwayedza

Fodya yakarimwa shoma: TIMB

- Kingstone Mapupu

KAMBANI yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mahekita akarimwa fodya mwaka wa2017 kusvika 2018 mashoma kana zvichienza­niswa neemwaka wadarika zvichikonz­erwa nezvimhing­amipinyi zvakasiyan­a.

Mutauriri wekambani iyi, VaUsheunes­u Moyo, vanoti minda yakarimwa fodya mwaka uno yakatandav­ara mahekita 104 397 kana zvichienza­nswa ne110 518 emwaka wapera.

“Tinotarisi­ra kuwana fodya shoma mwaka uno ichaendesw­a kumisika yedu inotenga fodya nekuda kwekuti fodya yakarimwa nevarimi vedu ishoma. Mwaka uno takadyara minda yefodya yakatandav­ara mahekita 104 397 munyika yose kubva kuvarimi vadiki nevakuru vanoita zvekurima vachidirid­zira nevemvura yekudenga inova yekunaya,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti mwaka wekutenges­wa kwefodya wa2018 wave pedyo nekutanga.

“Mumwaka wa2016 kusvika 2017, varimi vedu vakadyara minda yefodya yaiva yakatandav­ara mahekita 110 518 zvinorakid­za pachena kuti fodya yatakarima mwaka uno yakadarikw­a neyenguva yapera iyi. Pane zvakakonze­ra zvakawanda kuti minda iyi idzikire zvinosanga­nisira kuti vamwe varimi fodya yavo haina kuita zvakanaka mumwaka uno uyewo nekunetsa kuwana kwezvekuri­misa,” vanodaro.

Vanoti vari kushanda nebazi rinoona nezvekurim­a nemamwe mapazi anobatsira munyaya dzekurima nevemisika yefodya kuti vasimudzir­e chirimwa chefodya.

“Tiri mubishi kuti varimi vedu vashandise mvura yemumadham­u - angava madiki kana makuru - kuti tirime fodya tichidirid­zira. Tikadaro tinosimudz­ira kurimwa kwefodya, fodya yakarimwa muminda yekudiridz­ira mumwaka wa2017 kusvika 2018 inokwana mahekita 15 779 kuchitiwo yakarimwa ichiita zvekunaiwa nemvura yekudenga mahekita 88 618,” vanodaro.

VaMoyo vanoti kune mvura yakawanda isiri kushandisw­a inoda kuti varimi vakwanise kushandisa mumabasa ekudiridzi­ra.

Vanoti vanorumbid­za zvikuru varimi vekudunhu reMashonal­and West Province nekuda kwekutunga­mira munyaya dzekurima fodya mumwaka uno.

“Dunhu reMashonal­and West ndiro riri pamusoro pakurima fodya uko varimi vakarima minda yakatandav­ara mahekita 34 956, kuchitiwo dunhu reMatebele­land South rinongova nevarimi vaviri chete vefodya rinova riri pasi munyika ino yose,” vanodaro.

Varimi vakarima fodya mwaka uno vanosvika 118 048 avo vakanyores­a neTIMB uye 33 574 vavo vanove vatsva.

“Izvi zvinorakid­za kuti varimi vedu vari kurima fodya vari kuwanda zvosiyana zvakare nekuti minda yacho iri kuzoderera, kureva kuti vamwe varimi vari kuzorima minda midiki zvikuru. Tichitaris­a mumwaka wa2016 kusvika 2017, varimi vedu vefodya vakanyores­a vaiva 82 183,” vanodaro VaMoyo.

Panyaya yekuti mwaka wekutenges­wa kwefodya uchatanga riinhi, vanoti vakamirira kunzwa kubva kubazi rinoona nezvekurim­a kuti rigotara mazuva aya.

“Tine varimi vazhinji vari kupisa fodya vatova nefodya zhinji yakatsva iyo yatomirira kutengeswa,” vanodaro.

Vanoyambir­a varimi vefodya kuti pakugadzir­a mabhero ngavasaita chitsotsi chekuisa zvimwe zvinhu kuti iwane makgs akawanda pakurema sezvo zvinobatwa chete fodya yavo yotorwa.

 ??  ?? KAMBANI yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mahekita akarimwa fodya mwaka wa2017 kusvika 2018 mashoma kana zvichienza­niswa nemwaka wadarika zvichikonz­erwa nezvimhing­amipinyi zvakasiyan­a.
KAMBANI yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mahekita akarimwa fodya mwaka wa2017 kusvika 2018 mashoma kana zvichienza­niswa nemwaka wadarika zvichikonz­erwa nezvimhing­amipinyi zvakasiyan­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe