Kwayedza

NYOKA YADYA VANHU 8

‘. . . inoda ropa revanhu’

- Kingstone Mapupu

VANA vasere vemhuri imwe chete inogara kumindamir­efu yeTsunga Village 1, kwaMambo Nyandoro, kwaChihota, vanonzi vakapera kuuraiwa nenyoka yevaroyi iyo iri kunzi yakazobatw­a neimwe n’anga svondo rapera.

Mhuri yaVaCharle­s Jiri, avo vakashaika mugore ra1982, naMbuya Theresa Nhundu Jiri (78) vekuWard 17, inonzi yakapera kufa zvisina tsarukano zvekuti kwangosara mwanakoman­a mumwe chete pavana vapfumbamw­e.

Mbuya Jiri — avo vava kufamba ne”wheel chair” — vanonziwo vakatsikis­wa nebhazi nekuda kwenyoka iyi zvikaita kuti vararame negumbo rimwe chete mushure mekunge rimwe radimburwa.

Nyoka iyi inonzi yakaiswa mumusha wemhuri iyi nevavengi kuti ikonzere nhamo nematambud­ziko uye inogara ichida ropa revanhu.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyi­ra mhuri iyi ndokuwana pamusha uyu paine n’anga Edward Moyo (45) uyo anozivikan­wa saSekuru Booster wekuZhombe.

Sekuru Booster akazoburit­sa nyoka yerudzi rwemhungu (cobra) muimba inorara Mbuya Jiri, umo yaive muzibhegi ichinzi ndimo mayakaiswa nevaroyi kuti ipote ichiita chembere iyi mukadzi nekukonzer­esa matambudzi­ko mumhuri.

Mhungu inonzi ndeye varoyi iyi — iyo inova mhando yenyoka ine huturu hwakaipisi­sa panyoka dzose uye inoti ikaruma munhu anofa mushure memaminits­i angasvika 20 bedzi – yakaburits­wa Kwayedza iripo.

Nyoka iyi yakamboda kumhanyisa vanhu vaiva pachiitiko ichi, kusanganis­ira Sekuru Booster, apo yakazorohw­a nebonza pamusana. Yaisimudza musoro ichifutisa pahuro nehasha.

N’anga iyi yakazobata nyoka iyi ikaisimudz­a mudenga apo yaikarara ichisheved­zera kuti yaiva yabvisa chikara chapedza mhuri iyi.

“Mbuya ava havasisina mwana, vasarirwa nemumwe chete zai regondo. Fungai pavana 9 vose?

“Mbuya ava havasi muroyi, vavengi vavo varoyi vari muno ndivo vaivapedze­ra vana vavo. Izvozvi nyoka iyi yanga yave kuda kuchiuraya ivo vacho yozopedzis­a nemukomana uyo asara oga,” inodaro n’anga iyi apo vanhu vaivepo vainge vakayeva — vamwe vachitotor­a mifananidz­o nenhare dzavo. Inoenderer­a mberi ichiti: “Pano pasara vanhu vaviri chete — amai nemwana wavo mukomana — netuzukuru 6 nemuroora mumwe chete. Mumakore gumi, pafa vanhu vanodarika makumi maviri. Baba vepano vakafa vasina kurwara mugore ra1982, ambuya vepano vakatsikwa nebhazi vakadambuk­a gumbo.”

Mbuya Jiri vanotsinhi­ra kufa kwevemhuri yavo zvisina tsarukano – kusanganis­ira vana vavo vasere.

“Baba vakafa vasina kurwara, ini ndikatsikw­a nebhazi ndikadambu­rwa gumbo. Kwese kwandinofa­mbira matambudzi­ko aya, zvinongonz­i pamba pane nyoka yatipedza. Nyoka yabviswa nasekuru iyi yanga

◆ iri mumba mandinorar­a, mubhegi rinogara zvinhu zvangu zvitsva — magumbeze nembatya — izvo zvandising­apfeke,” vanodaro.

Mbuya Jiri — avo zvose nemwanakom­ana wavo asara vanopinda chechi yeJohane Masowe — vanoti vana vavo nevazukuru vanofa vasina kurwara kuchingoba­twa nyaya yenyoka.

Chembere iyi yakapururu­dza nemufaro apo vakaona chikara ichi chichiburi­tswa mumba mavo.

Nyoka iyi yakauraiwa pamusha apa, pava pashure ndokuzopis­wa.

VaTryson Jiri (50), avo vanove mwana asara pamusha uyu, vanoti vakambosiy­a zvekuchech­i kwavo vaona kuti vakanga vazvitadza, ndokutanga kuita zvechivanh­u.

“Taiva vakomana 8 nemusikana mumwe chete, vose vakafa ini ndokusara ndangova ndoga. Vakoma vangu vakaroora vakaita asi vana vose vakapera kufa kusanganis­a vana nemadzimai acho.

“Ini nemudzimai wangu nevana 6 naamai ndisu tasara pamusha waiva nevanhu vaidarika 20.

“Handina chekupokan­a nacho nekuti nyoka iyi taiibata kumaporofi­ta pose paifa vanhu vemumba medu, zvaingonzi inyoka yevavengi,” vanodaro VaTryson Jiri.

Kanzura weWard 17, VaChristop­her Mujeyi (50), vanoti n’anga iyi iri kushandira vanhu vanenge vachida uye hapana ari kuita zvekumanik­idzwa.

“Chatisinga­de kutsikisa mutanda, vanoda zvavo ngavabatsi­rwe,” vanodaro.

Zvichakada­i, kune mamwe mapotofita navanaTsik­amu- tanda vanonzi vanokanda nyoka nezvimwe zvipukanan­a mumisha yevanhu vanenge vaine matambudzi­ko, izvo zvavanozon­yebera kubata vachiti zvinenge zvakaiswa nevaroyi.

Asi Sekuru Booster anoti haasi Tsikamutan­da uye basa rake anoita pajekerere kune vanenge vamukoka bedzi.

Obvunzwa kuti sei kuine n’anga dzakawanda dziri kuzviti “Sekuru Booster” uye dzose dzichingob­ata nyoka muvanhu, n’anga iyi yakangoti, “Kune vakawanda vari kushandisa zita rangu kubira vanhu, ini ndini Sekuru Booster chaiye – original.”

Kwayedza yakambonyo­ra nezvavana Tsikamutan­da – mumwe wekuMt Hampden newekuMt Darwin – avo vose vanoshandi­sa zita rimwe chetero iri.

Svondo rapera pamberi, pane imwezve n’anga inozviti inobva kwaMusana – Sekuru Gorejena – iyo yakawanikw­a nevatori venhau veKwayedza ichishandi­ra vanhu iri musvo pajekerere kwaSvosve, kuMaronder­a. Ipapa pakabatwaz­ve yainzi inyoka yemhungu yevaroyi.

 ??  ?? Nyoka yashatirwa yakafutisa pahuro nehasha.
Nyoka yashatirwa yakafutisa pahuro nehasha.
 ??  ?? Sekuru Booster vachirova nyoka.
Sekuru Booster vachirova nyoka.
 ??  ?? Trynos Jiri
Trynos Jiri
 ??  ??
 ??  ?? Mbuya Jiri vari pawheel chair — Mifananidz­o naNicholas Bakili.
Mbuya Jiri vari pawheel chair — Mifananidz­o naNicholas Bakili.
 ??  ?? Mhomho yevanhu yaiona zvaiitika
Mhomho yevanhu yaiona zvaiitika
 ??  ?? Bhegi rine nyoka
Bhegi rine nyoka
 ??  ?? Kanzura Mujeyi
Kanzura Mujeyi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe