Akabviswa sikarudzi nemheni
MUNYAYA yasiya vagari vekwaChimombe, kuBuhera, vasina neremuromo, chitunha chemukadzi weko uyo akafa mushure mekurohwa nemheni chinonzi chakazovigwa chisisina sikarudzi.
Mutumbi waLenny Muranganwa (25) wemubhukuku raGwendere unonzi wakaonekwa usisina “chinhu” apo akanga achangobva mukurohwa nemheni.
Pakaitika tsaona iyi, muchakabvu anonzi aiva natete vake Violet Shava Munorwei (18) - uyo anova hanzvadzi yemurume wake - vachibva kunotambira fetiraiza yeHurumende.
Violet akakuvara zvikuru uye achiri kurapwa maronda ekutsva.
Muranganwa anga ari mudzimai waPromise Shava (32).
Janet Shava (26) - uyo anova hanzvadzi yemurume waMuranganwa - anotsinhira kuti mutumbi wemuroora wake wakazovigwa usisina nhengo dzakavandika.
“Pakarohwa muroora wangu nemheni apo aiva nemumwe, vaibva kunotambira fetiraiza, iye akakuvara kumagadziko, zvipfeko zvake zvemukati zvikadamburwa-damburwa. Vanhu vakatakura mutumbi wake vachiuendesa paimwe imba kuubvisa pamhene ndivo vakatanga kuzviona kuti akanga asisina sikarudzi,” anodaro.
Tete ava vanoti vanhu vakatakura mutumbi uyu vaiedza kubatsira mufi apo vaimutova nekubvisa ropa vachifunga kuti aikwanisa kumuka panova ipo vakaona kuti akanga asisina nhengo dzakavandika.
“Inyaya yakazara muno, kuti chitunha chemuroora wangu chakabviswa nhengo dzakavandika. Handizive kuti mheni inodaro here kana kuti mabasa evaroyi,” anodaro Janet.
Uyuwo Violet anoti vakarohwa vose nemheni ndokungoerekana vapunzika pasi apo iye akazoona muroora wake angoti rapata, asingachapfakanyike.
“Murume wanyakufa ihanzvadzi yangu, iniwo murume wangu Kizito Ndichineyi (29) ainge asipo musi uyu. Mutumbi wemuroora wangu wakatakurwa nevanhu vaida kubatsira vachiupukuta ropa avo vakatanga kuzviona kuti wainge usisina sikarudzi,” anodaro.
Violet anoti mutumbi wemuroora wake wakazoendeswa kumochari yechipatara cheBirchenough.
“Taibva panzvimbo yemabhizinesi yekwaMutero apo zvakaitika. Ini ndakapiswa makumbo ndikazonorapwa kukiriniki yekwaMutepfe, ndikadzoswa kumba.
“Chitunha pachakaunzwa kumba chichibva kumochari, hachina kusvikoonekana nevapenyu sezvatinosiita sezvo chainzi chakanga chashata. Kana kugezeswa hachina. Asi nyaya yekuti pakange pasisina nhengo
◆