Kwayedza

Akabviswa sikarudzi nemheni

- Kingstone Mapupu

MUNYAYA yasiya vagari vekwaChimo­mbe, kuBuhera, vasina neremuromo, chitunha chemukadzi weko uyo akafa mushure mekurohwa nemheni chinonzi chakazovig­wa chisisina sikarudzi.

Mutumbi waLenny Muranganwa (25) wemubhukuk­u raGwendere unonzi wakaonekwa usisina “chinhu” apo akanga achangobva mukurohwa nemheni.

Pakaitika tsaona iyi, muchakabvu anonzi aiva natete vake Violet Shava Munorwei (18) - uyo anova hanzvadzi yemurume wake - vachibva kunotambir­a fetiraiza yeHurumend­e.

Violet akakuvara zvikuru uye achiri kurapwa maronda ekutsva.

Muranganwa anga ari mudzimai waPromise Shava (32).

Janet Shava (26) - uyo anova hanzvadzi yemurume waMurangan­wa - anotsinhir­a kuti mutumbi wemuroora wake wakazovigw­a usisina nhengo dzakavandi­ka.

“Pakarohwa muroora wangu nemheni apo aiva nemumwe, vaibva kunotambir­a fetiraiza, iye akakuvara kumagadzik­o, zvipfeko zvake zvemukati zvikadambu­rwa-damburwa. Vanhu vakatakura mutumbi wake vachiuende­sa paimwe imba kuubvisa pamhene ndivo vakatanga kuzviona kuti akanga asisina sikarudzi,” anodaro.

Tete ava vanoti vanhu vakatakura mutumbi uyu vaiedza kubatsira mufi apo vaimutova nekubvisa ropa vachifunga kuti aikwanisa kumuka panova ipo vakaona kuti akanga asisina nhengo dzakavandi­ka.

“Inyaya yakazara muno, kuti chitunha chemuroora wangu chakabvisw­a nhengo dzakavandi­ka. Handizive kuti mheni inodaro here kana kuti mabasa evaroyi,” anodaro Janet.

Uyuwo Violet anoti vakarohwa vose nemheni ndokungoer­ekana vapunzika pasi apo iye akazoona muroora wake angoti rapata, asingachap­fakanyike.

“Murume wanyakufa ihanzvadzi yangu, iniwo murume wangu Kizito Ndichineyi (29) ainge asipo musi uyu. Mutumbi wemuroora wangu wakatakurw­a nevanhu vaida kubatsira vachiupuku­ta ropa avo vakatanga kuzviona kuti wainge usisina sikarudzi,” anodaro.

Violet anoti mutumbi wemuroora wake wakazoende­swa kumochari yechipatar­a cheBirchen­ough.

“Taibva panzvimbo yemabhizin­esi yekwaMuter­o apo zvakaitika. Ini ndakapiswa makumbo ndikazonor­apwa kukiriniki yekwaMutep­fe, ndikadzosw­a kumba.

“Chitunha pachakaunz­wa kumba chichibva kumochari, hachina kusvikoone­kana nevapenyu sezvatinos­iita sezvo chainzi chakanga chashata. Kana kugezeswa hachina. Asi nyaya yekuti pakange pasisina nhengo

 ??  ?? Violet Shava Munorwei
Violet Shava Munorwei

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe