Kwayedza

Anoisira mukadzi sipo mu‘rice’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE mukadzi akachema-chema mudare achiti murume wake anoda kumuuraya zvekuti akatombomu­isira imwe mhando yesipo mumupunga.

Pamhidzai Joho akamhan’arira Cathbert Manyika kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka kuti ipfambi nekumudzin­ga pamba.

“Ngaasandit­uke kuti ndiri pfambi nenyaya yake yekuchenge­ra uye kundidzing­a pamba achiburits­a midziyo yangu panze,” anodaro Joho.

Anoti Manyika anomuudza kuti anogona kumuuraya izvo zvaanofung­a kuti zvinogona kuitika nekuti akamboona sipo yakadirwa musaga remupunga.

“Anogara achiti anoda kundiuraya, handizvira­mbe nekuti ndakamboon­a sipo yakadirwa musaga raiva nemupunga wataida kubika,” anodaro Joho.

Manyika anobvumira­na nechikumbi­ro chaJoho asi anoti zvimwe zvataurwa manyepo.

“Handirambi­rane nezvaanoda asi zvaari kutaura zvimwe zvacho manyepo. Ndakapedze­sera kumurova muna 2000 uye handimudzi­nge pamba nekuti ini handisi kugara ipapo.

“Kumutuka ndakamutuk­a hangu kuti ipfambi asi haisi nyaya hombe nekuti zvinowanik­wa mudzimba dzose uye vanhu vane kamutambir­o kakasiyana. Handina kumbofunga kuti angatsamwe,” anodaro Manyika.

Joho anoti gwaro redzivirir­o iri ari kurida nekuti anoda kuchengete­dza imba yake sezvo ava nevazukuru nevakuwash­a.

“Ndiri kurida gwaro iri nekuti ndiri kuda kuchengete­dza imba yangu, hazvingazo­ite kuti tigare tichinetsa­na isu tava nevazukuru nevakuwash­a, zvinonyadz­isa,” anodaro Joho.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Joho gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe