Kwayedza

Akavharwa $600 nemagweja

- Lizzy Mushoriwa

MURUME wekunzi akatsotswa mari yake nemagweja ayo aida kumutenges­era ngoda akadhonzer­a mumwe muchinda kudare achiti ari kuramba kumudzoser­a chikwereti chake che$600 iyo akamupa apo aida kurapwa maziso ake.

Taurai Chivanda akamhan’arira Solomon Machisi kuHarare Civil Court achimupome­ra kuti ari kuramba kumudzoser­a $600 yake. “Mambo wangu, murume uyu akandikwer­eta $600 yangu gore rakapera muna Gunyana achiti anoda kurapwa maziso. Ndakamuziv­a kuburikidz­a nehanzvadz­i yangu uye mari iyi ndakamupa neEcoCash yese asi haachada kundidzose­ra,” anodaro Chivanda.

Machisi anopikisan­a naChivanda achiti haana chikwereti chake.

“Ini handina chikwereti chake, akandifone­ra achiti anoda magweja ane madhaimond­i ini ndikamutsv­agira vanhu. Akapihwa madhaimond­i aya munhu waaida kutengeser­a ndokusviko­aramba apa ainge atopa magweja mari.

“Zvino ave kudzoka kwandiri achiti anoda mari iye asina kumbobvira andipa mari uye magweja aya haachabati­ke, anogara kuShurugwi. Ini handina mari yake uye ziso rangu ndakabvisw­a svondo rakapera chairo, mari yacho yainge isiri yake,” anodaro Machisi.

Chivanda anoti akangoudzw­a nemumwe munhu waasingazi­ve kuti atumire mari neEcoCash.

“Ini ndakangoud­zwawo kuti ndiise mari mufoni asi zita remunhu wacho handichari­ziva,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaChivand­a achiti hapana umboo huzere hunoratidz­a kuti akatsotswa mari naMachisi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe