Kwayedza

Saka maiurayire­i nyoka iyoyo?

-

VANHU vatema vanotya, uye kutya kwavo kune chikonzero. Kana Satani akakwanisa kushandisa nyoka sesvikiro, pese patinoona nyoka tinongofun­ga kuti adzoka.

Kumusha kwangu kwaive nemumwe murume wechidiki aive asingatye. Aive vamwe vanhu vaye vanoti, “Handitye, asi ndinototya kutya.”

Aisatya rima, imbwa nenyoka. Murume wechidiki uyu aisatya kufamba husiku hweZhizha hwakati ndoo. Aiti akasvika pamusha panembwa dzinopenga sei, dzaimutiza dzichinopi­nda pasi pehozi dzakapeta miswe uye dzichiwuwu­ra.

Kuzoti kana dziri nyoka, aiita dzekuchera kana dzapinda mumwena. Kana dzikakwira mumuti aidzikwiri­ra mumuti imomo odziturunu­ra.

Pamwe pacho murume uyu aiti akatadza kupedzeran­a nenyoka, aiita dzekuteya. Akapedzisi­ra ave kushevedze­rwa nyoka dzinenge dzanetsa pamisha yevanhu.

Asi chakazotin­etsa ndechekuti nekufamba kwenguva, akazongota­nga kurwara. Chaishamis­a pakurwara kwake ndechekuti ganda rake rakatanga kuita serenyoka, uye richifunuk­a sezvinoita nyoka kana yavhunura.

Vanhu vakanga vave kuti nyoka dzaaiuraya dzakanga dzave kumumukira. Akazosvika pakufa asisataris­ike.

Kare, vakuru vaiti nyoka dzekusheve­dzerwa nevamwe vanhu hadzisi nyoka dzekuitira manyemwe nekuti unogona kunotangan­a nezvakazvi­garira. Unogona kuteyewa kuti urove nyoka dzevaridzi.

Ndataura nyaya yemurume uyu nekuti pakabatwa varume vechidiki vaviri paCopacaba­na, muHarare, avo vaive nenyoka, pakaratidz­a mweya wekushaya matyira wave muvanhu mazuva ano. Panenge pabatwa nyoka ine varidzi vayo, imi mobva mati hamutye moiuraya, chenjerai kuzonetsek­a munguva inotevera muchishaya kuti chakakuwan­ai chakabva kupi.

Ndizvo zvakaparid­zwa naMuvhange­ri Chiweshe. Vakati ukaona panenge paurayiwa nyoka, pobva pasvika chembere yakasunga chari yoti, “Maiurayire­i nyoka iyi? Ine wayanga yaruma here?”

Zivai kuti varidzi venyoka vauya, ibvai matiza.

Handiti ndizvo zvakaitika kumurume anoshanda saforomani papurazi riri kuShamva, kuMashonal­and Central Province, uyo akamera mazamu mushure mekunge auraya mukweshwa wenyoka “yemuridzi” iyo yainge yamupindir­a mumba make iye arere husiku. Achingoped­za kuuraya nyoka iyi, mumwewo murume akabva auya kwaari achibongom­ora kuchema achiti ndiye muridzi wezinyoka Mifananidz­o naMunyarad­zi Chamalimba rainge rauraiwa.

Zvino murume wekuti ndiye muridzi wenyoka yakauraiwa iyi akabva azofa – avawo bambo vekumera mazamu havachaziv­a zvekuita, ari kungokura.

Ambuya vangu neshamwari dzavo mbiri vakamboona zizi rakasvika rikamhara pagedhi repavaida kupinda. Vakataurir­ana kuti, “Izizi rudzii rinofamba masikati risingatye vanhu?” Vakanhonga zvimiti vakaripots­era.

Zizi riye rakabhurur­uka richienda, asi chembere nhatu dzaive dzapotsera zizi iroro dzakarwara kunge dzichafa uye dzichirwar­a zvakafanan­a.

Munyika muno tinokangan­wa kuti kuzhangand­ira hakusi kungwara. Tikaona pane zvinhu zvinotyisa senyoka inenge yabuda mumota, tinogona kuiuraya, tigoibata nemaoko edu tichiita zvakawanda, asi zvimwe zvinhu hazvisi zvatinenge tichiona nemaziso. Vanhu vanosherek­eta havapere.

Vanhu vanoita mhiko, zvibvumira­no nesungano nenyika dzerima vanenge vane simba remweya yakaipa. Bhaibheri rinoti, “Hatirwe nenyama neropa, asi nevabati, nevane masimba, nemasimba enyika ino yerima uye nemasimba emweya yakaipa ari muchadenga.”

Saka nyangwe ma”street kids” akatora nyoka yepaCopaca­bana akaenda nayo – kufarisa kunobva mukusadzid­ziswa. Munotora nyoka yanga ichigara nevanhu muchiti muri kutora chii?

Kusatya kwatave nako mazuva ano kunoratidz­a kufa kwehunhu nekuzvidzo­ra. Ndizvo zvimwe chete zvinozoita kuti vanhu vasvike pakubata nekuita braai yemazizi. Kana dziri mbanje dzasangana nekuonerer­wa zvinonetsa kunzwisisa, asi ndizvo zvinozoita kuti muzongoona vamwe vanhu vachipenga muHarare umu, woshaya kuti chii.

Chisi hachiyeri musi wacharimwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe