Kwayedza

Mabhezari 70 ekunodzidz­a kuRussia

-

BOKA reRussian Federation riri kupa mabhezari anosvika 70 kuvadzidzi vemuZimbab­we vanoda kuenda kunyika yeRussia kunoita zvidzidzo zvakasiyan­a.

Izvi zvakazivis­wa svondo rapera negurukota rinoona nezvemabhe­zari eHurumende richishand­ira mumahofisi emutungami­riri wenyika nedare reCabinet, Dr Christophe­r Mushowe, mushure mekuonana nemumiriri­ri weRussia muZimbabwe, Ambassador Sergey Bakharev, muguta reHarare.

Dr Mushowe vanotenda Russia nedanho iri uye vari kukurudzir­a vadzidzi kuti vatore mukana wekunofund­a kunyika iyi uyu.

“Ndinofara kugoverana nenyika kuti Russian Federation iri kupa mabhezari 70 kune vanoda kunodzidza kuRussia gore rino,” vanodaro. Ambassador vataura kwandiri kuti huwandu hwevadzidz­i ava hunogona kuwedzera gore rinouya. Ini ndavaudzaw­o kuti mukati memazuva 100 akatarwa, kunze kwekutumir­a vadzidzi kunofunda kunze kwenyika, tinoda kutumirawo nyanzvi dzemabasa kuti dzinovandu­dza ruzivo rwadzo muzvidzidz­o zvinosanga­nisira zvirwere zvakasiyan­a,” vanodaro Dr Mushowe. Vanoti Hurumende yakatara musi waKukadzi 28 sezuva rekupedzis­ira iro vanenge vachida kuenda kunodzidza kuRussia vanokwanis­a kunge vanyorera vachitsvag­a nzvimbo.

Ambassador Bakharev vanonzi vari kuita hurukuro neHurumend­e yavo yeRussia nechinangw­a chekuti mazuva ekutsvaga nzvimbo aya awedzerwe kuitira kupa mukana vadzidzi vemuZimbab­we vari kumaruwa.

Dr Mushowe vanoti Hurumende inoda kuti kusarudzwa kwevadzidz­i vanoda kuenda kuRussia kuitwe nenzira dzakajeka.

Mabhezari ose eHurumende, vanodaro Dr Mushowe, iye zvino ave kufambiswa kubva muhofisi yemutungam­iriri wenyika kuburikidz­a nebazi ravo.

Vanoti izvi zvinosanga­nisira mabhezari akadai seezvidzid­zo zvezvicher­wa, zvekurima pamwe neayo aimbove pasi pebazi redzidzo yepamusoro.

Zvakadai, Ambassador Bakharev vanoti vanofara nekudyidza­na kwakasimba kuripo pakati peZimbabwe neRussia.

“Ndinoyemur­a kushanda pamwe chete kwatiri kuita neZimbabwe. Ndinoyemur­awo vadzidzi vemuZimbab­we vanoenda kunodzidza kuRussia. Vane dzidzo yemhando yepamusoro. Hukama huri pakati pedu hucharamba huchisimba,” vanodaro.

Ambassador Bakharev vanoti zviri kuZimbabwe kuti isarudze zvidzidzo zvainoda kuti vadzidzi vayo vanoita kuRussia. –

 ??  ?? Dr Mushowe
Dr Mushowe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe