Kwayedza

Chinonzi ngano chii?

- Munyaradzi Gunduza

NGANO mutambo wepasichig­are waitambwa nasarungan­o nevateerer­i munguva dzemanheru, kunyanya mumwaka weChirimo.

Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoropor­wa navaropo. Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparad­za zvirimwa zvinosanga­nisira mhashu, tsunu nezvimwe zvipembene­ne.

Chokwadi chaicho chiripo ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirw­a nemabasa. Izvi zvinotsigi­rwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa akasiyana-siyana muminda.

Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokang­anisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotever­a sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora. Sezvo VaShona vaitendera zvakanyany­a mutsika dzavo, uye muchitende­ro chavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzir­isa matambudzi­ko munharaund­a.

Hapana mwana aizopikisa­na nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburits­a unhu hwakafumuk­a.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanw­a mungano:

◆ Ziva bhuku rengano

◆ Mabasa engano

◆ Basa rasarungan­o

◆ Basa revateerer­i

◆ Madingindi­ra

◆ Tsika nemagariro

◆ Unhu nemabasa anomiririr­wa nemhuka

◆ Maonerwo evanhukadz­i/vanhurume/vana/ vanhu vanoshorek­a

◆ Kutandadza kwengano

◆ Mashiripit­i anobuda mungano

◆ Maumbirwo engano

◆ Zvidzidzo zvinobuda mungano

◆ Musiyano wenganonyo­rwa nenganotau­rwa

◆ Musoro wengano

◆ Kupfupikis­a ngano yoga yoga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe