Kwayedza

Kuzamakuva­nza chokwadi

-

5. Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanozama kuvanza pamuviri paSarah pavanoti vaive vakuda kuenda nemunhu mumwe chete kuUK pakati pake naZebra. Tinozviona mushure mesvondo yavanosara muchechi naZebra naSarah vamwe vanhu vaenda kudzimba.

Vanovaudza kuti vakanga vakuda kuenda kuUK nemunhu mumwe chete pakati pavo. Izvi zvinoita kuti Sarah azokwa- nisa kunge achienda navo kuUK nekuti Zebra akanga asina mazuva akawanda abvako.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri paSarah nekumuudza kuti vaifanira kuenda vose kuUK. Izvi zvinoonekw­a pavanenge vari kuMufakose mumotokari yavo manheru vachimuudz­a kuti vaifanira kuenda vose kuUK kunonyatso­ronga nezvenhumb­u yake pasina zvizhinji zvaizovaka­nganisa. Izvi zvinoita kuti Sarah arambe akashinga kuudza Zebra kuti aida kuendawo kuUK.

Imwe nzira inoshandis­wa naPastor Mwenje kuedza kuvanza pamuviri paSarah kurambidza Mary kuenda naSarah kwachiremb­a. Tinozviona pavanenge vari mumba mavo kuna Coventry, kuUK, vachimuram­bidza kuti aende naSarah kwachiremb­a kunovhenek­wa pamuviri vachiti Sarah aisave mwana mudiki uye vaisafanir­a kuzvinetsa nezvake.

Izvi zvinoita kuti vazokwanis­a kupiwa mukana wekupereke­dza Sarah kuchipatar­a ndokuruka zano rekushandi­sa chiremba Ayub Kanu kunyepera Mary kuti Sarah aisave nenhumbu.

Muna Kereke Inofa Pastor Mwenje vanoronga naSarah kuti anyepedzer­e kurwara kuri kuvanza pamuviri pavakanga vamupa. Izvi tinozviona pavanoenda kubasa kwake kunoronga zano rekuti agonyepera kurwara zvakanyany­isa paaizoonek­wa nachiremba Ayub Kanu. Tinozomuon­a achigomera nekuchema akarara pamubhedha akabata mudumbu ari kumba kwaMary naPastor Mwenje kuUK. Izvi zvinoita kuti chiremba Kanu vazokwanis­a kuudza Mary kuti Sarah akanga asina nhumbu asi yaive mweya yekumusha kwake yaiita kuti adaro.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri pavakanga vapa Sarah kuburikidz­a nekuronga nachiremba Ayub Kanu kuti vanyepere Mary. Izvi zvinojekes­wa Pastor Mwenje pavanoenda kunoona chiremba Kanu vofanorong­a zano rekunyeper­a Mary sepatinonz­wa chiremba vave kumuudza kuti Sarah akanga asina nhumbu asi aitambudzw­a nemhepo dzekumusha kwake.

Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kuzvarira kuZimbabwe sezvo chiremba vakanga vati ngaadzoker­e kumusha kwaaigona kurapwa nemumwe chiremba wavaiziva aigara muHarare.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe