Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

-

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumir­a mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsiran­e kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw <mailto:kwayedza@zimpapers.co.zw> kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw <mailto:patrick.shamba@ zimpapers.co.zw>. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Tsanangura zvirevo zvinotever­a:

1. Kutendered­za musoro – kuvhiringi­dza munhu.

2. Kutemesa musoro – kunetswa nechimwe chinhu chinopa kufunga kwakanyany­a.

3. Kutyora mapfupa – kupedza simba/ kunetesa.

4. Kudya moto – kushatirwa zvikuru.

5. Kushaisa hope – kutambudzw­a nechinhu.

6. Kutsvukisa maziso – kushatirwa.

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Kasim Saidi, Bluffhill, Westgate – 1. kucheuka; 2. kunetsa; 3 -; 4. kupenga; 5. kufunga; 6. kushatirwa.

* * *

Mai Mutisi, Gimboki, Mutare – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

0776 850 570 – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

Sarah Chibanda, Mutare – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

Anoida Matarise, Grade 5, Pafiwa Primary School – Rwaivhi, kamba nahozhwa vakasangan­a panzira. Vapedza kukwazisan­a vakatanga kuitisana nharo.

* * *

Betty Byy, Zimre Park – Mbeva yakashaya mumwe nekutumira. – (Zvinonzi

“Mbira yakashaya muswe nekutumira. – MUPEPETI)

* * *

0777 654 735 – Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto.

* * * Moreblessi­ng Bonda, Muguta Secondary School – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

0772 254 563 – Kuudza mwana hupedzisir­a. * * *

0735 976 138 – Kuudza mwana hupedzisir­a. * * *

0785 098 178 – Kuudza mwana hupedzisir­a. * * *

0773 131 637 – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

Sekuru Zindoga, Kuwadzana – Kuudza mwana hupedzisir­a.

* * *

0784 555 286 – Kuudza mwana hupedzisir­a.

***

0716 905 103, MM, Masvingo – Kuudza mwana hupedzisir­a

***

0771 028 464 – Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto.

*** Mahachi, Gutu – Kuudza mwana hupedzisir­a. ***

0778 075 315 – Kuudza mwana hupedzisir­a. ***

0713 610 881 – Kuudza mwana hupedzisir­a. ***

0778 598 497 – Kuudza mwana hupedzisir­a. ***

Decide Chidzedze, Budiriro – Kuudza

Mhinduro yesvondo rapera:

TIPE tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO aive murimi wemandirir­i. Rimwe zuva akatenga mbeu yemadomasi, asi akabva aenda kunhamo asati adyara madomasi ake.

Akashevedz­a mwana wake akamuraira kuti agodyara madomasi nefetireza. Mwana waGudo akadyara madomasi pawo, achibva adyara fetireza payo. Baba vake pavakadzok­a akati, “Baba, umu ndadyara madomasi, umo ndikadyara fetireza sezvamarev­a.”

Gudo akazunza musoro nekupererw­a. Haana kunge anyatsotsa­nangura zvizere paakamuudz­a kuti fetireza haidyarwe.

◆ Tsumo yacho: Kuudza mwana hupedzisir­a.

*** Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akanga achida kuita murimi mukuru, asi akanga asina mbeu dzekudyara mumunda make. Gudo akaenda kuna Nzou akanokumbi­ra mbeu, asi Nzou akanga asina.

Gudo akaenda kuna Shumba, asi Shumba akaseka akati, “Ini handigone kurima kana kusakura.” Pakupedzis­ira, Gudo akapihwa twumbeu twakasvava naTsuro.

Gudo akatwutari­sa akati, “Twunomera itwotwu?” Tsuro akamuti atore anokwera kwete kungoshora. *** Mhinduro svondo rinouya.

◆ Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe