Kwayedza

Tinoda runyararo: Matangira

- Nyaya dzose naKingston­e Mapupu

MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vanoti vanogamuch­ira nemawoko maviri mashoko anogara achitaurwa nemutungam­iri wenyika President Emmerson Mnangagwa ekuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvinofanir­a kubatana pamwe nekugara murunyarar­o.

President Mnangagwa vanozivika­nwa nekuparidz­a shoko rerunya- raro pamwe nekubatana munyika pose pavanotaur­a kuruzhinji.

Cde Matangira vanoti runyararo nekubatana ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

“Ndiyani angarambe mashoko kana ataurwa nababa mumba sekurudzir­o iyo tiri kupihwa naPresiden­t vedu Cde Emmerson Mnangagwa? Hakuna asingade runyararo, ukaona mombe chaidzo dzichinanz­vana runyararo nekuwirira­na zvinova zvatiri kutenda mutungamir­i wedu wenyika kuti shuviro yavo inofanirwa kutererwa nemunhu wose munyika,” vanodaro.

Vanoti mudunhu ravo vari kushanda murunyarar­o nevatungam­iriri vanosangan­isira madzishe nemasabhuk­u.

“Runyararo rwune zvibereko, semuBindur­a South muno, tine zvinobatik­a zvatakaita nekuti takabatana sevhu repachuru rinonetsa kupesanisa. Kubva 2012, taita mabasa anobatika akawanda kubvira mukuvaka zvikoro zvitsva nekuvandud­za zvitsaru zvose nemakirini­ki.

“Pamusoro pezvo, takavambaw­o zvirongwa zveminda yekudiridz­ira tichishand­isa mari inobva kuHurumend­e, yeConstitu­ency Developmen­t Fund (CDF), pamwe chete neyedu kuvaka madhamu nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Cde Matangira vanoti kuburikidz­a nemari yehomwe yeShare Ownership Trust kubva kumigodhi inosangani­sira Fredda Rebecca neTrojan Nickel Mi vakava nebudiriro huru mudunhu ra

Vanoti mumabasa avo, vanoshan zvakanaka naMambo Musana, VaJ Nyarumwe.

Cde Matangira vanotizve vane rongwa zvizhinji zvebudirir­o izvo va tangisa asi zvisati zvapera zvavano kupedzisa munguva inotevera.

“Mari yeCDF haisati yauya asi ka ikangouya inofanirwa kunopedz mamwe emabasa aya,” vanodaro.

 ??  ?? President Mnangagwa
President Mnangagwa
 ??  ?? Mambo Musana
Mambo Musana
 ??  ?? Cde Matangira
Cde Matangira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe