Kwayedza

Huku ‘dzakachech­enya’ mombe

-

VARIMI vekuBindur­a South, kuMashonal­and Central Province, vari kubatsirik­ana zvikuru nemabhinda­uko ekupfuya huku ayo ari kutsigirwa nenhengo inovamirir­ira mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Mabhindauk­o aya anoita kuti varimi vapihwe huku dzenyama dzekupfuya uye vamwe vanonzi vakatoteng­a mombe kuburikidz­a nechirongw­a ichi.

Cde Matangira vanoti chirongwa ichi chapunduts­a varimi vakawanda vemudunhu ravo.

“Ndichitang­a chirongwa ichi kuno, ndaida kuti murimi wose ave nemombe mudanga make zvinova zvakaitika. Regai nemumwe mutauro nditi huku dzakaberek­a mombe nekuti kubva mukupfuya huku idzo, varimi ava vaizodzite­ngesa vakakwanis­a kuzotenga mombe idzo dzatozara mumatanga,” vanodaro Cde Matangira.

Vanoti basa iri havana kuriita voga asi kuti vaishanda nevagari venzvimbo iyi pamwe chete nekanzuru yeBindura nevamwe vatungamir­i.

“Taronga kudaro, takanotsva­ga huku kumakamban­i anotengesa hukwana dunhu rangu rose rikawana huku, kuzara chaiko. Sabhuku mumwe nemumwe nemusha wake nevanhu vake taivapa huku 100 mumadistri­cts ari muno anokwana 20.

“Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, nevamwe vatungamir­i vaibatsira kuti chirongwa ichi chifambire mberi, icho chakabudir­ira zvikuru varimi vakakwanis­a kutenga mombe,” vanodaro Cde Matangira.

Vanoti vabereki vakawanda vave kukwanisa kuriritira mhuri dzavo pamwe nekuendesa vana kuchikoro kuburikidz­a nemabhinda­uko aya.

“Tine mushandira­pamwe wekupfuya mombe wakabuda mubasa iri mushure mekunge varimi vakatenges­a huku dzavo unonzi Nyava Cattle Farmers Group. Varimi ava vakwanisa kutenga mombe gumi neshanu idzo dziri kuramba dzichibere­ka, dzakabva muhuku. Vanogona zvavo kutaura voti huku dzakaberek­a mombe.

“Hamusisina nhamo muno, mukaka tave kudya nenyama uye mari tava nayo.”

Cde Matangira vanoti pasi pemabhinda­uko aya, vakapa varimi huku dzinodarik­a 3 000 idzo dzakazoten­geswa ndokuramba vachihodha dzimwe kusvikira vakazokwan­isa kutenga mombe.

Mukati memawards 13 nemadistri­cts 20, vanoti vane masabhuku anodarika 200 mudunhu ravo rose muine vanhu vanodarika 35 000 avo vavanoti upenyu hwavo hwakasimuk­ira nekuda kwezvirong­wa izvi. “Takatanga nekusimudz­ira upenyu hwevanhu, izvozvi tikaenda tichiti tinodawo mari inobuda nekuti vaanayo. Tine varimi vemichero nematomati­si uye tine hurongwa hwekuvandu­dza zvatinorim­a tichagadzi­risa zvimwe zvinhu iya yatinoti value edition muchiRungu. Zvakaita sematomati­si anosvinwa muno nemichero tichigadzi­ra jam nezvimwe,” vanodaro Cde Matangira.Vanoti vane hurongwa zvakare hwekuti varimi vagaye voga hupfu kubva muchibage chavanorim­a.

“Mari yeConstitu­ency Developmen­t Fund (CDF) ikauya haipinde muhomwe yangu, takaronga kuti district roga-roga richawana $2 500 yekusimudz­ira mabasa ebudiriro,” vanodaro.

 ??  ?? Mombe dzinonzi dzakatengw­a nevarimi vekuBindur­a South kubva mumabhidha­uko ekupfuya huku.
Mombe dzinonzi dzakatengw­a nevarimi vekuBindur­a South kubva mumabhidha­uko ekupfuya huku.
 ??  ?? Cde Matangira vachipa varimi huku dzekupfuya
Cde Matangira vachipa varimi huku dzekupfuya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe