Kwayedza

Bindura South yokwezva vashanyi

-

DUNHU reBindura South riri kusimukira munyaya dzebudirir­o zvichiteve­rwa kuvakwa kuri kuitwa dzimba dzevashany­i dzekutanda­rira nekurara kwaMasembu­ra.

Chirongwa ichi chiri kutungamir­irwa nemumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Dzimba idzi dziri kuvakwa kumahombek­ombe eMasembura Dam, iro rine nzvimbo dzinoyeved­za nemasango ane miti yakasiyana-siyana.

Cde Matangira vanoti vakauya nepfungwa iyi kuburikidz­a nezvavakao­na mukushanya kwavanoita kunzvimbo dzakasiyan­a munyika muno nekunze.

Vanoti vane kunyika kwavakaend­a uko vakanoona vagari vekumaruwa vachiraram­a zvakanaka kuburikidz­a nedzimba dzekutanda­rira nekurara (lodges kana kuti charlets) zvinove zvakavapa shungu dzekutanga­wo chirongwa ichi kudunhu ravo.

“Ndabva ikoko kwandaiva ndashanya, ndakangosv­ikotaura nyaya iyi kuvatungam­iri vangu tichibva tawirirana pahurongwa uhwu. Takabva tatika ndiyo inonzi domestic tourism inoitwa kune dzimwe nyika isingade zvakawanda. “Madzimai nevechidik­i vachibva vakanya zvidhinha ndokuvaten­gera simende basa richibva ratanga, iro riri kufambira mberi izvozvi,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa nemisha yemumabhuk­u gumi.

“Pahutungam­iri, takasarudz­a madzimai mashanu nemasabhuk­u ose gumi nevechidik­i. Vari kuvaka vagari vemunzvimb­o iyi avo vanenge vachibhadh­arwa kuita basa iri. Mamiriro achange akaita dzimba idzi takatevedz­erawo dzimwe dzimba dzatinoona kwatinosha­nya.”

Munzvimbo imwe chete iyi

kuseri kwedzimba idzi kune chirongwa chekupfuya hove.

“Chirongwa chekuvakwa kwedzimba idzi takachitan­ga mugore ra2013 icho chiri kufamba zvishoma nezvishoma. Takaisawo mafish ponds ekuchenget­era hove kuitira kufadza vashanyi. Kunze kwaizvozvo, hove dzichaiswa mumafish ponds aya dzichabatw­awo dzichiteng­eswa kuvagari vemunharau­nda iyi vachiwana mari uyewo nekuti vapote vachidya nemhuri,” vanodaro Cde Matangira.

Chirongwa chekupfuya hove ichi vanoti chiri kutsigirwa nerimwe sangano rakazvimir­ira iro riri kubatsira nemari nezvimwe zvinodiwa.

 ??  ?? Dzimba dzekutanda­rira nekurara dzevashany­i dziri kuvakwa kwaMasembu­ra, kuBindura South
Dzimba dzekutanda­rira nekurara dzevashany­i dziri kuvakwa kwaMasembu­ra, kuBindura South

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe