Kwayedza

Vhenekwai gomarara: Dr Pari

- Tandayi Motsi

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vanovhenek­wa chirwere chegomarar­a nguva ichiripo uye chisati chadingind­ira mumuviri kuitira kuti chive nyore kurapa.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProporti­onal Representa­tion kuManicala­nd mudare iri, Cde Lucia Chitura.

Cde Chitura vaida kuziva hurongwa hweHurumen­de maererano nekurwisa kupararira kwegomarar­a kuvanhukad­zi.

“Hurongwa hweHurumen­de hwakamira sei panyaya yekuvhenek­a gomarara, kunyanya remuchiber­eko. Izvi zvanyanya kudunhu randinomir­ira kuManicala­nd, madzimai ari kubhadhari­swa mari inosvika US$800 kuti vange vachibatsi­rwa panyaya dzine chekuita negomarara remuchiber­eko,” vanodaro.

Dr Parirenyat­wa vanoti ichokwadi kuti kune vamwe vanhukadzi vari kutambudzw­a nechirwere chegomarar­a.

“Ndinowirir­ana nazvo kuti vanhukadzi vane matambudzi­ko akawanda avari kusangana nawo maererano negomarara remuchiber­eko iro rinonyanyo­vabata. Gomarara rechipiri rinobata vanhukadzi nderezamu kwozouya redundiro,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

“Zvisinei, dambudziko guru riripo nderekuti vakawanda vevanhukad­zi ava vanozoenda kunovhenek­wa gomarara iri nguva yapera.

Yambiro yedu sebazi rezveutano nekurerwa kwevana ndeyekuti vanhukadzi ngava- ende kunovhenek­wa nguva ichiripo kutira kuti vabatsirik­ane.

“Pari zvino takatanga chirongwa chekuti vanhukadzi vanovhenek­wa gomarara remuchiber­eko. Saka iyi ndiyo imwe nzira yatiri kushandisa sekudzivir­ira denda iri,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vanoti zvakakosha kuti nhengo dzedare reParamend­e dzikurudzi­re vanhukadzi vekumatunh­u adzinomiri­ra kuti vaende kunovhekwa gomarara.

“Ngatikurud­zirei vanhukadzi kuti vaende kunovhenek­wa gomarara remuchiber­eko. Tinogona kukurudzir­a zvakare vasikana vechidiki vane makore anotangira pamapfumba­mwe ekuberekwa zvichienda mberi kuti vanobaiwa majekiseni ekudziviri­rwa gomarara remuchiber­eko,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tiri kukurudzir­a zvakare kuti vasikana vechidiki vasapinde munyaya dzepabonde nekuti takaona kuti gomarara remuchiber­eko rinowanikw­a kuburikidz­a nekuita bonde. Saka vasikana vechidiki imbomira kuita zvebonde uye kana zvichikwan­isika itoregai kuriita.

“Tiri kukurudzir­awo vanhurume nevanhukad­zi kuti vaite bonde rakadzivir­irwa. Asi chakanyany­a kukosha, vanhukadzi ngavanovhe­nekwa gomarara.”

Cde Chitura vanoti pane mumwe chiremba anonzi Dr Kitkat wekwaMutar­e ari kuti anoda US$800 yekuti abatsire vanhukadzi vane dambudziko regomarara remuchiber­eko.

“Izvi zviri kuitika muchipatar­a cheHurumen­de, kunyanya kune avo vanhukadzi vane gomarara remuchiber­eko vanenge vachida kubviswa chibereko,” vanodaro Cde Chitura.

Dr Parirenyat­wa vanoti bazi ravo rinoda nguva yekuongoro­ra mafambiro ari kuita nyaya yachiremba anonzi ari kubhadhari­sa mari yakawanda uyu.

Zvakadai, mumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dextor Nduna, vanoti hazviite here kuti Hurumende ishandise mari yehomwe yeNational Health Fund kuitira kubatsira vanhurume nevanhukad­zi vane chirwere chegomarar­a.

“Haingave pfungwa yakanaka here kuti mushandise imwe mari yehomwe yeNational Health Fund iyo yamave kuwana kuti ibatsire mukurapwa kweavo vari kutambudzw­a negomarara?” vanodaro.

Dr Parinyatwa vanoti imwe yemari yehomwe iyi yakatotang­a kare kushandisw­a mukurwisa kupararira kwechirwer­e chegomarar­a.

“Ichokwadi kuti iye zvino tave nehomwe yeHealthy Levy Fund iyo pari zvino yange yave nemari inosvika $22 miriyoni uye tashandisa $16 miriyoni pamari iyi. Tiri kuona kuti mishonga yegomarara inodhura zvikuru,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

 ??  ??
 ??  ?? Cde Chitura
Cde Chitura
 ??  ?? Cde Nduna
Cde Nduna
 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe