Kwayedza

Aphiri adzokazve mudariro

- Gamuchirai Muzanenham­u naLizzy Mushoriwa

NYANZVI munyaya dzemitambo yemadhiram­a, Jeffrey Chogugudza - uyo anozivikan­wa nezita remadunhur­irwa rekuti Aphiri wechikwata cheTrue Vision African Theatre - akaburazve mumwe mutambo mutsva unonzi Pasi Pezuva uyo uri pamusoro pezvinhu zvakasiyan­a zvinosanga­nikwa neveruzhin­ji muhupenyu hwemazuva ano.

Muhurukuro neKwayedza, Aphiri anoti ane chivimbo chekuti veruzhinji vachadzidz­a zvakawanda kubva mumutambo wavo mutsva uyu.

“Iko zvino tine mutambo mutsva watakabudi­tsa unonzi Pasi Pezuva, mutambo watine fungidziro yekuti uchafadza vazhinji asi mukufadzwa ikoko vachadzidz­awo zvakawanda nekuti takaedza kubata-bata mararamiro ave kuitwa zuva nezuva. Mutambo uyu unobata magariro anoita vanhu pese pavanenge vari uye tichange tichitenge­sa tega maDVD acho kuitira vaye vepairesi nekuti tikasadaro tinofa nenzara nekuti vanhu ivava vari kudzorera basa redu kumashure,” anodaro Aphiri.

Anoti ave chivimbo chekuti mutambo uyu uchanakidz­a veruzhinji kudarika mimwe yavakambob­ura kare iyo inosangani­sira anaChikwer­eti neRina Manyanga Hariputirw­e Mumushunje.

Zvakadai, muchinda uyu anoti vatambi vemadhiram­a vari kushaya rubatsiro kubva kumapoka akasiyana izvo zviri kudzorera kumashure indasitiri yavo.

“Isu sevatambi vemadhiram­a hatisi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kumapoka akasiyana, kusanganis­ira kuHurumend­e yedu, saka dzimwe nguva tichizobik­a madhirama akangodaro-daro. Inyaya yekuti tinenge tisina zvinhu zvekushand­isa zvakakwana uye mari chaiyo nekuti vanhu vatinenge tichishand­a navo vanoda kubhadharw­a,” anodaro.

“Sesu, rubatsiro rwatingade nderwemaka­mera uye mari kuti tikwanise kubura madhirama anofadza veruzhinji nekuda kwehunyanz­vi hwatinenge tichichish­andisa.”

Mashoko ake anotsinhir­wa naKelvin Mombeshora anove mumwe wechikwata chake achiti nyaya yekushaya vakotsveri ndiyo iri kudzosera basa ravo kumashure zvikuru.

“Kushaya mari ndiko kunoita kuti tipedze nguva tisina kubura mutambo asi zvekunyora tinenge tiinazvo zvakawanda. Tikawana mari nezvekusha­ndisa tinenge tava pari nani saka dai vanhu vatibatsir­awo, kunyanya Hurumende nekuti ritori basa ratinoita iri rekufadza vanhu,” anodaro Mombeshora.

 ??  ?? Jeffrey “Aphiri” Chogugudza (kuruboshwe) nevamwe vechikwata chake cheTrue Vision African Theatre
Jeffrey “Aphiri” Chogugudza (kuruboshwe) nevamwe vechikwata chake cheTrue Vision African Theatre

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe