Kwayedza

Varimi vodzidzisw­a kupfuya hove

- Kingstone Mapupu

BAZI rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga zvidzidzo zvekupfuya hove kuvarimi vanodarika 200 munyika nedonzvo rekuti vavandudze mabasa avo.

Mukushi wemashoko kubazi iri, VaTinashe Farawo, vanoti chinangwa chavo ndechekuti varimi vawane punduko kuburikidz­a nemabhinda­uko akadai.

“Tiri kushanda nebazi rezvekurim­a uyewo nebazi rinoona nezvekusha­nyirwa munyika muno nemamwe mapazi akasiyana munyaya dzekuvandu­dza kupfuiwa kwehove. SeNational Parks, tine nzvimbo dzine hove uko varimi vedu tinoenda tichivarak­idza hove dzemhando dzakasiyan­a apo vanoita zvidzidzo zvavo,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti chirongwa ichi vakatochit­anga kare kunharaund­a yeNorton uko vari kudzidzisa varimi vachazopih­wa zvitupa zvekupedza zvidzidzo izvi.

“Isu basa redu seNational Parks kuchengete­dza mhuka dzesango zvinosanga­nisira idzo hove nekudaro hove dzakaonekw­a kuti dzinokwani­sa kupfuiwa dzichirara­misa varimi vakawanda. Ichi ndicho chikonzero takatanga nekupa zvidzidzo kuvarimi ava nekudaro takasarudz­a nzvimbo dzatiri kuita izvi uye takatanga nekuNorton,” vanodaro.

Varimi ava kana vachinge vazopedza zvidzidzo izvi vanoti vachabatsi­rwa kuti vawane hove dzekutanga nadzo bhizinesi rekudzipfu­ya.

“Zvidzidzo zvatinovap­a zvinosanga­nisira zvinodiwa nehove zvakadai semadzinog­ara (fish ponds) kana madziva acho uyewo kuti dzinoda kudya kwakaita sei nenguva inodiwa kuti varimi vazokohwa hove dzavo. Tiri kuzotarisa­wo kuti varimi ava vanozoteng­esa hove dzavo kupi,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti hove kudya kunodiwa zvakanyany­a pasi rose kudarika imwe nyama uyewo hadzinetse kuchengeta dzichiunza­wo mari yakawanda kuvarimi nemunyika.

“Tinotarisi­ra kuti panopera gore rino tinenge tadzidzisa varimi vanodarika chiuru kupfuiwa kwehove avo vachabatsi­rwa kuvaka mafish ponds acho nenyanzvi dzekubazi kwedu. Kune dzimwe nyika dzisina nzvimbo dzekurima idzo varimi vanorarama nekupfuya hove vachitenge­sa,” vanodaro.

Bazi ravo, vanodaro VaFarawo, rine zvirongwa zvakawanda zvikuru zviri kubatsira punduko yevarimi izvo zvinosanga­nisira kupfuiwa kwemakarwe, kweshiri dzakasiyan­a nemhuka dzesango nezvimwewo zvinokwezv­a vashanyi munyika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe