Kwayedza

Roja rakatiza nemari yemba

- Lizzy Mushoriwa

ROJA rekutiza pamba paraigara risina kubhadhara chikwereti chemari yerendi rakazoigoc­hera pahutsi apo muridzi wemba akakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Tsvakayi Taranhike akamhan’arira Nyaradzo Makuhwa, uyo aimbova muroja wake, kuHarare Civil Court achida mari yake yemba yaainge atiza asina kubhadhara.

Taranhike anoti Makuhwa akatiza nemari yake yemba yemwedzi yakawanda. “Changamire, amai ava vaigara pamba pangu uye vakatiza nemari yangu yavakange vave nemwedzi yakawanda vasingabha­dhare. Ndakazongo­wana atiza nemari iyi asina kana kuoneka. Mari yangu i$150 uye vaibhadhar­a $40 pamwedzi,” anodaro Taranhike.

Makuhwa anotsinhir­a kuti ane chikwereti chaTaranhi­ke asi anoti mari yaari kutaura yakawandis­a.

“Ini handirambe, ehe mari yavo ndinayo asi yavataura yakawanda nekuti gogo ndaibhadha­ra chikwereti chavo chemagetsi. Ndinofunga mari yavo yandinayo i$60 kana $70, handisi kunyatsozi­va hangu,” anodaro.

Taranhike anoti Makuhwa aiva netsika yekumboreg­a kubhadhara rendi mimwe mwedzi.

“Anonyepa mukadzi uyu, aiva netsika yekucharik­a mimwe mwedzi ozobhadhar­a pava paya. Mari iyi ndiye akatoinyor­a kuti i$150 ini handigone kunyora saka ndaiti maroja angu ese anyore mari dzangu dzavanenge vanadzo.

“Asi kana ati ndiyo yaanayo, ngaandipe kana dhora ndinotambi­ra nekuti ndanzwa nekufamba, makumbo haachada aya,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati Makuhwa abhadhare $70 yechikwere­ti chemba yaTaranhik­e musi wa28 Kukadzi 2018 usati wadarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe