Kwayedza

Makudo ovhima mhondi

- Kingstone Mapupu

KWAMAMBO Nyamukoho, kuMudzi, kudunhu reMashonal­and East, kuri kuitika mashiripit­i emakudo anonzi amutsa hondo yekuenda pamusha wemhuri ine vanhu vanonzi vakaponda mumwe mukadzi weko, apo anovafuruf­usha achivatema nematombo.

Makudo aya anonzi zvakare ari kusvika pamusha apa akabata dzimwe nhengo dzemuviri wemushakab­vu uyu, uyo anonzi akapondwa ndokucheke­reswa.

Mukadzi uyu ari kunzi akapondwa nevanhu vasere – vanhukadzi vashanu nevarume vatatu – avo vose vari kunzi vakatopata musha nekuda kwemanenji aya.

Mushakabvu Benadette Chetse (57) uyo aigara mubhuku raChimedza ndiye anonzi akafa nekupondwa.

Mutumbi wemushakab­vu unonzi wakanhongw­a mumwedzi waGunyana gore rakapera apo waiva pedyo nedanga rake uye usina dzimwe nhengo.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kukamba yekuKotwa mapurisa ndokumbosu­nga vamwe vaifungidz­irwa kuti ndivo vakaponda mufi asi vakazorege­rwa.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kuMashonal­and East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

“Regai titsvage kustation kwakaitwa nyaya iyi, tigonzwa kuti zvakafamba sei,” vanodaro.

Nekurwadzi­wa, hama dzemushaka­bvu dzinoti dzakazofam­ba kuchivanhu uko vakabatsir­wa padambudzi­ko ravo.

Mushure mezvavakai­ta, chikwata chemakudo chinonzi chakazotan­ga kushanyira vanofungid­zirwa kuti ndivo vakaponda zuva rakacheka.

Akasvika pamusha, makudo aya anonzi anotema vanhu nematombo izvo zvakamanik­idza vanofungid­zirwa kuti ndivo mhondi kuti vatize vachisiya misha yavo.

Hanzvadzi yemushakab­vu, VaPatrick Chetse (50), vanoti hanzvadzi yavo isati yapondwa, yakanga yabva pamba ichienda kutsime ari mangwanani emusi wa22 Gunyana gore rakapera aine mugomo nemukombe asi ndokutadza kudzoka. Akazowanik­wa mutumbi wake wava kutowora.

“Ini semunhu anoshandir­a kuHarare, ndakazoudz­wa kuti sisi vashaikwa ndokubva ndaenda kumusha. Kune vanhu vakazokuru­midza kuona mutumbi uyu ndokuzoend­a tikawana usina ruwoko rwekurudyi, rurimi, gumbo rekurudyi, maziso, huropi hwakabvisw­a zvose nematumbu, mapapu nemwoyo.

“Zamu rimwe chete painge pasina uyewo zvairatidz­a kuti rimwe gumbo raiva rakaita zvekuchekw­a nesaw. Mumusoro vhudzi rainge rakaguswa ndokuiswa parutivi pemutumbi.

“Mutumbi uyu waive wakaiswa oyiri yemota yakashanda uyezve tinofungid­zira kuti honye dzaivepo dzaive dzaita zvekuiswa nemunhu nekuti paakashaik­wa nenguva yakazowani­kwa mutumbi wakawora zvaisawiri­rana sezvo paingova nemazuva maviri munhu ashaikwa,” vanodaro.

VaChetse vanoti musi wakabva mushakabvu achienda kutsime, akasiya vazukuru vake vadiki pamba nemwanakom­ana wake uyo akazobva achienda kuchikoro.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa mutumbi ukazoendes­wa kuchipatar­a cheKotwa, uko wakadariki­dzwa kuParireny­atwa (Group of Hospitals) asi hauna kuongororw­a namachirem­ba uchinzi wainge wanyanya kuwora.”

VaChetse vanoti vakazongon­oviga mutumbi wehanzvadz­i yavo kumusha.

“Tarwadziwa semhuri, tikazofamb­awo kuchivanhu, kuimwe n’anga yemuHarare ine mukurumbir­a, uko takagadzir­irwa, ndokumboga­ra mwedzi mitatu. Takazongon­zwa kuti makudo aonesa vanhu ava nhamo nekuvadzin­girira nematombo ayo anonzi akatanga kusvika pamisha yevanhu ava aine nyama inofungidz­irwa kuti ndeyemufi.

“Makudo aya anonzi anotaura kuti, ‘handei munopedzis­a zvamakasiy­a kuita nekuti hamuchazvi­gona’,” vanodaro VaChetse.

“Vakaponda tiri kuvaziva ndokusaka takaita shungu dzekuenda kun’anga kuti tibatsirwe. Hanzvadzi yangu isati yafa, yaitaura mazita evanhu vemumusha medu kuti vaipota vachiuya kumba kwake husiku achiti kana azopondwa vanhu vaifanirwa kuziva ndivava.

“Zvakare, vamwe vevanhu ava vanonzi vainzwikwa vachinwa doro vachiti vaidya mari yematumbu aMai Mutsenha

◆ kureva Benadette Chetse. Mazita evanhu vakaponda hanzvadzi yangu tinawo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa nevana vemushakab­vu vanosangan­isira Pretty Mutsena (31) naTsitsi Mutsena (23) vachiti vanoda kuti mhondi dzaamai vavo dzinozvipi­ra kumapurisa.

“Takafamba nanasekuru taona kuti vanhu vaibuda pachena kuti ndivo vakaponda amai vedu vaiva vasiiwa nemapurisa. Kunze kwekutemwa nematombo nemakudo vachitiza misha yavo, makudo aya anofanirwa kunosvika navo kumapurisa vonozvitau­rira voga,” anodaro Tsitsi.

Mushakabvu akasiya vana vatanhatu nevazukuru.

Mukomana mukuru kumhuri yemufi, VaErnest Chetse (57), vanoti vakazongon­zwawo nezvekupon­dwa hwehanzvad­zi yavo.

“Takafambaw­o muchivanhu uko takazobats­irwa. Asi tinoda kuti vanhu ava vasungwe,” vanodaro.

Muzukuru wemhuri iyi, Sekesai Ushe (37), anoti vanhu vanonzi vakaponda ava havasi kugara kumusha sezvo vakatiza.

“Vanhu ivava havana rugare, vakatiza pamusha nekuda kwemakudo aya inyaya inozivikan­wa dunhu rose,” anodaro.

 ??  ?? Asst Insp Mwanza
Asst Insp Mwanza
 ??  ?? Ernest Chetse
Ernest Chetse
 ??  ?? Sekesai Ushe
Sekesai Ushe
 ??  ?? Patrick Chetse
Patrick Chetse
 ??  ?? Sekuru Kamwelo Banda
Sekuru Kamwelo Banda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe