Kwayedza

Akabviswa sikarudzi nemheni

-

◆ yaingotaur­ika,” anodaro Violet.

Anoti iye achiri kurapwa maronda ehutsva ayo akapiswa nemheni iyi pagumbo rekurudyi nepadumbu.

Pakarohwa mushakabvu zvose natete vake nemheni, zvinonzi kwaingova nemakore bedzi asi kusinganay­e.

Tete kumhuri iyi, Mai Sosana Mahumberu (59), vanotsinhi­rawo nyaya iyi.

“Takazongon­zwa kuti mutumbi wemufi uyu wakavigwa usina nhengo, kuti tizive kuti zvakabva sei hatizive,” vanodaro.

Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yeMutiusin­azita avo vakaenda kutsaona iyi.

Sabhuku Gwendere VaJoel Nyanyirai Gwendere (49) - vanoti nyaya yekuti mutumbi wemukadzi wavanoita muroora uyu wakazovigw­a usina nhengo dzakavandi­ka vakangoita yekuudzwa asi ivo havana kuzvionera nekuti mutumbi uyu hauna kugezeswa kana kuonekwa neruzhinji.

“Vakasimudz­a mutumbi uyu paakarover­wa nemheni vachida kumubatsir­a ndivo vanonzi vakatanga kuzviona pavaiedza kubatsira yatinoti iya ‘first aid’. Ndivo vakaona mashura aya,” vanodaro Sabhuku Gwendere.

Vachitaura pamusoro pemashura aya - VaJonathan Shonhiwa, avo vanozivika­nwa nekuti Sekuru Mupamombe vekuTshova­ni, kuChiredzi - vanoti haisi mheni yakarova vaviri ava, asi kuti zvinogona kunge zviri zvidhoma zvakanotor­a nhengo dzakavandi­ka dzemukadzi wekufa uyu.

“Haisi mheni yaMwari, huroyi. Izvi zvidhoma kana kuti zvikwambo zvakatumwa kunotora nhengo dzemudzima­i uyu. Uku kuchekeres­a chaiko,” vanodaro.

 ??  ?? Janet Shava
Janet Shava
 ?? Mifananidz­o Memory Mangombe ?? Violet Shava Munorwei achiratidz­a gumbo raakarohwa nemheni. -
Mifananidz­o Memory Mangombe Violet Shava Munorwei achiratidz­a gumbo raakarohwa nemheni. -
 ??  ?? Sabhuku Gwendere
Sabhuku Gwendere
 ??  ?? Guva raLenny Muranganwa
Guva raLenny Muranganwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe