Akabviswa sikarudzi nemheni
◆ yaingotaurika,” anodaro Violet.
Anoti iye achiri kurapwa maronda ehutsva ayo akapiswa nemheni iyi pagumbo rekurudyi nepadumbu.
Pakarohwa mushakabvu zvose natete vake nemheni, zvinonzi kwaingova nemakore bedzi asi kusinganaye.
Tete kumhuri iyi, Mai Sosana Mahumberu (59), vanotsinhirawo nyaya iyi.
“Takazongonzwa kuti mutumbi wemufi uyu wakavigwa usina nhengo, kuti tizive kuti zvakabva sei hatizive,” vanodaro.
Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yeMutiusinazita avo vakaenda kutsaona iyi.
Sabhuku Gwendere VaJoel Nyanyirai Gwendere (49) - vanoti nyaya yekuti mutumbi wemukadzi wavanoita muroora uyu wakazovigwa usina nhengo dzakavandika vakangoita yekuudzwa asi ivo havana kuzvionera nekuti mutumbi uyu hauna kugezeswa kana kuonekwa neruzhinji.
“Vakasimudza mutumbi uyu paakaroverwa nemheni vachida kumubatsira ndivo vanonzi vakatanga kuzviona pavaiedza kubatsira yatinoti iya ‘first aid’. Ndivo vakaona mashura aya,” vanodaro Sabhuku Gwendere.
Vachitaura pamusoro pemashura aya - VaJonathan Shonhiwa, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Mupamombe vekuTshovani, kuChiredzi - vanoti haisi mheni yakarova vaviri ava, asi kuti zvinogona kunge zviri zvidhoma zvakanotora nhengo dzakavandika dzemukadzi wekufa uyu.
“Haisi mheni yaMwari, huroyi. Izvi zvidhoma kana kuti zvikwambo zvakatumwa kunotora nhengo dzemudzimai uyu. Uku kuchekeresa chaiko,” vanodaro.