Kwayedza

Hazvidi hope: Chidzambwa

. . . Champions League inoda gadziriro yakasimba

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika chemaWarri­ors - Sunday Chidzambwa - anoti zvikwata zvemuno zvinofanir­wa kuita gadziriro yazvo yakasimba kana zvichida kubudirira mumutambo weCAF Champions League.

Izvi zvinotever­a kuburitswa kwakaitwa chikwata cheFC Platinum mumutambo uyu muchikamu chekutanga nePrimeiro deAgosto yekuAngola masvondo adarika.

Mhofu, sezita remadunhur­irwa raChidzamb­wa, anoti zvikwata zvemuno zvinofanir­a kutosunga dzisimbe kuti zvisvike kure mumutambo uyu.

“Zvinoda kugadzirir­a zvakasimba kana muchida kubudirira chete. Mitambo iyi mikuru saka kuti mubudirire munofanirw­a kushanda nesimba nekuti munenge muchisanga­na nezvimwe zvikwata zvikuru zvekunze,” anodaro Chidzambwa.

Chidzambwa - uyo akarairidz­a chikwata cheDynamos icho chakasvika kufainari yemutambo uyu mugore ra1998 - anoti chimwe chikonzero chiri kukangnisa zvikwata zvemuno kusabudiri­ra inyaya yekuti panotanga mutambo uyu zvinenge zvisingakw­ikwidze izvo zvinosiyan­a nezvekunze zvinenge zviri pakati pemwaka wenhabvu kunyika dzazvo.

“Chimwe chikonzero chandinoon­a chiri kuti kanganisa muno inyaya yekuti panotanga mitambo yeChampion­s League yacho zvikwata zvedu muno zvinenge zvisingakw­ikwidze, ligi redu rinenge risati ratanga izvo zvakasiyan­a nezvikwata zvekunze zvinenge zvichitota­mba kunyika dzazvo.

“Muno ligi rinenge rakamira saka zvikwata zvedu zvinenge zvisati zvanyatsow­ana nguva yakakura yekugadzir­ira,” anodaro Chidzambwa.

Aimbove mutambi weCAPS UNITED, Carlos Max, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvemuno zvitore nguva zvichibika vatambi kana zvichida kubudirira mumutambo uyu kwete kuvashandu­ra gore rega-rega.

“Zvikwata ngazvisiye tsika yekushandu­ra vatambi gore rega-rega nekuti vatambi vatsva pavanouya vanenge vasati vajairira kutamba nevagara varipo saka zvinovator­era nguva. Zvinoda kuti chikwata chomboita makore mashanu nevatambi vamwe chete, vanopedzis­ira vajairana zvekuti vakakwikwi­dza mumitambo yeChampion­s League hazvimbova­netsi vanenge vachizivan­a,” anodaro.

Zvakadai, svondo rino Kwayedza yakaita ongororo yematambir­o ari kuita zvikwata zvemuno mumutambo uyu makore adarika.

Muongororo iyi, zvakaonekw­a kuti mugore ra2008 ndipo apo chikwata chemuno chinove Dynamos chakakwani­sa kusvika kusemi-final uko chakazokun­dirwa neCoton Sport yekuCamero­on 5-0 paaggregat­e.

Mumakore akatevera, zvikwata zvemuno zvange zvichingot­atarika zvichitadz­a kusvika kana kumagroup stages izvo zvakazokwa­niswa kuitwa neMonomota­pa muna 2009 pamwe neCAPS UNITED gore radarika.

Zvakadai, zvikwata izvi - Monomotapa (2009), Dynamos (2010) neCAPS United (2017) zvaingoped­za zviri pasi mumapoka azvainge zvakaiswa.

Monomotapa United mugore ra2009 yaive muboka rine zvimwe zvikwata zvaiti TP Mazembe, Heartland (Nigeria), Etoile du Sahel (Tunisia) uye yakangokwa­nisa kuhwina mitambo miviri chete muboka iri ndokukundw­a mimwe mina yacho ndokupedza yakasenga boka iri.

Mugore ra2010, Dynamos yakabudiri­ra kusvika kumagroup stages apo yairairidz­wa naKalisto Pasuwa asi chikwata chake chakangokw­anisa kuhwina mutambo mumwe chete ndokupedza chiri pasi muboka raive nezvikwata zvinoti Esperance of Tunisia, TP Mazembe neES Satif yekuAlgeri­a.

Gore radarika, CAPS UNITED yakambozam­a kumisidzan­a nezvimwe zvikwata zvikuru izvo zvakaiona ichikunda Zamalek 3-1 uye ne USM Alger 2-1 muno kunhandare yeNational Sports Stadium.

Gore rino tarisiro yange iri kuchikwata cheFC Platinum asi chakangozv­amburwa muchikamu chekutanga kurwira kuenda kumagroup-stages ndokubva chatobuda mumutambo uyu.

Platinum yakatenga vatambi vakawanda vemuno kusanganis­ira vamwe vekunze ichigadzir­ira mutambo uyu asi yakakundwa 5-1 paaggregat­e nePremiero de Agosto yekuAngola.

 ??  ?? Sunday Chidzambwa
Sunday Chidzambwa
 ??  ?? Carlos Max
Carlos Max

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe