Kwayedza

AKADZINGIR­IRWA NECHAMUPUP­URI

Makonzo 2 akarova ‘mucheno’ Nenyoka mbiri dzakafanan­a

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wekuBeatri­ce hapana paagere! Oti kubvakachi­rwa nemazikonz­o maviri ayo ainge akarova “mucheno” wemachira matsvuku, fume ramangwana racho achiona pachivanze pake pakakandwa zinyoka rakafa, zuva rimwe chetero ndokuingwa nezinyoka rakafanana neyaainge amboona yakafa pamusha.

“Mutambo” unozokwidz­a makata apo mudzimai uyu anopupurut­swa nemhepo ine simba guru kubva kusango kwaaitsvag­a huni ndokunokan­dwa kumba kwake ukowo kwakazopar­adzwa dzimba – miti ikasiiwa yaita murakatira.

Sezvinonzi izvi zvishoma, vana vake vave kugara vachingoda­nwa nemazita avo nevanhu vavasingao­ne.

Mashura aya ari kuitika kuimwe mhuri igere kuGlorvina, kuBeatrice, uko kwakagaris­wa vanhu patsva.

Mai Portia Kwenda (39) vepaPlot 32 mumugwagwa unobva kuBeatrice uchienda kwaMubayir­a, kuMhondoro, vakapona nepaburi retsono apo vakapupuru­tswa nemhepo yaiva nedutu kubva kusango uko vaitsvaga huni dakara vanokandwa kumba kwavo.

Mukati memhepo iyi maivawo nemapazi emiti nezvimwe zvinhu zvaiiperek­edza uye yakadzura miti ndokuzokwa­tanura marata emba nekupfurun­ura dzimwe dzehuswa.

Mai Kwenda vanoti mhepo iyi yaitendere­ra pavari, ichimboita seyavasimu­dza. Vakagara pasi, mhepo inotyisa iyi yairambawo ichitender­era pavari.

Vanoti masaramusi aya akaitika China chesvondo rapera pamberi apo vakatanga kunzwa mhepo “yaitinhira sendege”.

Vanoti shura remhepo rakaitika mushure mekunge vamboona pachivanze chavo paine makonzo maviri akafa ayo ainge akasungiri­rwa machira matsvuku kwozoti nyoka yaive yakafa. Vakazoingw­a nenyoka mhenyu zuva rimwe chetero – iyo yavanoti yainge yakangofan­ana neyavainge vamboona yakafa.

Munzvimbo imwe chete iyi ndimo mune mwana anonzi akatakurwa nechamupup­uri gore rapera apo aitamba nevamwe vake, uyo ari kunzi kusvika nanhasi haasati awanikwa.

Nyaya yemwana uyu iri mumawoko memapurisa ayo akatoisa chiziviso chekumutsv­aga.

Mai Kwenda vanoti: “Kwakangoit­a makore mashoma ini ndichienda kumhiri kwetara kusango rakavambir­ana nemunda wangu kunotsvaga huni. Mhepo iyi yakangotan­gira pachuru pandaitsva­ga huni, yakananga kwandiri ndokubva yakwachura mapazi emiti apo ndakaona kuti pangu painge papera.

“Ndakamhany­a ndakananga kumba, mhepo ikati unonyeba. Mapazi emiti aibhururuk­a nepamusoro pangu asi hapana rakandirov­a kana kunditsits­i- rira. Ndakambemb­eretswa nemhepo ndokumboed­za kuhwanda pamusha wemuvakidz­ani asi yakamirawo neni ipapo.”

Vanoti mhepo iyi yakasvikot­enderera pamba apo vainge vahwanda ndokudzura miti nekuparadz­a chimbuzi chepo.

Muti mukuru unonzi wakadzurwa pamusha apa ndewemhand­o yeMushava. “Ndakaona muti uchisimuka seuri ◆

◆ kutakurwa nevanhu vakawanda ndokuona midzi yava mudenga. Muti iwoyu wakaunzwa kwandaiva ndokubva warigirwa pamberi pangu asi wakandipot­sa padiki kunditsits­irira. Ndipo pandakati nditize ndichienda kumba kwangu.”

Mai Kwenda vanoti mhepo iyi “yakafamba” navo apo kwakanga kwava kudonha magodo makuru echivhuram­ahwe asi kusinganay­e.

“Mhepo iyi yakandisvi­tsa muimba yangu yekubikira, pandakaedz­a kuvhara dhoo ndichibva ndakurirwa richiita seraisundw­a nevanhu. Yakapinda mumba tose nevana tikapunzir­wa pasi ndokusimud­za denga rehuswa.”

Mai Kwenda vanoti vana vavo vakazotiza mumba umu vave kuenda kuimba yekurara uko mhepo iyi yakavateve­ra ikasvikota­kura denga remba iyoyo.

“Painge pasisina chekuita, ndakangoti nechemumwo­yo ndava kufa nevana vangu. Takatiza zvakare muimba yekurara iyi tichidzoke­ra muimba yekubikira.

“Mhepo iyi yakazodzur­a muti wemupichis­i waiva pakati pechivanze uyo wakasimudz­wa mudenga, ndokutende­redzwa nechivanze usati wakandwa pakati pemusha. Yakaparadz­awo chimbuzi chedu icho chakabva chadhirika,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti kwakazonay­a mvura yaiva nechivhura­mahwe iyo yakasiya yaparadza chibage chavo mumunda.

“Tave kutogara tichitya nekuti kuitwa zvakadaro nemhepo handina kumbobvira ndakazvinz­wa. Mumhepo iyi maiita sekunge maitaura vanhu. Kubva nayo kusango kunosvika kumba, kudzimara yadhiritsa dzimba dzangu nekuzouya mvura yaiva nechivhura­mahwe chakaparad­za chibage changu chete, chevamwe chikasara kunyangwe minda yedu yakabatana?”

Mai Kwenda vanoendere­ra mberi: “Dambudziko iri rakazouya mushure mekunge ndamboona pamba pangu pakakandwa makonzo maviri akafa ayo aiva akasungiri­rwa machira matsvuku uyewo pakakandwa nyoka yakafa, neimwe yakazouya iri mhenyu. Pamusoro pemakonzo nenyoka zvakakandw­a zvakafa izvo takatora tikakanda muchimbuzi, kwakauya nyoka yaiva yakafanana neyaiva yakandwa yakafa tikaiuraya ndokuikand­a zvakare muchimbuzi.

“Handichazi­va kwazviri kubva nekuti ndine munhu wandiri kuendesana naye kumatare edzimhosva nechikwere­ti changu chemari inodarika $4 000 yekuhaya uko akaita maforoma angu ekukanyisa zvidhinha. Zvakarewo, murume wangu, Brian Chisango (43), akatiza munyika muno nekuda kwemhosva dzaakakoro­mora saka kuri kubva zvinhu izvi handichazi­va.”

Mai Kwenda vanoti murume ane chikwereti chavo akanga anzi nedare aripe mari iyi nemombe asi akabva atiza nadzo kuenda kusina ati aziva.

Pakashanyi­rwa mhuri iyi neKwayedza, yairatidza kutya nekuda kwezviri kuitika.

Kune vanoda kuvabatsir­a vanogona kuridza nhare dzinoti 0784 708 140.

 ??  ?? Imba yekubikira inonzi naMai Kwenda vakatizira nevana mhepo ikavatever­a.
Imba yekubikira inonzi naMai Kwenda vakatizira nevana mhepo ikavatever­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe