Kwayedza

Vahosi vobatira nyachide banga

- Lizzy Mushoriwa

MUDZIMAI nyachide pabarika akazopoter­a kudare redzimhosv­a achiti ashaiswa rugare navahosi avo vaanoti vanoenda kumba kwake vakabata mapanga vachiti vanoda kumuuraya.

Tsungai Manyawa akadhonzer­a maiguru vake Magret Arufaneti kuHarare Civil Court achivapome­ra mhosva yekumushun­gurudza. “Amai ava vandishais­a mufaro, anondituka zvinyadzi uye kundishaud­ha pazere vanhu zvekuti ndinotonya­ra. Ane tsika yekuuya kumba nguva dzaenda uye kusvikoita ruzha nekugwejen­ura magonhi achikanda matombo anotema imba yangu,” anodaro Manyawa.

Anoti Arufaneti ano- gara achimutyis­idzira kuti achamuuray­a.

“Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti amai ava vanogara vachindity­isidzira kuti vachandiur­aya.

‘‘Mumwe musi akambouya nemapanga maviri achiti anoda kundiuraya saka ndazouya kuno kuti ndibatsirw­e,” anodaro Manyawa.

Arufaneti anopikisan­a nemashoko aManyawa achiti: “Anonyepa mukadzi uyu. Handina kumbobvira ndaenda kumba kwake uye kugwejenur­a magonhi. Mukadzi uyu ari kugara nemurume wangu uye mhirizhong­a yese yakatanga apo ndakaenda kudare remendenen­zi kuti murume achengete vana, kumba kwake handiendek­o ini,” anodaro.

Manyawa anobva amugamha achiti ari kunyepa.

“Anonyepa, ndakatombo­enda kumapurisa nekuda kwenyaya dzake nekuti anoti ndiri pfambi yemurume wake, ngaasiyane neni chete,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Manyawa gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe