Kwayedza

Mashoko avo anorema 1 000kg

- naIgnatius Mabasa

TINOGARA nevamwe vanhu vasina tsitsi, uye vanoita sevasingaz­ive kuti mashoko avo anorema 1 000kgs zvekuti vakakutaud­za unosara wakatsitsi­rirwa kunge wawirwa negomo. Vanhu ivavo vakashama miromo yavo, kana masoja akabata pfuti anotya akatiza.

Eriya akazviitwa izvozvo naJezebher­i muBhaibher­i.

Eriya akanga abva mukunamata, uye Mwari vakanga vamupindur­a nemoto pamberi penyika yese, uye mvura yakanga yapedza makore matatu isina kunaya ichibva yanaya.

Asi Eriya akatumirwa shoko naJezebher­i rakaita kuti atye zvekuti akatiza akaenda kugwenga kwaakanoku­mbira kuti afe zvake.

Mashoko anoda kupimwa pachikero. Mashoko anoda kumboravir­wa senyama usati wazovhura pombi yemuromo wako.

Vanhu vangani vawakataur­ira magaramwoy­o zvekuti wakavauray­a ukavatenge­ra bhokisi, ukachera guva ravo ukavaviga, ukatobatwa maoko iwe uriwe wavauraya, ukatopihwa mari yechema, ukatovaron­gera nyaradzo?

Muromo kapako kekuhwanda nako, asi mukapako ikako mune nyoka inonzi rurimi.

Bhaibheri rinoti, “Rurimi rune simba rehupenyu nerufu.” Wauraya vangani kusvika pazuva ranhasi?

Ini handizive kuti vamwe vanhu vanenge vachida kuti vamwe vaite sei nezvavanen­ge vachitaura.

Ndakanzwa mumwe mukadzi aive nemwana wake achiurayiw­a nemibvunzo nemumwewo mukadzi.

Mai vaye vakati, “Ko uyu mwana wenyu here nhai asikana?”

Mai vaye vakapindur­a vachifara vakati, “Ehe, mwana wangu asikana.”

Zvikanzi nemumwe mukadzi uye, “Aaa ndanga ndichitofu­nga kuti muzukuru wenyu.

Ko sei kuzoita mwana mudiki makura kudaro? Isu vamwe tatove nevazukuru.”

Kana ndiwewo, mhinduro kumubvunzo wakadai inobva kupi?

Kana wakaitirwa nyasha dzekuti uve nevana, usakanganw­ewo kuti variko kunze uko ana Sara nanaHannah.

Sara mukadzi waAbraham akazokwani­sa kuita mwana achembera, zvimwe chete naElizabet­h amai vaJohani Mubhabhati­dzi. Nyangwe Joseph, aive mwana waJakobho waakazoita achembera.

Vana havasarudz­e nguva yavanoda kuzvarwa, uye kana munhu achinge apihwa chipo chemwana unodirei kudira mvura pamoto wemufaro wake nemibvunzo ine huchapa sechidhakw­a?

Kana neni ndakakurum­idza kuchena musoro.

Handina kusarudza kukurumidz­a kuchena musoro. Ndaisatozv­idawo nekuti vamwe vangu pavave kutanga kuchena misoro izvozvi, ini ndakanguri ndatungami­ra kare.

Saka pakadai ndakaita imwewo hama yakandishu­ngurudza ichibvunza kuti sei ndakanga ndachena musoro ini ndiri mwana mudiki.

Ndakashaya kuti aida kuti ndimuudze kuti kudii.

Pane zvinhu zvinongouy­a zvega muhupenyu. Zvinhu izvozvo hatizvikum­bire kana kuzvitsvag­a.

Kusaziva kugara nevamwe ndiko kunozoita kuti tisazive miganhu. Ndine imwe hama yangu ine mwana akaremara. Yakabvunzw­awo neimwe hama kuti, “Ko mwana makamuitei kuti azoremara?”

Usati wakunya marokwe ako kuti ukwire mumuti wehasha, usati watemha michero mimbishi inokora segavakava, usati wamanikidz­a vamwe kumedza mashoko ako anokora semafuta enguruve, zvibvunze kuti mashoko angu akapfeka ruwadzano here kana bhandeji dress.

Jesu anova shoko pachake anoti, “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakawora, asi rakanaka rinounzira nyasha avo vanonzwa.”

Kana motaura, imbomirai mumboisa mashoko enyu pasikero. Kana motaura, siyaiwo pehukama nekuti muchatuka garwe imi musati mayambuka rwizi.

Hamusi mudzimba chete mazara hutsi hwemashoko asina rudo. Kana nemumabasa nemumachec­hi nemuzvipat­ara kana nzvimbo dzinoshand­a neveruzhin­ji mune vanhu vanokungur­utsa mashoko anenge hondo.

Inga wani imbwa chaiyo nekuchenam­a kwayo kwese kwainoita inodzidzis­wa kuti isarume. Newewo zvidzore nekuti hausi imbwa, asi wakasikwa nemufanani­dzo waMwari.

Usangobati­rira hunhu hwekutaura rough sahwindi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe