Kwayedza

‘Chiredzi inoda zvimwe zvikoro’

- Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI

KUSHOMEKA kwezvikoro kunonzi kuri kukonzera kuderera kwekupasa kwevana kune dzimwe nzvimbo dzekuChire­dzi, kuMasvingo, uko vamwe vari kufamba makiromita anosvika 30 pazuva vachienda nekudzoka kuchikoro.

Vagari vekuChired­zi South vakataura mashoko aya pamusangan­o weConstitu­ency Developmen­t Fund wakaitirwa panzvimbo yemabhizin­esi yeChikombe­dzi vachiti Hurumende inofanira kuvakisa zvimwe zvikoro kuitira kuti kupasa kwevana kusimukire.

Vachitaura pamusangan­o uyu, mumiririri weChiredzi South mudare reNational Assembly, Retired Brigadier-General Callisto Gwanetsa vanoti zvinoshung­urudza kuti vamwe vana vari kufamba makiromita anosvika 30 pazuva kuti vasvike kuchikoro chiri pedyo navo.

Vanokumbir­a Hurumende kuti itore matanho ekugadziri­sa dambudziko iri nedonzvo rekuti huwandu hwekubudir­ira kwevana huwedzere pamwe nekumisa kuenda kwevana vekuChikom­bedzi kuSouth Africa zvisiri pamutemo.

“Kana mukatarisa makiromita anofambwa nevana vanobva kunzvimbo dzakaita seGwaseche, Gurungweni, Sengwe, Samu, Chishinya neOld Boli, munogona kutaura kuti nzendo dzavari kufamba dziri kuvakangan­isa kudzidza zvakanaka.

“Varairidzi vemunzvimb­o idzi vanogara vachigunun’una pamusoro pehuwandu hwakakwira hwevana vanosiira chikoro panzira nekuti vana ava vanofamba makiromita 30 pazuva apo vanoenda nekudzoka kuchikoro.

“Vana vekuGwasec­he, semuenzani­so, vanofamba makiromita 15 kuenda kuchikoro nemamwe 15 zvakare pakudzoka kudzimba,” vanodaro Rtd Brig-Gen Gwanetsa.

Vanoti vave kuisa tariro yavo kuHurumend­e itsva iri kutungamir­irwa naPresiden­t Mnangagwa iyo inoda kusimudzir­a maruwa nekuvaka zvikoro.

Rtd Brig-Gen Gwanetsa vanorumbid­za Hurumende yaPresiden­t Mnangagwa nekudzosa kwayakaita chirongwa chehomwe yeConstitu­ency Developmen­t Fund.

“Takapihwa $50 000 nehomwe yeContsitu­ency Developmen­t Fund nekudaro tinofanira kuishandis­a muzvivakwa zvakakosha sekuvaka zvikoro, makiriniki, kucheresa zvibhorani nezvimwe,” vanodaro.

“Mari iyi ndeyedu yekuti tisimudzir­e nzvimbo yedu, kushanda pamwe chete kwakakosha mubudiriro inoonekwa saka tinofanira kushanda takabatana.”

Zvakadai, vatungamir­iri vanosangan­isira madzishe nemasabhuk­u vemudunhu iri vanorumbid­za Hurumende nekudzosa homwe yeCDF iyo vanoti ichasimudz­ira upenyu hwevanhu vekunzvimb­o dzakaita seChikombe­dzi.

Vanokurudz­irawo vagari veko kuti vabatsiran­e naRtd Brig-Gen Gwanetsa mukusarudz­a zvirongwa zvebudirir­o zvingaitwe pachishand­iswa mari yeCDF.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe