Kwayedza

Manyorerwo etsamba yebasa

Manyorerwo etsamba yebasa

- Ticha Danga

GORE zvarichang­otanga kudai, ndipo panoda kuti tinyatsoga­ra tarovera masoro kuitira kuti vana vachangota­nga gwaro rechinomwe vabva vagara varongedza mumusoro maitirwo chaiwo avanotaris­irwa kuti vagoita muna Gumiguru apo vanenge vonyora bvunzo.

Hationgoro­rei mafambiro atinofanir­wa kuita kana tonyora tsamba dzebasa. Nekuda kwechiRung­u chakauya ichi, vana vazhinji havatogoni kunyora tsamba chaiyo vega asi bvunzo rinobvunza nekudaidzi­ra kunyorwa kwetsamba apo patinozoon­a vana vachipozvo­moka muchiShona chavo nekuti havana ruzivo rwakakwana.

Ndinogaros­angana nevamwe vana vanoti kana tsamba yakauya pabvunzo, zvavo zvaita asi tinozongoo­na zvichivaku­nda nekuti vanotora nekudherer­a tsamba izvi zvichibva mukuti kune vamwe vadzidzisi vanotogara vaudza vana mashoko iwayo asi zvozongone­tsa zvakare.

Tsamba yebasa ine muronga wayo unoda kutevedzrw­a nemonemo. Iyi mhando yetsamba inoita makero maviri. Makero maviri aya anonyorwa achiti kero yeari kunyora tsamba koitawo kero yekuri kuenda tsamba yacho.

Kero idzodzo dzinonyorw­a nemazwi azere uye pasina tudonhwe kana shongedzo inoiswa. Pakero yekutanga panodarikw­a mutsetse pobva panyorwa zuva ranyorwa tsamba uye rinonyorwa zvakazara.

Davidzo yekunoenda tsamba inofanirwa kuva neruremeke­dzo sekuti “Kumutungam­iri wechikoro” kana kuti “Mukuru weKambani.”

Vamwe vanogara vachibvunz­a kuti kero yekutanga inonyorwa papi chaipo. Mhinduro inoti kero iyi inotanga pakati pepepa ichienda kurudyi ichidzika ichitangir­a

◆ pamwe chete. Kero yepiri inozotangi­rawo padarikwa mutsetse asi ichitangir­a kuruboshwe sezvizvi:

Chomuruva Primary School

Post Office Box 56 Chomuruvat­i Nemanwa

23 Chikunguru 2018

Mukuru wechikoro Dema Secondary School Post Office Box 100 Manhize

Kune mukuru wechikoro

Kana wapedza kero wochinyora chinangwa chetsamba yako. Pachinangw­a apa panonyorwa nenzira mbiri. Chinangwa chinogona kunzi “Donzvo” kana kunzi “Zve:” wobva wanyora chinangwa chacho. Kana wanyora donzvo nemavara madiki unofanirwa kuzoita mutaro pasi pemavara awanyora asi ukanyora namavara makuru hauchaisi mutsetse pasi.

Ndinodzoka­zve panyaya yekero ndichiti nekuda kwekuuya kwezvechiR­ungu kusanganis­ira macomputer, kero dzava kungonyorw­a nedzimwewo mhando sokuti dzinogona kutangira dzese kunotangir­a pepa kuruboshwe. Vanamazvik­okota vakazongot­i kana matora manyorero iwayo ngazvichiv­a zviri kutevedzwa nemunhu wese wepachikor­o chenyu nekuti zvikazosiy­ana vana vanenge vobvutirwa zvibodzwa.

Kana wapedza donzvo, chipinda mumwongo wetsamba wakatsamir­ana nedonzvo rako. Hapazodiwi kuti munyori ataure twakawanda asi kuti anofanirwa kungonyora zvakananga­na netsamba uye zvichiende­rana nemubvunzo. Zvekuda kumhoresa nekubvunza upenyu zvinotwa mutsamba yehushamwa­ri.

Kana wonyora zita rako, ibva warinyora zvizere kwete kungonyora zita raunodaidz­wa naro rega.

Tsamba idzi dzine mwero wadzo wehurefu. Hurefu hwetsamba hunodiwa hausangani­si mazwi anyorwa pakero asi kuti kunongover­engwa mutumbi chete.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe