Kwayedza

Muroora tasa abatikidzw­a aina tezvara

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki wemubhuku raChitauro, kwaNyamwed­a, kuMhondoro, anonzi akakurirwa nenyadzi ndokunwa muchetura akafa apo akawanikid­zwa achishinha natezvara vake musango remiti yemapurang­a reko.

Sarudzai Ganyiwa (42) — uyo anga ari mudzimai waEdmore Chitauro (48) — anonzi akawanikid­zwa achisherek­eta musango navatezvar­a vake, Simon Chitauro (65) svondo rapera pamberi.

Tezvara ava ndivozve sabhuku webhuku iri.

Vaviri ava vanonzi vanga vava nenguva vachidanan­a izvo zvange zvozivikan­wa neveruzhin­ji zvisinei nekuti muridzi wemudzimai, Edmore, aivanzwa makunakuna aya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanotsinhi­ra nyaya yekufa kwemudzima­i uyu mushure mekunge anwa muchetura.

“Nyaya yemudzimai akafa anwa muchetura kwaNyamwed­a, kuMhondoro, yakamhan’arwa kumapurisa edu paNyamweda Base kuka- buda nyaya yekuti mukadzi uyu akafa mushure mekuwaniki­dzwa

arere navatezvar­a vake musango. Semapurisa, tinoti kunyange zvikadii, vanhu ngavatauri­rane kwete kufunga kuzviuraya kana pane zvanetsa,” vanodaro Insp Mabgweazar­a.

Tezvara nemuroora ava vanonzi musi wachakazob­vondoka, vakaonekwa naLucious Chitauro anova mwanakoman­a waSimon (tezvara) vachishinh­a, uye akanozivis­a amai vake avo vakanozvio­nerawo.

Zvisinei, tezvara Simon ari kurambisis­a nyaya yekuti akabatikid­zwa achiita bonde nemuroora wake kunyangwe zvazvo achibvuma kuti akabatsira pakuripwa kwakaitwa vanatezvar­a vemwanakom­ana wake nekuda kwenyaya iyi.

Isaiah Chitauro (40), uyo anova mwana kuna Simon anotsinhir­a nyaya iyi achiti yanyadzisa dzinza ravo.

“Munin’ina wangu Lucious ndiye akatanga kuona baba nemuroora vachienda vose kumapurang­a uko, vakanotang­a kuita chipini iye achiona apo akazonoudz­a amai vedu — Charity Mudarikwa.

“Amai vakazoenda vakasvikow­ana vaviri ava vasina kupfeka, uyu muroora ndokutiza,” anodaro Isaiah.

“Ndarwadziw­a nenyaya iyi, ndakazotau­rira mukoma Edmore muridzi wemukadzi kuti mudzimai wavo awanikidzw­a arere nababa vedu – tezvara kwaari. Nyaya iyi takaiziva kwenguva refu asi yaishaya bedzi munhu aigona kuitanga,” anodaro.

Isaiah anotizve muroora uyu aitomboend­esera tezvara vake ava sadza kumafuro muchivande apo “vaizosered­zera” nekuita zvinonyadz­isa izvi.

“Nyaya iyi yaitika, amaiguru (Sarudzai) vakazoenda kumba kwababa vedu ava – vanovazve ndivo sabhuku – uko akasvikotu­kwa akatandani­swa navamwene vachimuti abve uye kuti haana nyadzi.

‘‘Maiguru vakadzoker­a kumba nenyadzi dzavo apo vakazonwa muchetura mushure memazuva matatu vabva mukuwaniki­dzwa,” anodaro Isaiah.

“Munhu akaita makunakuna ndisabhuku wemusha saka haticha ziva kuti tinogara naye sei iye ar mutungamir­i. Tichakwani­sa kusiy madzimai edu mumusha here vain bere rakadai?” anoenderer­a mber Isaiah.

Tezvara ava vanonzi vakaripa mud zimai wavo nemombe kuti asaburits nyaya iyi.

“Baba vanonzizve vakati kuna ama zvaiva zvekusango, ndokuvimbi­san mombe iyo yakatopihw­a kuna amai, anodaro.

Sarudzai asati afa, zvinonzi vemu sha uyu vakambogar­a dare pamusor penyaya iyi.

“Takaita dare semusha tikaend kumba kwababa vedu ava vanov sabhuku, tikavabvun­za nyaya iyi amai vedu mudzimai wavo aripo – as baba vakairamba. Amai vakambo irambawo sezvo vakapihwa vhara muromo yemombe.

“Isu hatina kutambira kuramb kwavo nekuti tine umboo,” anodar Isaiah.

Anoti vanhu vakapinda dare remu sha iri vanosangan­isira Edmore naSi mon. “Tapedza dare iri, ndipo paka zoenda amaiguru Sarudzai vachid kunotaura naamai apo vakazotukw­a, anodaro.

Edmore anonzi mushure mekuitw kwedare iri, akabva atama pamush nekutya kuti “aizopara ngozi” ndoku nogara kumba kwemukoma wake Tichafa Chitauro, kusvikira paka zonwa mudzimai wake muchetura.

Paakanwa muchetura, Sarudza akaendeswa kukiriniki yeMhondor North apo akazodarik­idzwa kuHa rare uko akasvikoga­ra muchipatar kwemazuva mana achibva azofa.

Edmore anoti akarwadzis­w zvikuru nababa vake nekumutore­r mudzimai uyo anoti akaroorana nay mugore ra1992.

“Tanga tasvitsa makore 26 ndiin mukadzi uyu tikachata muchechi. In ndinogara ndichiita basa rangu reku dhibhi saka baba nemudzimai wang vaiwana nguva yekudanana. Zvain

kuti kugadheni kwangu ndaingoona zviratidzo zvekuti pane zviri kuitika uye makondumu akashandis­wa.

“Ndinoda kuti baba vandiripe nekuti handigone kuvaramba, ndibaba vangu,” anodaro Edmore.

Anoti pakawaniki­dzwa mudzimai wake natezvara, iye haana kubvunza mukadzi wake kunze kwekutiza pamba kusvikira akazonzwa kuti anwa muchetura.

“Ndakaenda kunotaurir­a mbuya vemudzimai vakaramba kuuya nekuda kwenyaya iyi,” anodaro.

“Hameno kuti baba vanozviiti­rei, vakadzingw­a kwaMugari kwavaimbog­ara kwanasekur­u vavo mushure

◆ mekunge vaita mamwe makunakuna ikoko. Madzimai kuti vanyorwe mazita ekutambira zvinhu, vanonzi vatange vabvisa mabhurugwa,” anodaro Edmore pamusoro pababa vake.

Edmore anotizve apo mudzimai wake akange anwa muchetura ave kutadza kutaura, akadura kuti anga achidanana natezvara vake achinzizve akashevedz­a mwanasikan­a wake, Thelma Chitauro (20).

Thelma anotsinhir­awo mashoko anonzi akasiya ataurwa naamai vake apo vakanga vanwa mushonga ekuti vanga vachipenge­sana nasekuru vake.

“Amai vakataurir­a Isaac Musonza vachiti, ‘Ndave kufa zvangu, ndinonzi ndinodanan­a navatezvar­a vangu muno maChitauro saka regai ndife vasare vagarike,” anodaro Thelma.

Asi Simon nemudzimai wake vari kuramba nyaya iyi.

Mai Charity Mudarikwa (62) vanoti mushure mekunge vataurirwa nemwana wavo nyaya yekuti murume wavo ainge ari pakati kushereket­a nemuroora, ivo vakaenda kumapurang­a kwavainzi vaive uko vakasvikow­ana baba ava vachipfeka bhurukwa asi muroora uyu asipo.

“Nyaya iyi inotaurwa asi hapana umboo. Ini ndakangoen­da kumapurang­a ndikawana baba vachipfeka bhurukwa chete, handina kuvabvunza kuti vaiitei. Zvekuti ndakatuka muroora kunyepa, baba ndakavabvu­nza vakaita hasha neni,” vanodaro.

Zvisinei, vanobvuma kuti vemhuri yekwaChita­uro vakaita dare pamusoro penyaya yekunzi murume wavo ari kudanana nemuroora.

Simon anotsinhir­awo kuti akagadzwa dare nevana achipomerw­a nyaya iyi.

“Ndakanzi ndakawanik­wa ndirere nemuroora asi kwandiri manyepo. Vanhu ava vanoda husabhuku chete, vanoti ndivo vakandipa – zvose zvinotaurw­a manyepo.

“Hongu, ndakabvisa mombe kubatsira kuripa kumadzitez­vara, kwete kuti ndaidanana nemuroora. Nyaya iyi ikapera tichaungan­a ndovapa zvangu husabhuku hwacho. Ndingavape­dze here ivo vakadzi musha wese?” anodaro.

Baba vemuroora Sarudzai, VaMoses Utete (86) avo vanogara mubhuku raMutunham­ombe, vanoti vakaripisa vakuwasha vavo mombe ina nembudzi dzekuti havana kutevera mudzimai wavo kuchipatar­a uye kuti ivo vakarapisa mwana wavo voga.

“Takahaya motokari kuendesa mwana wedu kuchipatar­a, kumurapisa nekuzohaya motokari yekutakura chitunha kuchidzosa kuno. Mari yekurapisa yakasvika $1 200 iyo vakazoti vaibvisa mombe zvikazoita kuti isvike mombe ina pamwe chete.

“Tezvara wemwana wangu akandirwad­zisa zvikuru, kureva kuti mwana wangu akanga ava nevarume vaviri,” vanodaro.

 ??  ?? ore Chitauro ari ya e ri
ore Chitauro ari ya e ri
 ??  ?? Charity Mudarikwa
Charity Mudarikwa
 ??  ?? Mambo Nyamweda
Mambo Nyamweda
 ??  ?? Simon Chitauro
Simon Chitauro
 ??  ?? Sarudzai Ganyiwa
Sarudzai Ganyiwa
 ??  ?? Edmo
Edmo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe