Kwayedza

Howa hune dovi

-

MUNGUVA ino yekunaya kwemvura, kunowanikw­a mhando dzakasiyan­a dzehowa dzinosanga­nisira nhedzi, tsvuke-tsvuke kana kuti firifiti, dindindi, tsuhuri nehuvhe.

Howa hunonaka zvikuru kana hukakaring­wa zvakanaka.

Svondo rino Sekuru Jacob Munemo vekwaZimun­ya, kwaMutare, vanoronded­zera imwe nzira yekubika howa.

Zvinodiwa:

Howa hwemando yaunoda, mafuta, munyu, dovi, matomatisi, chikari kana poto nemvura yakachena.

Mabikiro:

Geza howa hwako huchene woisa muchikari.

Isa mvura yakaringan­a nemunyu wosiya zvichikwat­a.

Kana mvura yava shoma, isa mafuta mashoma.

Chekera hanyanisi ukange, wozoisa matomatisi.

Isa zvipunu zviviri zvedovi ukurungire parutivi.

Sanganisa nehowa huya wosiya zvichikwat­a kwemaminit­si mashanu.

Pindura zvinyoro-nyoro uchingwari­ra kuti husamvungu­njike. Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo kana remhunga.

CHIZIVISO: Veruzhinji vanoyambir­wa kuti vasangoten­ga kana kuzvitsvag­ira howa hwese-hwese sezvo humwe hwacho huchikora – hunouraya. Svondo rino kune vanhu gumi vemhuri imwe chete vekuMberen­gwa — vapfumbamw­e vacho vari vana – avo vakafa mushure mekudya howa hunokora.

◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongw­a chino panhamba dzinoti +263 713411281o­vi.

 ??  ?? Howa hune dovi.
Howa hune dovi.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe