Kwayedza

TB isingadavi­re kumishonga

- Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kuita mabasa makukutu ekurwisa chirwere cherurindi asi dambudziko redenda iri riri kuramba richikura zvichiteve­ra kudyidzana kwariri kuita neutachion­a hweHIV nechirwere cheAID necheshuga izvo zvinoita kuti rinonoke kupera uye richiramba kupedzwa nemishonga, iyo inozivikan­wa seMulti-Drug Resistant TB (MDR-TB).

Izvi zvakabuda pamusangan­o wekurwisa chirwere ichi wakaitirwa vatori venhau nesangano reInternat­ional Union Against Tuberculos­is and Lung Disease kuKadoma munguva pfupi yadarika.

Vachitaura pamusangan­o uyu, Dr Martin Mapfurira, avo vanova murongi mukuru anoona nezvechirw­ere cherurindi kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti Hurumende iri kusangana nenyaya dzakati wandei dzechirwer­e cherurindi chinova chisingada­iri mishonga.

“Chirwere cherurindi icho chisingaka­siki kudairana nemishonga (MDR-TB) chatova mutoro mukuru kunyika nekuti chinodhura kuti chinge chichiwani­rwa mishonga inochipedz­a. Kunonoka kuvhenekwa chirwere ichi ndiyo imwe mviro-mviro inoita kuti chizoramba kudairana nemishonga nekuti chinenge chatokomba,” vanodaro.

Dr Mapfurira vanoti Hurumende iri kuedza kurwisa chirwere ichi izvo zvinoonekw­a nekuderera kwachakait­a nenyaya 3 000 zvisinei nekuti kudyidzana kwachiri kuita neHIV kwakaonekw­a kuchidered­za budiriro yekurapwa kweTB.

“Asika, izvi hazvirevi kuti vanhu vese vane chirwere cherurindi vanenge vaine HIV. Zvisinei, ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu che75% chevane chirwere cherurindi masoja avo emumuviri anenge asisiri kunyatsorw­isa zvirwere. Zvirwere zvakadai seshuga ndizvo zvimwe zvinodered­za masoja emuviri kuti asakwanisa kurwisa TB kusanganis­ira HIV,” vanodaro.

Dr Charles Sandy, avo vanova deputy director weAids and TB Unit kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti nyaya 38 367 dzechirwer­e cherurindi dzakavepo mugore ra2011 kana zvichienza­niswa ne41 305 dzemuna 2012, zvichireva kuti dzakaderer­a nechikamu che7,1%.

“Kuderera uku kwakakonze­rwa nekuwanisw­a kwemishong­a yemaAnti-Retroviral Drugs munyika yese saka tinozvipem­bedza tisingakan­ganwi kutenda vatsigiri vedu vese muzvirongw­a izvi,” vanodaro.

Zvisinei neshanduko huru iyi, nyika ichiri kusangana nedambudzi­ko rechirwere ichi chiri kuramba kupedzwa nemishonga iripo.

Mugore ra2011, varwere 156 vakaonekwa vaine mhando yechirwere cheruridzi urwu, cheMDR-TB uye huwandu uhwu hwakaramba hwakakwira kuenda pa244 muna 2012.

Chirwere cherurindi chinonetsa kurapika chichikonz­erwa nemabhakit­iriya ayo asingabvum­e kuparadzwa nemishonga yakadai seIsoniazi­d neRifampin.

MDR-TB inogona kuvapo asi inorapika zvekutoura­ya utachiona uhwu nechikamu che100% kana mishonga ikashandis­wa nemazvo.

Zvakaonekw­a kuti vamwe varwere vanokundik­ana kupedza mishonga yavo mushure mekunge vava kunzwa zviri nani kana kuti vachinge vaona isiri kupindiran­a navo (side effects) uye kunonoka kuwaniswa mishonga muzvipatar­a zvinova zvinoita kuti vapedzisir­e vasingacha­bvumwi nemishonga iyi.

“Zvimwe zvipatara zvinogona kushaya mishonga iyi nenguva kana kuti varwere vanogona kunge vachidhuri­rwa nezvifambi­so apo zvipatara zvinenge zviri kure, izvo zvinoita kuti vakundikan­e kutora mushonga yavo nenguva.

“Vamwe varwere vanogona kurutsa mushure mekutora mishonga zvichiita kuti vasapore nekukasika.

“MDR-TB inokonzerw­a nebhakitir­iya rinonzi mycobacter­ium tuberculos­is rinova rinoparadz­a mapapu nedzimwe tsinga dzemuuropi uye mwandabvu,” vanodaro Dr Sandy.

Dr Sandy vanoti nzira imwe chete yekuita kuti vanhu vange vachipedza dambudziko reMDR-TB kutora mishonga yavo nenguva uye yese sekutarwa kwazvineng­e zvakaitwa nemachirem­ba.

Zvisinei, panguva iyo nyika iri kuedza kurwisa chirwere cherurindi, varwere vari kuwana nyevenutso huru apo mishonga iyi iri kuwaniswa pachena.

Asi pachiri nemamwe matambudzi­ko akadai sekudhurir­wa nezvimwe zvinodiwa mukurapwa kwechirwer­e ichi zvinosanga­nisira mari dzekudhind­isa makadhi (user fees), ongororo sedzechika­rarwa dzinoitwa neGene Expert Machine kana maX-ray nezvimwe.

Mumwe murwere akakurukur­wa naye neKwayedza kuKadoma Hospital anoti akabatwa neMDR-TB nekuda kwekuti aikundikan­a kuwana mishonga yake nenguva sezvo achigara chinhambwe chemakirom­ita makumi matatu kubva pachipatar­a uye ari kutora mishonga yemaARVs.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisati­on inoratidza kuti chirwere cheMDR-TB chinotora nguva refu kuti chirapwe chichipera uye chinorwadz­a.

Kana murwere achinge apinda muchikamu chepiri chekutora mapiritsi (second line) akakundika­na kuatora nemazvo anobatwa neExtesive Drug Resistant-TB inova inonetsa kurapika zvekuti munhu anogona kuzorasiki­rwa neupenyu uye zvirwere izvi zviri nyore kutapurira­na.

Muzvipatar­a varwere vane rurindi vanoiswa mumipanda yavo voga kuitira kuti vasatapuri­re vamwe vasina uye varapi nevashanyi vanoshandi­sa mamasiki ekudziviri­ra kutapurirw­a asi hazvirevi kuti vanenge vachisarud­zwa.

Mune mamwe matunhu akadai seMashonal­and East, varwere vane MDR-TB vari kurapirwa kudzimba izvo zvinoita kuti vasaongoro­rwe nemazvo nekuda kwekuti vamwe vacho vanenge vachigara kure.

VaMasimba Nyamuchera vanova murongi kusangano reZimbabwe National Network For People Living With HIV (ZNNP+) vanoti pachine mukaha mukuru maringe neruzivo kuvanhu vari munharaund­a pamusoro pechirwere ichi.

“Vanhu vane chirwere cherurindi vari kusangana nenyaya dzerusarur­a dzakawanda apo vapepi vavo vanenge vachitya kutapurirw­a saka vatori venhau vane basa guru rekukusha mashoko echenjedzo kuti chirwere ichi chinoparad­zirwa sei nedzivirir­o yacho.

“Munguva yakatanga HIV, vanhu vaive neutachion­a uhwu vaisemwa zvikuru vamwe vachivigwa vari mumasaga asi nekuda kwekuwanis­wa ruzivo, rusarura urwu rwaderera. Vachengeti vevarwere vanofanira kuongororw­awo sezvo vari panyatwa,” vanodaro.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vavhure mahwindo edzimba nedzimotok­ari nguva dzose sezvo mabhakitir­iya eTB achiparadz­wa nyore muzuva uye mumabazi nedzimwe nzvimbo dzinoungan­a veruzhinji munofanira kupinda mhepo yekufema yakakwana.

Ongororo yakaitwa nesangano reWHO inoratidza kuti chirwere cherurindi chinoparad­zirwa kuburikidz­a nekukosora, kuhetsura, kusvipa apo majemisi anoenda mumhepo afemewa neveruzhin­ji uye chikamu che1/3rd chevanhu pasi rose vane Latent TB inova inenge isina zviratidzo, nokudaro havakwanis­i kutapurira vamwe.

 ??  ?? Muchini weGene Expert uyo unovheneka TB nekukasika.
Muchini weGene Expert uyo unovheneka TB nekukasika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe