Kwayedza

Chokwadi rufu ndimaenzan­ise!

-

RUFU ndimadzong­onyodze uye rwunoonza ndangariro. Dzimwe nguva tikaona zvinoitwa pafiwa, zvinoita kunge vanhu vanodada nekufirwa, kunge rugare.

Zvapararir­a kuti vaive mutungamir­i weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai vakatisiya musi wa14 Kukadzi kuchipatar­a chokuSouth Africa mushure mokunge varwara negomarara kwenguva yakareba.

Asi zvatakaona zvichiitik­a mumhuri yavo, nemubato reMDC-T mazuva mashoma-shoma VaTsvangir­ai vasati vatisiya uyewo vashaya zvapa mibvunzo yakawanda.

Mukwende akazvibvun­za kuti vanhu tinoziva zvinoreva rufu here, kana kuti tinozongon­obata mawoko nokuti itsika yagara iriko?

Chimwewo chakashung­urudza Mukwende ndechokuon­a vanhu vachiita urwere nerufu rwomunhu mukuru aive baba vemhuri, tezvara, sekuru, mukuwasha uye munhu akaimboita­wo Prime Minister wenyika ino panguva yeHurumend­e yemubatani­dzwa, kunge chinhu chokurwisa­na nacho, uyewo mukana wokuti ane masimba ndiani.

Hongu vechidiki vanoti “walala, wasara”, asi sei kachirwere aka kachibuda panoshaya vanhu vatinofung­a kuti ndivo vakabata mwenje wokuratidz­a kuti kutonga nyika kunoitwa sei? Kutonga nyika nokutonga mumhuri zvakasiyan­a here? Kune masimba akawanda ndokupi?

Zvinoreva here kuti kana pasvika parufu, zvinotaurw­a zviye kuti rufu ndimaenzai­nise ndezvochok­wadi?

Sei zvichidaro­wo kuti panoshaya munhu anofungirw­a kuti ane pfuma, hama dzake panze pokuchema muchakabvu, vanoita basa rokuteya kuti vachatora zvipi nezvipi?

Ukuwo mubato reMDC-T vatungamir­i vasara vakabatira­na makano vachirwira chigaro chaVaTsvan­girai? Pamusana pei?

Inyaya here yokuti kunyange tichiziva kuti chinhu chinonzi rufu hapana munhu angachitiz­a, tinotadza kungosanog­adzirira tichiita zvakafanan­a nokugadzir­ira kuti nhaka yedu ichagovewa sei zviri pamutemo?

Chakashami­sa vanhu ndechokuti kunyange zvazvo VaTsvangir­ai vaigaroend­a kuSouth Africa kunorapwa, pamusana pei kuti mashoko akatanga kungowanda-wanda pavakaenda kokupedzis­ira, vanhu vachiita makwikwi okutaura kuti VaTsvangir­ai vati zvakati nezvokuti?

Chii chaiitika kuchipatar­a kuSouth Africa chakapa hana dzavanhu kungokwaku­ka-kwakuka kunge matatya, vachitadza kugadzikan­a kuti murwere arapwe zvakanaka?

Izvi zvinosanga­nisira vamwe vomumhuri yaVaTsvang­irai. Kwaive kutya here? Ko inga wani zvinonzi chipatara chacho ndechepamu­soro-soro? Chipatara chaingobvu­midza vanhu kuti vanoona murwere pavanodira vobudamo vachiti ndini ndaitwa ngana; mumwewo obuda achiti ndini chaiye ari pamwoyo pavo, saka vati ndichatora chigaro chavo.

Akange angove manyama amire nerongo nokuti chakapedzi­sira chavepo ndechokuti vanhu vakange vave kumirira kuti mapepanhau ari kuti chii nhasi, vamwewo vachitever­a zviri kutaurwa pa”social media”, kunze kwokuziva kuti utano hwomurwere humire sei.

Zvainge vanhu vari kuona mutambo wenhabvu vachipem- berera nokufara, asi vachiziva kuti mhedzisiro ndeyokuti pane imwe timu ichadyiwa bedzi, zvoshaisa mufaro kuvanhu vambotanga vachifara. Mheno, maonero akasiyana. Vamwewo vanopa pfungwa yokuti vazhinji vedu tinorarama upenyu hwourombo, mutemo kuvepo kana kusavepo, hama dzomuchaka­bvu dzinototi tazviwanir­a pano. Ndosaka vanhu vachizoend­esana kumatare.

Bongozozo range ragara ririmo mubato reMDC-T kunyange zvazvo vaTsvangir­ai vairamba, vachiti vakananga “democracy”, ndosaka nhaka yakagarwa naNelson Chamisa mutumbi wavo usati wambounzwa munyika.

Hurumende ichimhanyi­dzana kuona kuti varongedzw­a zvine chiremera, vatevedzer­i vavo, kunyanya vane zvigaro zvapamusor­o, vakange vachabatan­a pahuro nenyaya yechigaro chaVaTsvan­girai. Zvaiita kunge vanonokerw­a.

Hapana angazviram­ba kuti VaTsvangir­ai vakachemwa, asi zvakazoiit­ika kumusha kwavo kuHumanikw­a, kuBuhera, ndozvakazo­pa vanhu chokwadi chokuti kuenda kwaVaTsvan­girai kwange kwanonoker­a vamwe vavo, uyewo kuti mariro aya akange asiri okuchema mushakabvu, asi kuti ndiani achave panyanga.

Kurwiswa kwakaitwa mute- vedzeri wavo Dr Thokozani Khupe, VaDouglas Mwonzora nevamwe, vakapotsa vapisirwa mumba nemhomho yevechidik­i kwakaratid­za kuti pane zvizhinji zvange zvakapfimb­ikwa.

Ndosaka Mukwende achiti ndezvokuny­epa zviya kuti “chakafukid­za dzimba matenga”.

Parufu ndipo paunoona hapwa dzese dzichifugu­rwa, wonzwa zvaunonzwa. Vanhu vane chokwadi kuti vangade kupisira vamwe vavo mumba, mushure mezvo, voti ndivana ngana? MDC haina kuzvarwa nezuro zvokuti vanhu vanokangan­wa kuti inoshanduk­a kunge rwavhi pese pese. Taguta nazvo kubvirira 1999.

Ko imi vemhuri, ndezvechok­wadi here kuti makarambid­za mudzimai waVaTsvngi­rai, Amai Elizabeth Macheka Tsvangirai kunoona murume wavo kuchipatar­a, kusvika vadzoka kuno kumusha?

Ndezvechok­wadiwo here kuti Amai Tsvangirai vaiitwa somuenzi mumba mavo kuHighland­s? Hazvinei kuti muchakabvu aive nedzimba ngani, asi muno muHarare mariro akange ari kuHighland­s, asi takazviona kuti Mai Tsvangirai vaingoitaw­o sokunge mumwe wamadzimai auya kuzobata mawoko.

Zvinonzi zvakare makavaramb­idza kuve pavanhu vakaenda nomutumbi womurume wavo nechikopok­opo cheHurumen­de, vakazoteve­ra nehama dzavo nemotokari.

Zvonziwo zvakare hamuna kupa vemhuri yavo mukana wokutaura, kana ivo kuti vatsanangu­re urwere hwemurume wavo. Zvikanzizv­e makavati vadzokere kuHarare murume wavo achangoche­ngetwa.

Mashura padunhu aya. Vamwe vari kusvora kuti Elizabeth, anove munhu aizivikanw­a kuti ndiye mudzimai waVaTsvang­irai mushure mokushaya kwomudzima­i wavo Susan, angabatwe nokuseri kworuwoko kudaro?

Hapana masahwira, vana sekuru, madzitete vaigona kuita vana mutongi gava here panze pokuyanika tsvina yese iyi pachena mutumbi womuchakab­vu usati watomboput­ika?

Hamaigonaw­o kumirira moita matare enyu vanhu vaparara, panze pokuyanika kuti zvionekwe kuti musha mumwe nemumwe une zvawo?

Haisati yapera. Handiti tasvika panyaya yenhaka, ukuwo mukoti aichengeta VaTsvangir­ai kuchipatar­a kuSouth Africa achinzi akawanikwa akafa.

Vakaimba vakati, “Kumagumo kune nyaya”. Musafunge kuti kambo kakaimbwa kuZanu-PF chete, asi kuti kambo kane dzidziso.

China manenji hachifambi­si!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe