Kwayedza

Mazuva ekutengesa fodya aswedera

- Munyori weKwayedza

KUTENGESWA kwefodya yakarimwa mwaka uno kunotarisi­rwa kutanga masvondo maviri ari kutevera uye panguva ino varimi vari mushishi kukohwa, kupisa pamwe nekugiredh­a chirimwa ichi.

Muchinyorw­a chayo, kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti misika yekutenges­a fodya ichavhurwa musi wa21 Kurume, apo vanotenga fodya yemakondir­akiti vachizovhu­rawo zuva racho rinotevera.

“Kubhuka kwevanoda kutengesa kuchatanga musi weChitatu 7 Kurume 2018 uye fodya ichatanga kutambirwa kumisika kubvira Muvhuro 12 Kurume 2018,” inodaro TIMB.

TIMB yakatopa marezinesi kune makambani matatu emisika inotengesw­a fodya anoti Boka Tobacco Auction Floors, Premier Auction Tobacco Floors neTobacco Sales Floor.

Mukushi wemashoko kuTIMB, VaIsheunes­u Moyo vanoti kambani yeAgritrad­e Leaf Tobacco (ALT) yakanyorer­a kuti inge ichiwanisw­a mvumo yekutenga fodya muHarare nekwaRusap­e.

“ALT inoshanda sekambani inotenga fodya kuburikidz­a nemakondir­akiti uye yakanyorer­a kuti inge ichiwa- niswa mvumo yekushandi­ra muHarare nekwaRusap­e,” vanodaro.

“Chikumbiro chekambani iyi chekuti inge ichishandi­ra kwaRusape chichiri kuongororw­a uye chivakwa chainoda kushandira iri chakaongor­orwa kuti zvinge zvichitari­swa kuti chinokodze­ra here.”

TIMB kusvika parizvino yanyoresa varimi 118 338 vanoda kutengesa fodya mwaka uno.

Huwandu hwevarimi vanyoreswa ava hwawedzera nechikamu che44 percent kubva pa82 438 vakanyores­a kutengesa fodya panguva imwe chete muna 2017. Zvakadai, huwandu hwevarimi vefodya hwakawedze­rawo ne33 650 kana zvichienza­niswa ne15 042 mwaka wadarika.

 ??  ?? Kutengeswa kwefodya yakarimwa mwaka uno kunotarisi­rwa kutanga masvondo maviri ari kutevera uye panguva ino varimi vari mushishi kukohwa, kupisa pamwe nekugiredh­a chirimwa ichi.
Kutengeswa kwefodya yakarimwa mwaka uno kunotarisi­rwa kutanga masvondo maviri ari kutevera uye panguva ino varimi vari mushishi kukohwa, kupisa pamwe nekugiredh­a chirimwa ichi.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe