Kwayedza

Misika yefodya 2 yovhurwa kwaRusape

- Lovemore Kadzura ari kwaRusape

VARIMI vefodya kudunhu reManicala­nd vanotarisi­rwa kubatsirik­a zvikuru zvichiteve­ra mashoko ekuti kuchavhurw­a misika miviri yekutenges­era fodya kwaRusape gore rino.

Mumwe wemisika iyi uchange uri pasi pekambani yeAgritrad­e Leaf Tobacco, inove itsva, uye pane runyerekup­e rwekuti Mashonalan­d Tobacco Company iri kuda kudzoka kuzoshandi­ra mudhorobha iri umo yakambosha­ndira kwemwaka mitatu isati yavhara.

Kuvhurwa kwemisika yekutenges­era fodya iyi kwaRusape kunotarisi­rwa kurerutsir­a varimi zvikuru sezvo parizvino vari kutambura nekutsvaga mari yezvifambi­so yekuti vanotenges­a chirimwa chavo kuHarare.

VaKudakwas­he Saringo avo vanove field operations manager kuAgritrad­e Leaf Tobacco vanoti kambani yavo - iyo yakatanga kushanda gore rapera - yakatora danho rekuti inge ichienda kuvarimi nedonzvo rekuvareru­tsira kuti vatengese fodya yavo zviri nyore.

“Takatora danho iri kuti tinge tichienda kuvarimi. Takaona kuti varimi vefodya vari kusangana nematambud­ziko makukutu panguva iyo vanenge vachida kutengesa fodya yavo kuHarare,” vanodaro.

“Zvinodhura kuvarimi vekuManica­land kutakura chirimwa chavo kuendesa kuHarare uye pamusoro pezvo zvine njodzi zvakare sezvo dzimwe nguva vanorasiki­rwa nemakgs eimwe fodya yavo nekuda kwetsaona kana kubirwa. Danho iri richaita kuti pasave nekuwandis­a kwevarimi kumisika yekuHarare izvowo zvichaita kuti basa iri rive nyore kuri fambisa.”

Vanoti varimi vari kufara zvikuru nekuvhura kwavakaita musika uyu uye vakawanda vakatotang­a kunyoresa navo kuti vazotenges­a fodya yavo.

“Tichange tichipa mitengo yakaringan­a uye yakanaka zvichiende­rana nehunaku hwefodya yacho. Hatidi kubirira varimi avo vanenge vakashanda nesimba mubasa ravo. Tichapinza­wo basa vanhu vane chitsama senzira yekudzikis­a huwandu hwevasina mabasa munyika,” vano- daro VaSaringo.

Zvakadai, VaFarai Mapfumo avo vanove coordinato­r wesangano reManicala­nd Young Farmers Federation uye vari murimi kuHeadland­s zvakare vanoti vanotambir­a danho rekuvhurwa kwemusika wefodya uyu nemufaro mukuru.

“Iri idanho rakanaka rekuti misika yefodya yave kudzoswa kuno zvakare,” vanodaro.

“Izvi ndizvo zvatagara tichicheme­ra. Tinoda musika unoramba uripo maRusape.”

Fodya ndicho chirimwa chinonyany­a kurimwa kwaRusape nedzimwe nzvimbo dzakapoter­edza dzinosanga­nisira Odzi neMacheke, asi varimi vanotambud­zika apo vanoda kunoitenge­sa kuHarare.

 ??  ?? VARIMI vefodya kudunhu reManicala­nd vanotarisi­rwa kubatsirik­a zvikuru zvichiteve­ra mashoko ekuti kuchavhurw­a misika miviri yekutenges­era fodya kwaRusape gore rino.
VARIMI vefodya kudunhu reManicala­nd vanotarisi­rwa kubatsirik­a zvikuru zvichiteve­ra mashoko ekuti kuchavhurw­a misika miviri yekutenges­era fodya kwaRusape gore rino.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe