Kwayedza

Makandiwa anodiwa muminda

- Kingstone Mapupu

VARIMI vokurudzir­wa kuona kuti minda yavo ine makandiwa kana kuti madhunduru sezvo akakosha zvikuru mukubata mvura inonaya nekuiwanis­a mwenzva wekufamba nayo kuti isaparadze zvirimwa pamwe nekudzivir­ira gukuravhu.

Mashoko aya akataurwa naVaJohnso­n Muzarurwi vanova nyanzvi yezvekurim­a (agricultur­al consultant) zvichiteve­ra kunaya kuri kuita mvura yakawanda mwaka uno.

“Makandiwa anodiwa paminda yedu tose sevarimi nekuti anochenget­edza ivhu redu nezviwanik­wa naizvo zvirimwa.

“Izvozvi tine minda yakazara mvura, zvirimwa zvakany’udzwa mushure mekunge takambenge tambosanga­na zvakare nezuva rakapisa zvirimwa zvedu. Saka nekuuya kwemvura yakawanda iyi taisafanir­wa kurasikirw­a asi kutoishand­isa kuburikidz­a nekuisa makandiwa muminda yedu,” vanodaro.

Vanoti zvimwe zvirimwa zvakany’udzwa nekuwanda kwemvura sezvo yainoungan­a mukati meminda pasina kwainokwan­isa kuenda nekuda kwekusavep­o kwemakandi­wa.

“Tine mhando dzemakandi­wa dzakasiyan­a dzinobatsi­ra minda yedu nekuchenge­tedza ivhu nezviwanik­wa. Minda kana iine makandiwa mvura inotiza kana kuti kudarika muminda yedu nemumakand­iwa apo inoenda kunoungana panzvimbo dzatinogad­zira tumadhamu tuduku kuzasi kweminda yedu kana mukati zvedu uyewo tochengeta mvura,” vanodaro.

Mimwe migero yemakandiw­a vanoti inoiswa nepakati peminda zvoita kuti mvura ikanaisa haiparadze minda kuita migero kana kuparadza zvirimwa.

VaMuzarurw­i vanoti kune minda yakawanda ine vhu rakakukurw­a nemvura ndokusara yangova makomba nemakorong­a.

“Saka tinoti varimi vedu ngavashand­e pamwe chete nevarimisi vematunhu avanogara

vachipihwa mazano ekuchenget­edza ivhu ravo nezviwanik­wa munguva yekunaya kwemvura yakawanda sezviri kuitika izvozvi,” vanodaro.

Vanoti zvinobatsi­rawo kudyara mitsara yezvirimwa yakachinji­ka minda kuitira kuti zvimise kumhanya kwemvura zvodziviri­rawo kuguravhu zvakare.

“Makandiwa ane nzvimbo dzatinoche­ra makomba anochenget­a mvura umo munofanirw­a kugara muchichekw­a huswa nguva nenguva kuti mvura izowana mafambiro zvakanaka pasina kuzomhanyi­ra muminda,” vanodaro VaMuzarurw­i.

 ??  ?? VaJohnson Muzarurwi memadhundu­ru umu. Zvoreva kuti tachengete­dza zvirimwa
VaJohnson Muzarurwi memadhundu­ru umu. Zvoreva kuti tachengete­dza zvirimwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe