Kwayedza

Ndamirira Khan: Brook

. . . ‘Ndofunga munhu wese anoda kuona mutambo uyu uchiitika’

-

KELL Brook anoti agadzirira kurwa naAmir Khan mushure mekukunda Segey Rabchenko mumutambo wake wechipiri adzoka mutsiva kuSheffiel­d.

Brook akadzoka munhandare yetsiva kekutanga musi weMugovera wadarika zvichiteve­ra kukundwa kwaakaitwa naGennady Golovhin naErrol Spence (Jr).

Uyu mutambo wange uri nyore kwaari apo akarova Rabchenko akaita chadzimira.

Akataura mutambo uyu wapera kuti ave kuda kusangana naKhan mumutambo unotevera.

Paakabvunz­wa kuti anoda kusangana nemutambi anorema zvakakura sei, Brook akati, “Musanyanye kufunga zvehuremu hwemutambi asi munhu wandiri kuda kusangana naye ndiKhan.”

Zvichange zvakaoma kuti abvume kusaina pane kurwira bhande.

“Ndofunga munhu wese anoda kuona mutambo uyu uchiitika.

“Tinaye puromota wedu pano, Eddie Hearn, ndiye anotironge­ra mitambo yedu saka chii chinozvita­dzisa kuitika iko zvino?

“Tinofanirw­a kugara pasi, toronga kuti mutambo uyu ubudirire,” anodaro Brook.

Eddie Hearn, uyo anopuromot­a vatambi vaviri ava, anoti Brook anofanirwa kutanga abuda mumutambo wake naPhil Lo Greco wekuCanada Kell Brook muna Kubvumbi vochizotan­ga kuronga zvemutambo waari kuda naKhan uyu.

“Amir Khan vs Kell Brook mutambo watange takamirira kwemakore matatu kana mana adarika.

“Munhu wese anoda kuuona uchibudiri­ra. Mutambo watinoda kuona uchibudiri­ra,” anodaro Hearn. — SportsMail Boxing

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe