Kwayedza

Rwendo rwuno Kwayedza yakachiona

- Kingstone Mapupu

VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakachiona apo vakapotser­wa matombo aingobva mumhepo, imba ndokubatir­a moto apo vaiva pakati kubvunzuru­dza nyaya yeimwe mhuri yekuBikita, kuMasvingo, iyo yatambudzw­a nezvinhu zvisiri kuzivikanw­a kuti zvii.

Mhuri yemubhuku raMakuwe, kwaMambo Mukanganwi, kwaNyika, yatambura nekutemwa ichipisirw­a musha nezvinhu zvavasinga­one.

Vanotaura vanoti aya mabasa ekamhuka kanonzi sandawana, zvidhoma kana zvikwambo.

Apo munyori uno, mutori wemifanani­dzo Nicholas Bakili nemutyairi weZimpaper­s Charles Nyakudya vaive pamba paMbuya Easther Shava Makuwe (67), vakaoneswa ndondo nemabwe akangotang­a “kunaya” achivatema achibva mumhepo.

Panguva imwe chete iyi, moto wakabva wabatira woga pane imwe imba yepamusha uyu.

Bhaisikopo remahara iri rakatanga apo Mbuya Makuwe vaiva vakatungam­idzana nevatori venhau vachipinda pagedhi repamba pavo vachiteved­zana nemwanasik­ana wavo Beauty Mawire (48) nemwanakom­ana, Last Makuwe (32).

Apa vaitodzoka pamusha uyu kuti varondedze­re kuKwayedza zviri kuitika sezvo vose vasisagare­po vachitiza dambudziko iri.

Matombo akangotang­a kupotserwa achidarika nemukati mevanhu.

Last ndiye akatanga kuridza mhere achiti, “Matombo aye atanga!”

“Zvatanga, vakomana tizai matombo aye atanga! Zvino todiiko veduwe? Amai tizai, hendei kunze kwemusha,” anodaro achizhamba uye achitiza akabata musoro nemawoko ose.

Mazitombo akawanda akadarika nepakati pemutori wenhau uno nevamwe vanhu apo aitevedzan­a naLast pakufamba, Bakili ari wechitatu kumashure.

Bakili akapotswa nezidombo pachipfuva uye munhu waizokaruk­a wanzwa mhepo inenge ichivhuvhu­ta nekuda kwesimba rekupotser­wa raiva nematombo aya. Dai akabata munhu, kana nyaya ino ingadai iri kurondedze­rwa nepamwe.

Matombo aya akanowira chinhambwe chingaite mamita gumi kubva pataiva, uchiona kuti hana dzedu tose dzainge dzorova zvakanyany­a nekutya.

Bakili akabva ati chitsoka ndibereke apo aidaidzira kumutori wenhau uno kuti asiyane nenyaya iyi, tibve pamusha apa.

“Mukoma Kingstone pano paipa, hatisiyane­i nazvo izvi. Tinofa mukoma pano. Honai mamwe matombo ari kuuya mudenga ayo. Aaa, ini ndave kuenda vakomana, Nyakudya mutsa mota shaas tibve pano!

“Hande kuseri kwedzimba uko. Mariona here zidombo rakupotsai mukoma? Pano pashata,” anodaro Bakili achitizira kumiti yemichero iri pamusha uyu.

Vana vepamusha uyu vanosangan­isira Sabhuku Makuwe, Last, Beauty naMbuya Makuwe panguva iyi vose vakanga vave kupopota nekunamata vachituka zvinhu zvavaisaon­a.

“Honai musha wazara matombo vanangu, zvabva zvaitika muri pano. Handizive kuti ndakatadze­i ini? Ndotizira kupi?

“Ndiwo musha wandakasii­rwa nemurume wangu apo taingonama­ta tose. Hatina chatakabat­a chakaipa wani,” vanodaro Mbuya Makuwe vachingomh­anya-mhanya nechivanze. Panguva yaiitika manenji aya, mutyairi Nyakudya akavheteme­tsa motokari nemumunda wechibage ave kutya kuti yaigona kutemwa nemazitomb­o aya achibva anoimisa kure nemusha uyu. Apo vanhu vaimhanyis­wa nematombo, imwe imba yekubikira yepamusha pemumwe mwana waMbuya Makuwe yakabva yabatira moto, ndokutanga kunganduma pamberi peKwayedza.

Vanhu vemhuri iyi, kusanganis­ira vatori venhau, vakaedza kuswedera paimba iyi asi vakatambir­wa nematombo.

Vatori venhau vakaita chivindi vakasvika paimba yaitsva iyi apo mamwe matombo aipotserwa achibva mukati merimi remoto wemba yaitsva kuita sekunge mumoto uyu maiva nevaiakand­a.

Matombo aya akazowanda vatori venhau ndokutiza vonanga kumotokari yavo apo vemhuri iyi vakadzingi­rirwa nawo kunosvika kuchechi yavo yeZCC, chinhambwe chingaite mamita 300.

Vatori venhau vakazonomi­ra vave pedyo nechechi iyi apo vakazoonek­ana nemhuri iyi vodzokera kuHarare – hana dzavo dzichidand­aura kurova sengoma yeJerusare­ma.

“Mazvionera­ka vanangu? Ndiro dambudziko randinaro nemhuri yangu kuno. Endai munozivisa vanokwanis­a kutibatsir­a, ini ndatambura pamusha wandakasii­rwa nemurume wangu.

“Hatina mushonga watakambob­ata, tose tainamata,” vanodaro.

Zvakadai, nyaya dzekutsva kwemisha nemoto unongotang­a woga dzinomboit­ika kunzvimbo dzakasiyan­a dzenyika uye nguva yadarika kune imwe imba yemhuri yekuGuruve, kuMashonal­and Central, iyo yaingobati­ra moto yoga.

KwaZimunya, kwaMutare, kune musha waingotang­a kutsva woga zvakare.

 ??  ?? Mapupu
Mapupu
 ??  ?? Bakili
Bakili
 ??  ?? Nyakudya
Nyakudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe