Kwayedza

Mushonga sandwana woparadza musha

dzimba dzichingot­sva TV nemareedhi­yo zvichidzim­wa ‘Isandawana inodariso’

- Kingstone Mapupu

MHURI yemurume aimbova muvhangeri wechechi yeZCC Mbungo igere kwaNyika, kuBikita, kuMasvingo, haina rugare sezvo yapatiswa musha ichinogara mudondo zvichiteve­ra kurohwa kwavanoitw­a nematombo ayo anopotserw­a achibva mumhepo uye moto uchingobat­ira woga uchipisa dzimba nemidziyo.

Sezvinonzi izvi zvotete, maredhiyo nemaTV zvinongodz­imwa apo zvinenge zvakabatid­zwa, anongoda kuzvibatid­zazve okwapaidzw­a mazimbama, pashure zvotongand­uma kutsva.

Mari nenharembo­zha zviri kungotsaka­tikawo.

Nyanzvi mune zvechivanh­u dzinoti zviri kuitika kumhuri iyi mabasa ekamhuka kanoshandi­swa nemishonga yakaipa — sandawana — zvikwambo kana kuti zvidhoma.

Zvinonzi sandawana ndiyo inokonzere­sa moto — kwete wemheni — ichitora upfumi.

Vemumhuri vemhuri iyi vasara nemavanga ekutemwa nemabwe uye musha rava dongo sezvo dzimba nemidziyo zvapera kutsva.

Iri ndiro dambudziko rakatarisa­na nemhuri yaVaSimon Makuwe avo vakashaika mugore ra2010 ndokusiya mhuri yavo igere mubhuku raMakuwe, kwaMambo Mukanganwi, kuDuma.

Kana vatori venhau veKwayedza “vakapa kutenda” nemusi weChishanu svondo radarika — matombo akangotang­a kunaya, moto ndokubatid­za dzimba nemidziyo ivo varipo — rikava bararamhan­ya kutiza.

Aya anofungidz­irwa kuti mabasa ezvidhoma kana kuti zvikwambo.

Izvi zvinonzi zvakatanga apo dzimba dzakatanga kubvira pamusha pevabereki nekune dzevanakom­ana vose.

Kusvika pari zvino, dzimba dzapera kutsva nemoto unongotang­a woga uye vanhu vachitemwa nematombo nekurohwa neshamhu asi vasingaone kuti zviri kubvepi.

Pamusoro pezvo, mhuri iyi inoti iri kubirwa mari nezvimwewo zvinhu zvinosanga­nisira nharembozh­a.

Mbuya Easther Shava Makuwe (67), avo vanova amai vemhuri iyi, vanoti vakatotiza pamusha pavo apo panova pakatangir­a moto uyu uchizopara­rira kudzimba dzevana vavo zvekuti vave kugara kuchechi. Dzimwe nguva vanomboend­a kumusha kwavo.

Vana vavo vakatizawo pamisha yavo ndokunopot­era mumana nekuda kwehondo yematombo nemoto iyi.

Pakavamba dambudziko iri, Mbuya Makuwe vanoti mawairesi nezvivhiti­vhiti zvavo zvaidzimwa nemunhu aisaonekwa uye kana pane aiedza kuzvibatid­za, airohwa mbama yemavhundu­rira nechinhu chaaisaona.

“Murume wangu akashaika kare, taiva pachipari, ini ndiri mukadzi mudiki. Dambudziko iri rakanangan­a neni nemhuri yangu chete, handizive kuti chikonzero chei. Ini nevana vangu vakomana vose hapasisina ane chinhu, moto wapedza kupisa zvinhu zvose kubvira kudzimba nemidziyo. Hatisisina chinhu kunyangwe chekudya chaicho,” vanodaro.

Vari pakati kurondedze­ra nyaya ino,

Kwayedza yakazvione­ra manenji aya apo matombo akatanga kupotserwa vatori venhau varipo, imwe imba ndokubatir­a moto apo vanhu vakaita bararamhan­ya kutiza.

Mbuya Makuwe vanoti dambudziko iri rakatanga mumwedzi waGumiguru gore rapera.

“Pamusoro pemba paingokand­wa matombo kwemasvond­o maviri ndokuzogum­isira dzimba dzobatira moto. Taiedza kudzimura moto uyu asi uchiramba kudzimara wapararira nekudzimba dzevana

vangu,” vanodaro Mbuya Makuwe

Vanoti kazhinji moto uyu unotanga husiku asi pawakabati­ra vatori venhau varipo kwaive kumazuva rovira.

“Izvozvi vana vangu vose vakatiza vakaenda kuhanzvadz­i yangu uyoasingag­are pamusha pake kwaSabhuku Chisango. Tinorohwa neshamhu nevanhu.

vatisingao­ne, tichitemwa zvekutokuv­ara.”

Vanoti ivo vakatemwa vakakuvara pagumbo nepagokora.

Matombo anokandwa aya anonzi anenge akasangana nezvidhinh­a nezvimiti.

“Kubva patakatang­a kutemwa kusvika iko zvino, hatina zororo. Moto uri kungobatir­a, zvipfuyo zvedu zvave kungotanda­zika, imbwa hadzisisin­a anopa sadza uye mbudzi nemombe zvichishay­a anozvivhar­ira,” vanodaro.

Zvinhu zvakatsva nemoto uyu zvinosanga­nisira mibhedha, mawodhirop­u, matafura, materevhiz­heni, zvigaro, magumbeze nembatya.

Dzimba dzemhuri iyi dzakatsva dzinosvika gumi pamwe chete dzichisang­anisira dzaMbuya Makuwe, Oliver Makuwe (42), Kudakwashe Makuwe (59), Simbarashe Makuwe (44) nedzaLast Marume Makuwe (32).

Vamwe vevanhu vanonzi vakatemwa nematombo ndiBeauty Mawire (48), Sekai Makuwe (31) naLast.

Beauty anonzi akazvambur­wawo neshamhu yaiva netsarapu asi haana kuona aimurova kudzimara atiza pamba paamai vake apo akazoreger­wa.

Muroora wepamusha uyu, Gwadamirai Makuwe (35), anoti asara asina kana chekubata sezvo dzimba dzose nemidziyo zvapera kutsva.

“Musha wese hatisisina chekubata. Mhuri yose tinokwana vanhu 30, vakuru nevadiki. Hamheno kuti moto uyu unobvepi.

“Musi wekutanga, pakabatira moto kumba kwangu takazongoo­na munhu aiva akapfeka zvichena uyo akazongony­angarika,” anodaro Gwadamirai.

Beauty anotiwo nekuda kwekurohwa kwaakaitwa nematombo neshamu, muviri wake haupore kurwadza.

Uyuwo Last anoti kwavanofam­ba vanonzi pane mumwe mumhuri yavo akaenda akanotsvag­a mishonga yekupfuma iyo yave kukonzera matambudzi­ko aya.

“Tiri kufamba kunosvika kuChipinge chaiko uko tinonzi pane akashereke­ta, akatsvaga mishonga. Muporofita akauya pano akasungiri­ra muteuro wemvura apo bhodhoro racho rakazopisw­a nemoto uyu. Tashaya zvekuita, tibatsirei­wo,” anodaro Last.

Mhuri iyi inoti yakanopote­ra kwaSadunhu Mupakwa uko vakanzi panoda kutsvagwa magodobori anovabatsi­ra.

Mbuya Makuwe vanoti vanomboend­a kumusha kwavo kwaMushand­ure vachinonya­radzwa kubva munyatwa yekurohwa.

Sabhuku wemusha uyu, VaFannuel Makuwe (64), avo vanovazve mwanakoman­a kuimba huru yemhuri iyi — vanoti havazive kuti nyaya iyi iri kumbokon- zerwa nei.

“Baba vedu vaiva nemadzimai maviri, ini ndiri wekumba huru, asi dambudziko iri riri kumba kwaamainin­i chete. Kwatinofam­ba tinonzi ndibaba vari kumuka vachirwisa mhuri iyi — isu hatizive kuti nechikonze­ro chei. Zvinongonz­i kune munhu akacherera mushonga paguva pababa kumutsa mweya wavo,” vanodaro sabhuku.

Vanoti misha yevemhuri yavo yevanhu vanokwana vashanu haisisina vanhu nekuda kwemoto uyu nekutemwa nematombo.

“Amai nevamwe vazukuru vakatizira kuchechi uko vave kugara, imwe mhuri yakaenda kwasekuru hanzvadzi yaamainini — kwasekuru Talent Kwangwa, kwaSabhuku Chisango, uko vave kugara,” vanodaro Sabhuku Makuwe.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumhuri iyi, Sekuru Bonface Katerere kwaMashamb­anhaka, kuUzumba, vanoti pamusha apa panogona kunge paine akashereke­ta akatsvaga mushonga wekupfuma uyo wapanduka.

“Vanhu ava ngavatsvag­e zvakaitika chaizvo. Panogona kunge paine akatsvaga mushonga wekuita mari, wekamhuka kaye kanonzi sandawana — ndiko kanopisa misha seizvi. Vanhu ava ngavangwar­ire nekuti kachazogum­isira kauraya vanhu vakanonoka kugadziris­a nyaya iyi,” vanodaro.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0776 419 710, 0773 928 500 kana 0773 540 387.

 ??  ?? Beauty Mawire achitaridz­a mavanga ekutemwa nematombo aine hanzvadzi yake, Last Makuwe
Beauty Mawire achitaridz­a mavanga ekutemwa nematombo aine hanzvadzi yake, Last Makuwe
 ??  ??
 ??  ?? Dzimba dzakapiswa nemoto wakangotan­ga woga
Dzimba dzakapiswa nemoto wakangotan­ga woga
 ??  ?? Dzimba dzakapiswa nemoto wakangotan­ga woga
Dzimba dzakapiswa nemoto wakangotan­ga woga
 ??  ?? Mbuya Easther Makuwe vachitarid­za pavakatemw­a nematombo akabva mumhepo
Mbuya Easther Makuwe vachitarid­za pavakatemw­a nematombo akabva mumhepo
 ??  ?? Sabhuku Makuwe
Sabhuku Makuwe
 ??  ?? Matombo aitemeswa vanhu
Matombo aitemeswa vanhu
 ??  ?? Midziyo yakatsva
Midziyo yakatsva
 ??  ?? Kuchechi kwakatizir­a mh yekwaMakuw­e
Kuchechi kwakatizir­a mh yekwaMakuw­e
 ??  ?? Imba yakabatira moto vatori venhau veKwayedza varipo. - Mifananidz­o naNicholas Bakili
Imba yakabatira moto vatori venhau veKwayedza varipo. - Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe