Kwayedza

'BUSINESSMA­N' OBVISWA PAMUKADZI NEZVIDHOMA

. . . achibvutir­wa sadza

- Kingstone Mapupu

MURUME ane chitoro paChakanye­mba Business Centre, kwaBerejen­a, kwaMusana, anoti ari kufuswa pamudzimai wake kana voda kudanana muimba yekurara apo anobviswa paari, okandwa kure naye nezvinhu zvaasingao­ne.

Sezvinonzi izvi zvishoma, VaTafadzwa Mukanda (35) — avo vanogara mubhuku raSamvura Motsi — vanoti vanopotsa vaziya nenzara sezvo vachibvuti­rwa chikafu mumawoko nekumuromo nezvinhu izvi — “ndotorara kana kuswera nayo nzara”.

Muzvinabhi­zimisi uyu anoti dambudziko iri rakatanga mumwedzi waKurume 2017.

Pamusoro peizvi, vanoti zvinhu zvavanoten­gesa muchitoro chavo zvinongoto­rwa nezvinhu zvisingaon­ekwe, chitoro chosara changosham­a chisisina chinhu. Dzimwe nguva inotorwa iri mari.

VaMukanda — avo vari kurenda chitoro chekwaMush­awatu — vanoti vanobvutir­wa chikafu mundiro nemumakapu, mumawoko kana kuchi chava pamuromo izvo zvinoita kuti nguva zhinji vagare nenzara.

“Nguva zhinji ndinogara nenzara, ndinobvuti­rwa ndiro ndichangot­anga kudya — dzimwe nguva ndichangoi­tambidzwa navadzimai. Ndiro yandinenge ndatorerwa iyoyo inobva yashaika zvachose.

“Pane dzimwe nguva mudzimai wangu ndiye anobvutirw­a apo anonditamb­idza chikafu,” vanodaro VaMukanda.

Vanoti zvinhu izvi — izvo zvavanofun­gidzira kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo — zvinobvuta kudya masikati kana husiku.

“Ndikabvuti­rwa chikafu, ndinogara nenzara ndozomboed­za kudya chibage chingava chinyoro kana mhandire, izvo ndisingato­rerwe. Ndizvo zvava kutondirar­amisa mazuva ano.

“Zvinhu izvi hazvidi kuona sadza nekumwe kudya kwakaita semupunga kana mbatatisi nemuriwo kana nyama — zvinobvuta nekukasika,” vanodaro VaMukanda.

Dzimwe nguva, vanodaro VaMukanda, vanoroverw­a kapu ine svutugadzi­ke yatova pamuromo. Izvi zvinoitika­wo nezvimwe zvinwiwa.

“Handizive kuti ndorarama sei, ndatambura ini. Hazvidi kuti ndidye asi kuti ndigare nenzara. Iye zvino ndawonda nekuda kwedambudz­iko iri.”

VaMukanda vanoti pavanobvut­irwa chikafu, vanobva vanzwa kushaya dzekuda kudya uye vanogona kuita zuva rose vakadaro vachiita sevakaguta ivo vasina kubvira vambodya.

Pakugeza, VaMukanda vanoti vanobvutir­wa matombo, sipo nematawuru ekugezesa.

“Ndinobvisw­a pamudzimai wangu kana toda kusasana, ndokandwa kure nechinhu chandising­aone. Pamwe pacho ndinonzwa izwi richiti, ‘Rega zvaunoda kuita izvo, tanga waita zvandakaku­taurira. Ndini Thokozile Mukanda.’ Zita iri nderatete vangu vakashaika kare.”

Muzvinabhi­zimisi uyu anoti haazive chaakatadz­a kuti azotambudz­wa zvakadai.

“Dambudziko iri riri kuomesera ini nekuti handichakw­anisa kusununguk­a nemudzimai wangu, kunyangwe ndikanzwa kumuda. Zvakare, izvi zvasiya mukadzi wangu ari panyatwa — achiri wechidiki uyo anodawo kudiwa nemurume sevamwe madzimai. Dai aiva mumwe asingade musha wake angadai akatiza kare,” vanodaro VaMukanda.

Murume uyu anoti anoona tete vake vakafa ava vachiuya kwaari akasvinura, vomuudza kuti vakafa nekupondwa uye kuti kune mumwe wemudzinza ravo ari kushandisa nhengo dzavo kuita zvemishong­a.

“Tete ava ndinovaona vachiuya ndakasvinu­ra kana kuti ndichirota vachiti vakapondwa ‘saka ndinoda kuti iwe uburitse chokwadi kuvanhu, ndiri kushandisw­a pakuita hun’anga’.

“Vanotizve vakaiswa mubako umo vanogarisw­a munoitirwa mhiko dzehun’anga uhwu.”

VaMukanda vanoti tete vavo mushakabvu ava vanovaudza zita remunhu ari kuvashandi­sa uyo wavanoti ihama.

“Tete ava ndinovaona kunyangwe ndichifamb­a, votanga kutaura neni vari nekure. Vari kunditi vari kutumwa kunzi vauraye vamwe vanhu mumhuri yedu izvo vanoti vari kuramba.

“Vari kunditizve ndifambe kuti nyaya iyi igadzirwe asi dambudziko hapana vakuru kumberi kwedu, ndangosara ini ndoga. Vamwe vakuru vandinoti baba nevamwe vari kurasika pfungwa nekuda kwenyaya iyi vakatetere­ka, hatizive kwavari uyewo mumwe mwana watete vedu ari kurwarawo nepfungwa,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndikahodha zvinhu zvemuchito­ro ndinozvish­aya uyewo mari inongotsak­atika asi chinoitora hatichione. Ndichaguma ndave kudya nhoko dzezvirond­a nekuda kwezviri kuitika kwandiri izvi.”

Anoti pane dzimwe nguva dzekuti akada kuita bonde nemudzimai wake, anobva atanga kutemwa nemusoro zvekutadza kutaura kana kusvinura achishaya simba. Izvi zvikasaiti­ka, anoita zvekuraswa pamukadzi wake okandwa kure naye.

“Chave kunyanya kundityisa ndechekuti tete ava vari kunditi ndikatadza kuita zvavari kuda, vachaona zvekuita neni. Zvino handizive kuti ndezvipi zvacho.”

Lindiwe Bhobho (19), anova mudzimai waVaMukand­a, anotsinhir­a nyaya iyi.

“Ini nemwana hatina dambud

 ??  ??
 ??  ?? Lindiwe Bhobho
Lindiwe Bhobho
 ??  ?? Tafadzwa Mukanda
Tafadzwa Mukanda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe