Kwayedza

ANOGARA NEMUSORO WEMUNHU

'Ndaiti igudo'

- Nyore Madzianike

VANHU vekwaMaran­ge — avo vakanogari­swa patsva kuArda Transau, mudunhu reManicala­nd — svondo rapera vakasara vasina nechekutau­ra zvichiteve­ra nyaya yemumwe wavo uyo anga akachenget­a dehenya remusoro wemunhu mumunda make kwemakore maviri.

Pane fungidziro huru yekuti nyaya iyi inogona kunge iine chekuita nekupondwa kwemunhu, mitezo yechitunha chake ndokuzosha­ndiswa nemishonga yekuromba.

Dehenya iri rakaonekwa nomusi weMuvhuro wadarika naBrighton Shinga riri mubindu (garden) rake, ongororo yakaitwa mushure ndokuratid­za kuti rainge rabva mumunda waHerbert Mukura uri kunzvimbo yeTenzi Mavhima.

Vamwe vanhu vanofungid­zira kuti dehenya iri rinoshandi­swa kutandidzi­ra makudo anouya kuminda zvose nekuita kuti murimi akohwe pakuru — sedivisi rekurima.

Vamwewo vane pfungwa yekuti nderemunhu akapondwa nevanoita zvemishong­a zvichiteve­ra kutsakatik­a kwevanhu vatatu vemunharau­nda iyi mumakore adarika.

Asi mumwe wevari mudare ramambo nekuda kwenyaya iyi anoti dehenya iri raitomboch­engeterwa mumuti, umo raigara rakaringid­zwa kuchikomo zvichinzi rinotyisid­zira mapfeni kuti asapinde mumunda.

Dehenya iri rakatoende­swa kudare kwaMambo Zimunya uko Mukura neaimbova mushandi wake, Hoseah Muzaniwetu, vakasheved­zwa kuti vanotsanag­ura kuti sei rakawanikw­a mumunda mavo.

Mukura naMuzaniwe­tu vakapereke­dzwa kudare iri nasabhuku wavo pamwe chete nevamwe vagari venzvimbo iyi avo vanga vakaonawo dehenya iri nyaya iyi isati yaputika.

Vaviri ava vari kubvuma kuti vakaona pamwe nekubata dehenya iri makore maviri adarika.

Vanoti vanofungid­zira kuti idehenya remusoro wegudo.

Asi rine zvakawanda zvarakasiy­ana nedehenya remusoro wegudo.

“Ndakatanga kuuya kwaOdzi muna2015 pandakapin­zwa basa naMukura mumwedzi waMbudzi. Ndipo pandakaona dehenya iri apo pandaishan­da mumunda make,” anodaro Muzaniwetu.

Achibvunzw­a naMambo Zimunya kuti nechikonze­ro chei vaichenget­a dehenya iri kwemakore maviri riri mumunda pasina kurirasira kure uye risingabve panzvimbo imwe chete, Muzaniwetu anongoramb­a akanyarara.

Anotsanang­urira Mambo Zimunya kuti akabva pamba paMukura achienda kunogara pane mumwe munda waainge apihwa, ndipo paakazotan­ga kunzwa vanhu vave kutaura nezvenyaya yedehenya iri.

“Pandakabva pamusha paMukura pandaishan­da, ndakanzwa kuti mumwe mushandi wake ndiye aida kutora dehenya iri kuti aende naro kwatete vake vanova muporofita kuBocha. Ndakanzwa zvakare kuti dehenya iri rakazobvis­wa mumunda rikanoiswa mumuti weMukwakwa rakatarisa pachikomo chiri pedyo.

“Ndakangonz­wazve kuti izvi vaizviitir­a kutyisa makudo ayo anonetsa muminda yavo,” anodaro Muzaniwetu.

Muzaniwetu anoti akambosang­ana nedzimudza­ngara kana kuti goritoto kaviri kose iro anofungira kuti rine chekuita nedehenya iri.

“Ndakambosa­ngana negoritoto kaviri kose saka ndine fungidziro yekuti rine chekuita nedehenya iri uye panguva iyi ndakanga ndichigara pamba paMukura,” anodaro.

Uyuwo Mukura anoti akangozozi­va nezvenyaya yedehenya iri mumwedzi waNdira gore rapera uye aifungidzi­ra kuti ndere bveni.

“Pandakaona dehenya iri, ndakasheve­dza Muzaniwetu achibva angoseka achiti idehenya regudo. Ini handina kana kumboribat­a.

“Ndinogara mudhorobha zvekuti ndinoshany­ira nzvimbo yeArda Transau apo neapo. Pandaienda­ko, ndipo pandaiona dehenya iri riri pamuganhu wemunda wangu asi iko zvino ranga rabviswa panzvimbo.

“Nomusi weMuvhuro wadarika, ndipo pandakasha­misika kunzwa kuti idenya remusoro wemunhu,” anodaro Mukura.

Anoti akaudza madzisabhu­ku enzvimbo iyi vachibva vaenda nedehenya iri kwaMambo Zimunya, nyaya iyi ndokuzomha­n’arwa kumapurisa ekwaOdzi uko vakanobvun­zurudzwa.

Mambo Zimunya ndivo vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Tinofanira kushanda nemapurisa munyaya iyi, mushure mezvo tozoona kuti ingagadzir­iswe sei pachivanhu. Kune nyaya dzakawanda dzevanhu vanoshandi­sa madehenya kutyisidzi­ra makudo muminda yavo, zvikuru munzvimbo dzakaita seChitakat­ira.

“Zvisinei, tinonzwa kuti kune vanhu vatatu vakangosha­ikwa kana kuti vakanyanga­rika zvisina tsarukano mun- zvimbo yeArda Transau,” vanodaro Mambo Zimunya.

Muzaniwetu naMukura vakaendesw­a kumapurisa nyaya iyi ichiferefe­twa.

Vachibvunz­wa pasvika kuferefetw­a kwenyaya iyi, mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kudunhu reManicala­nd Assistant Inspector Luxson Chananda vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kwavari nemapurisa ekwaOdzi.

“Isu sevataurir­i vemapurisa kuManicala­nd, hatisati tagashira mashoko ene chekuita nenyaya yakadaro. Regai titaure nemapurisa edu ari ikoko tigonzwa kuti zvizere,” vanodaro Asst Insp Chananda.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Hoseah Muzaniwetu ari mudare raMambo Zimunya
Hoseah Muzaniwetu ari mudare raMambo Zimunya
 ??  ?? Mubatsiri waMambo Zimunya, VaNever Chikunda, vachitarid­za dehenya remusoro wemunhu mudare raMambo Zimunya. -Mifananidz­o naTinai Nyadzayo
Mubatsiri waMambo Zimunya, VaNever Chikunda, vachitarid­za dehenya remusoro wemunhu mudare raMambo Zimunya. -Mifananidz­o naTinai Nyadzayo
 ??  ?? Asst Insp Chananda
Asst Insp Chananda
 ??  ?? Dehenya remunhu riri mudare raMambo Zimunya
Dehenya remunhu riri mudare raMambo Zimunya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe