Kwayedza

Opatiswa musha nemasvosve

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki anogara mumusha weshoroma weMshumava­le, kuKadoma, anoti akatiza pamusha pake mushure mekurumwa nemasvosve emhamhatsi ayo aiva azara zvekuita “makomo” mudzimba dzavo nhanhatu nepachivan­ze.

Abigail Hozheri (28) - uyo kumusha anobva kuSanyati - anoti akasangana nemashura aya svondo rapera paseri apo akaita mazuva matatu achinetswa nemasvosve ayo aanoti aingoruma iye bedzi zvisinei nekuti pamba pavo anogara nemurume wake nevamwe vanhu.

“Ndakatiza kumba nekuda kwemasvosv­e andakasiya akazara mudzimba nepachivan­ze ndaona kuti masvosve emhando yemhamhats­i aya aida kundiuraya bedzi,” anodaro.

Anoti akangoti ari pamba, ndokuona masvosve achiuya akaita mudungwe kubva nekugedhi - “akaita senyoka”.

Hozheri anoti paakatizir­a mumba, akawana matozara masvosve, mamwe ari pamubhedha, kumawodhir­opu nepamatebh­uru.

“Zvakatanga apo ndakabvunz­a murume wangu, Byron Tapera (48) nezveshamw­arikadzi yandinonzw­a kuti ari kudanana nayo inobva kuMhondoro,” anodaro.

Hozheri anoti akabata mashoko ekudanana kwevaviri ava achibva kushamwari­kadzi iyi munharembo­zha yemurume wake.

“Ndakatombo­ridzira mukadzi uyu nhare ndichimubv­unza nezvemurum­e wangu asi achiramba kuti vanodanana, iyewo murume wangu anoramba nyaya iyi.

“Mushure memazuva mashoma, ndakazongo­erekana ndave kuona masvosve azara musha wose zvekushaya pekutsika. Aingoruma inini bedzi.”

Anoti imba yavo yepanhamba 4276 Mshumavale ine dzimba nhanhatu idzo dzakazara dzose nemasvosve - “kubva pasi kusvika mumahwindo mufunge”.

“Ndakamboed­za kudira masvosve aya mvura ndokuona kuti zvaisabats­ira, aingoramba achindirum­a bedzi.

“Ndakaitoro­nga kuenda kunotora vana kuSanyati uko vanopinda chikoro vachigara kumba kwavamwene vangu, asi zvose izvi zvakaramba ndokubva ndazotiza,” anodaro.

Hozheri anoti chinomusha­misa ndechekuti murume wake aiva pamba apa asi masvosve aya aisamuruma, achingonan­gana naiye chete.

“Izvi zvakaitika kubva musi wa21 Kurume masikati machena tichangope­dza kunwa svutugadzi­ke.

“Ini ndinoti hakuna mumwe akaita izvi, ishamwarik­adzi yemurume wangu chete nekuti kwandakafa­mba ndakazviud­zwa,” anodaro.

“Ndine vana vaviri nemurume wangu, mumwe ndakauya naye uye murume wangu ndi ‘change money’. Ndinoda kuti masvosve aya abviswe pamba pangu,” anodaro Hozheri uyo anoti pari zvino akatizira kuhama dzake mumusha weKambuzum­a, muHarare.

Mudzimai uyu anoti ndewechina pamurume wake uye anoti akazvipira kudzokera kumba kwake kana dambudziko iri rapera.

Paakaitwa naye hurukuro yenyaya ino, Hozheri ainge achitsvaga rubatsiro kuimwe n’anga yemuHarare ine mukurumbir­a.

“Handinyare kuzvitaura nekuti ndatambura nenyaya yemasvosve iyi.

“Murume wangu ndinomuda nemusha wangu zvose ndokusaka ndauya kuzotsvaga rubatsiro.

“Asi murume wangu haasi kuziva kuti ndauya kuno, saka mukandibur­itsa mubepanhau ndinorambw­a.

“Zvakare baba vangu mupositori, havadi zvekuti ndiuye kun’anga,” anodaro.

Mudzimai uyu akaratidza Kwayedza mavanga ekurumwa nemasvosve ayo aanoti ari kutozora mishonga.

 ??  ?? Masvosve
Masvosve
 ??  ?? Abigail Hozheri
Abigail Hozheri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe