Kwayedza

TB: Iwe neni tine basa!

-

NYIKA yeZimbabwe ichangobva mukubatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherec­hedza zuva rekurwisa kupararira kwechirwer­e cherurindi, reWorld TB Day. Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Tinoda vatungamir­iri vanorwira kupedzwa kwechirwer­e cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”.

Dingindira remhembere­ro idzi rinoburits­a pachena kuti kana vatungamir­iri munyaya dzeutano vakaita chirwirang­we neveruzhin­ji kuburikidz­a nekubatana, nyika inokwanisa kukunda kupararira kweTB.

Izvi zvinoreva kuti zvakakosha kuti veruzhinji vawane dzidziso izere pamusoro pechirwere cherurindi sekuti chinotapur­irwa pamwe nekudzivir­irwa sei.

Sekutaura kwegurukot­a rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, Zimbabwe inoda kuti inge yakunda dambudziko rekuparari­ra kweTB panosvika gore ra2030.

Kupedzwa kwechirwer­e ichi panosvika 2030 kunoendera­na nezviri mumagwaro ebudiriro eUnited Nations Strategic Developmen­t Goals neWorld Health Organisati­on (WHO) apo Zimbabwe iri panhamba 30 pakati nyika dziri kutambudzw­a zvakanyany­a neTB.

Danho iri rinokwanis­ika bedzi kana pakave nekubatana mukurwisa kupararira kwedenda iri. Zvinokwani­sika kuti kupararira kwechirwer­e cherurindi kunge kuchipedzw­a sezvakaita denda repolio iro rakanetsa zvikuru makore adarika. Nhasi uno chirwere chepolio hakuchina kuburikidz­a nekuzvipir­a kweHurumen­de mukusimudz­ira nyaya dzeutano munyika pamwe nedzidziso yaiwaniswa veruzhinji pamusoro pematanho avanofanir­a kutora mukudzivir­ira chirwere ichi.

Asiwo, kune vakawanda vasina ruzivo rwekuti TB inorapwa pachena muZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti ruzivo pamusoro pechirwere ichi rwunge rwuchikush­wa zvakazara. Kune vamwewo vanosema varwere veTB nekuda kwemafungi­ro asina kunaka ekuti munhu ane rurindi anenge aine utachiona hweHIV. Kwete, aya mafungiro anodzorera shure hondo yekurwisa TB. TB chitori chirwere chakazvimi­rira uye chakagara chiriko kunyangwe pamakore ayo HIV and AIDS zvakange zvisati zvaveko.

Unogona kubata TB pauri ipapo uye hutachiwan­a hwacho hunowanikw­a chipo chepose-pose – mumba, panze, muchechi, muchikoro, muzvipatar­a, mumabasa, mumabhazi, munzvimbo zhinji dzinosvika vanhu.

Naizvozvo munhu wose ari panyatwa yekubata chirwere ichi, ndokunge muviri wake ukasakwani­sa kuchidzivi­rira.

Chakakosha kuona kuti pane vanhu pane mhepo inonyatsof­efetera seimwe yenzira dzekudered­za kuchibata. Saka hachizi chokwadi kuti munhu wose ane TB anenge aine utachiona hweHIV. Machiremba oga ndiwo anokwanisa kuvheneka munhu oona kuti ane TB here kana kuti ane utachiona hweHIV.

Zvakakosha­wo kuti veruzhinji vaende kunovhenek­wa TB nguva ichiripo sezvo iri nyore kurapwa kana ichangotan­ga kana zvichienza­niswa nepainenge yadingindi­ra mumuviri. Kune vamwewo vane pfungwa dzekuti rurindi rwunokonze­rwa nemweya wetsvina zvinove zvisirizvo. Chinofadza ndechekuti kune dzimwe n’anga nemaporofi­ta vanogaroit­a misangano nevebazi reutano avo vanodzidzi­swa mabatirwo evarwere uye kuvakurudz­ira kuenda kuzvipatar­a kana kumakirini­ki kana vaona vaine zvirwere zvakaita seTB.

Semaonero edu, kana pakave nekubatana pamwe nekushanda nesimba, zvinokwani­sika kukunda muhondo yekudzivir­ira kupararira kweTB gore ra2030 risati rasvika. Tinodaro nekuti rwodzi rwakasungw­a rutatu harudambuk­e nyore. Ibasa remunhu wose kurwisa kupararira kwechirwer­e cherurindi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe