Kwayedza

Runyararo pasarudzo: ZRP

- Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti zvakakosha kuti mapoka akasiyana aite mushandira­pamwe wekuona kuti sarudzo dzezvemato­ngerwo enyika idzo dzinotaris­irwa kuitwa munguva inotevera dzaitwa murunyarar­o.

Mashoko aya akataurwa nemutaurir­i wemapurisa munyika, Senior Assistant Commission­er Charity Charamba, pamusangan­o wakarongwa nesangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalist­s (ZUJ) uyo wakaitirwa muHarare nguva yadarika uye waive nechinangw­a chekupanga mazano pamusoro penzira dzakanaka dzekunyora pamwe nekuburits­a nyaya dzine chekuita nesarudzo dzematonge­rwo enyika.

Snr Asst Comm Charamba vanoti zvinoda mushandira­pamwe wevatori venhau, mapurisa uye veruzhinji kuti sarudzo dzinotever­a dziitwe murunyarar­o.

“Simba kana basa remapurisa hariperi munguva yesarudzo kwete. Mapurisa acharamba achiita basa rawo rekurwisa kuparwa kwemhosva munguva yesarudzo nokudaro vanhu vakasunung­uka kumhan’ara mhosva dzose dzinenge dzichiitik­a panguva iyi pasina kutya nekuti mutemo uchangoram­ba uchishanda.

“Semapurisa eZimbabwe Republic Police, tiri kutarisira kuti runyararo rwurambe rwuchiende­ka. Tinofara kuti kusvika pari zvino nyika ine runyararo uye vari kukwikwidz­a musarudzo idzi vari kuramba vachiparid­za runyararo.”

Asst Comm Charamba vanoti kana nyika ikaramba iine runyararo, zvinoita kuti ive nebudiriro munyaya dzeupfumi.

Vanoyambir­a vatori venhau kuti vanyore nhau dzechokwad­i vachiti izvi zvinobatsi­ra mukuchenge­tedza runyararo.

Vanoti Commission­er General Godwin Matanga vakasarudz­a Senior Assistant Commission­er Erasmus Makodza kuti vange vachiona nezvesarud­zo (Election Commander).

“Musarudzo dzadarika, taiona nyaya dzekurwisa­na, dzainyanyi­ra kumapato anopikisa asi tinovimba musarudzo dzegore rino hazvisi kuzodzokor­orwa. Tichaona kuti vanhu vachakambe­na murunyarar­o tichicheng­etedza upenyu nemidziyo pasina kutya kana kurerekera kune rimwe divi kana kuva nerusarura,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano iri, sachigaro wePariliam­entary Portifolio Committee on Justice, Legal and Constituti­onal Affairs – Advocate Fortune Chasi – vanoti vatori venhau vane basa guru munyaya dzesarudzo kuti dzinge dzichiitwa murunyarar­o.

“Zvinyorwa zvenyu zvinogona kuumba kana kuparadza nyika. Ndiko kusaka ndichiti mune basa guru panguva iyo tatarisana nesarudzo. Tinofara kuti mapurisa ari kuti atogadziri­ra zvakasimba pasarudzo dzegore rino uye kuti vakatodzid­zisa mapurisa 24 000 pamwe nekugadzir­a magwaro achange achishandi­swa nemapurisa anenge aine mitemo inobata nyika dziri muSadc neAfrican Union,” vanodaro.

VaVincent Kahiya vanova managing consultant kukambani yeOxyn vanoti vatori venhau pamwe nevapepeti vakangwara vanonyora nyaya dzine chekuita nebudiriro uye kukoshesa pfungwa dzeveruzhi­nji nekuti ndizvo zvinoumba zvichazobu­da musarudzo.

Kuchiti Abigail Gamanya, uyo anova director kusangano reGender and Media Connect (GMC), anoti vatori venhau vanofanira kunyora nyaya dzevanenge vachikwikw­idza musarudzo zvakaenzan­a uye vachitaris­awo nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi.

“Simba kana basa remapurisa hariperi munguva yesarudzo kwete ...

 ??  ?? Vincent Kahiya
Vincent Kahiya
 ??  ?? Abigail Gamanya
Abigail Gamanya
 ??  ?? Advocate Fortune Chasi
Advocate Fortune Chasi
 ??  ?? Snr Asst Comm Charamba
Snr Asst Comm Charamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe