Kwayedza

MWANA ANOTUKIRIR­A AMAI

. . . achivatumi­ra mashoko panhare ‘. . . ndavandipe­wo mari yemaroja’

- Gamuchirai Muzanenham­u

AMAI vekushungu­rudzwa nemwanakom­ana wavo vakazopote­ra kudare redzimhosv­a vachiti ari kuvaonesa ndondo achida mari inobviswa nemaroja uye anovatumir­a mashoko ekutukidzi­ra panhare.

Isabel Mupfure akaendesa Wenston Muzvidzwa kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumufonera, kumutumira mashoko panhare achitukiri­ra nekusvika kumba kwake achimutyis­idzira.

“Mwana wangu ari kundishung­urudza, ndava kushaya kuti ndodii. Anouya kumba achindituk­a nekundityi­sidzira achiti anoda mari yemaroja. Ndikamunyi­ma anotanga kunditumir­a mameseji nekundifon­era achindishu­ngurudza kuti ndimupe mari iyoyo nekuti anoti imba ndeyababa vake saka anodawo mari yacho,” anodaro Mupfure.

Muzvidzwa anopikisan­a nezvose zviri kutaurwa naamai vake achiti baba vake pavakashay­a, vakamusiir­awo nhaka pamba ndokusaka ari kudawo mari yemaroja.

“Baba vangu vakasiira vana vose chikamu chake chake paimba iyi saka pandakafun­ga zvekutora chitambi chekutyair­a ndakangoti sezvo ndainge ndisingato­re mari yemaroja havairwadz­iwa kumbondipa­wo mari yemwedzi mishoma kuti ndikwanise kuchiwana,” anodaro.

Anoti haasati amboenda kumba kuna amai vake achiita ruzha nekuti akatoona kuti havawirira­ne.

“Handisati ndamboenda kumba kwavo, pandaitoda mari ndakatoudz­a anasekuru nekuti hatiwirira­ne. Ivo vakati enda unopihwa nababa vako,” anodaro Muzvidzwa.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mupfure gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe