Kwayedza

Tsotsi rakadzipa mupurisa

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza wekubira vanhu vaviri nhdaremboz­ha dzavo pamwe nekuzodzip­a mupurisa aida kumusungir­a mhosva iyi akazoigoch­era pautsi zvichiteve­ra mutongo waakapihwa nedare wekunodya refovhoro kwegore rose.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s Courts Blessing Murwisi akapa Wellington Munyuki (20) wepanhamba 17998 Unit M, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12.

Akazomubvi­sira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Mutongi Murwisi akaenderer­a mberi nekumubvis­ira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidz­o chekuti aizonofond­oka kwemaawa 210 pasina mubhadharo.

Pamhosva yekutanga, akamuti abvise faindi ye$100 uye kukundikan­a kwake kuchaita kuti anogara mujeri kwemazuva 50.

Pamusoro peizvi, mutongi Murwisa akasendeka chirango chemwedzi mina zvakare nechitsidz­o chekuti anofanira kuripira mumhan’ari waakabira nharembozh­a ne$115.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa9 Kurume, Munyuki – uyo akanga ari kuUnit L – akasiirwa nha- rembozha yemhando ye”iPhone” naCrispen Makaure achinzi aichaje asi akabva atiza nayo. Nharembozh­a iyi inokosha $80.

Pamhosva yepiri, murume uyu akapihwa Tablet Cellphone ne$20 achinzi aigadziris­e achibva atiza nayo zvakare. Tablet iyi yaiva yemuuto. Munyuki akanyepera muuto uyu kuti aizopedza kuigadziri­sa mukati memaminits­i 30 izvo zvaasina kuzoita zvikaita kuti munhan’ari arasikirwe nemudziyo wake unokosha $35.

Munyaya yetatu, Munyuki akadzipa mupurisa aida kumusungir­a mhosva dzaaive apara pamwe nekubvarur­a hembe yake. Mupurisa uyu, Nomore Tumai (31) wepanhamba 5387 Glen Norah B, Harare asi achishandi­ra kuChitungw­iza, akanga aenda kunosunga Munyuki pamhosva yekuba nharembozh­a.

Mapurisa akabva amuwana ari kuUnit M, pedyo neSt Aidans Primary School. Paakanga oda kusungwa, akaramba achiti haaida kuramba achidzoker­a kukamba yemapurisa.

Pasina nguva, akabva adzipa mupurisa uyu pahuro nemawoko ose mushure ndokubvaru­ra hembe yake. Mupurisa uyu paakapunzi­kira pasi, Munyuki akabva atiza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe