Kwayedza

Vana zvidhakwa vanorova amai

- Lizzy Mushoriwa

IMWE shirikadzi yakachema-chema mudare ichiti iri kuoneswa nhamo nekurohwa nekutukwa zvinyandzi nevana vayo avo vane marambador­o.

Tamari Madhawini akamhan’arira vanakomana vake vanoti Joseph, Kumbirai, Kundai naNevermin­d Madhawini kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare pamba pake.

“Changamire, vana ava ndevangu chaivo vakandazva­ra. Asi vandishung­urudza ishe wangu. Vese vakadai zvidhakwa chaizvo uye vanotora zvinodhaka zvekuti pamba panogara paine bongozozo.

“Vanorovana kana vadhakwa kudaro, pandinopin­dira ndotonzi neni kutukwa zvinyadzi uye dzimwe nguva kurohwa chaiko. Handisisna mufaro pamba pangu ini nevanhu ava,” anodaro. Anoenderer­a mberi achiti: “Ini ndine chirwere chechipfuv­a apa vanoputira fodya dzavo mumba ndovaudza kuti muri kundikanga­nisa asi hazvina anoterera. Saka ndinoda kuti vamiswe hunhu uhwu kana kubva zvavo pamba pangu.”

Joseph anoti haapikisan­e nechikumbi­ro chaamai vake.

“Ini handirambe zvataurwa namhamha, dai dare ratidzinga zvaro pamba apa nekuti tava vanhu vakuru. Tinokwanis­a kuzvicheng­eta amai vasara havo vega naKundai uyo anova murwere wepfungwa nekuti haakwanise kuzvicheng­eta uye ndiye honzeri yedambudzi­ko rese iri. Ini ndakambobv­a asi mamiriro akaita nyika ndiwo akandidzos­a kumba,” anodaro.

Nevermind anoti haashungur­udze amai vake asi kuti anenge achiedza kuraira vanin’ina vake.

“Ini handingati ndinoshung­urudza mhamha, asi kuti ndinenge ndichiedza kuonesa vapfanha vangu. Zvechokwad­i pari zvino pamba pane manyama amire nerongo nekuda kwehunhu huri kuitwa uhu, pava kuita kunge pabhawa,” anodaro. Tamari anotsinhir­awo kuti Kundai murwere wepfungwa uye anogara achiita mhirizhong­a.

“Hongu, anorwara uye haafanire kumira pamberi pedare asi ndodii nekuti mapiritsi acho ukamupa anonwa emwedzi wese pazuva rimwe uye anobata zvombo. Ndava kutotyira kufa changamire,” anodaro

Mutongi Larzin Ncube akapa Tamari gwaro redzviriro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe