Kwayedza

Mbudzi 100 mukombi 2

- Kingstone Mapupu

MBAVHA dzinorura dzinonzi dzakaba mbudzi 100 husiku humwe chete kwaMurambi­nda, kuBuhera, inova nyaya yasiya vagari veko vazere nekushushi­kana zvose nekutya kukuru.

Mbudzi idzi dzinonzi dzakabiwa dzose chipo chepakati pehusiku ndokutakur­wa nemakombi maviri.

Vamwe vevanhu vanonzi vakaona mbudzi idzi dzichibiwa vakatya kubuda pachena kusvikira dzakapera kutorwa.

Nzvimbo yakatorerw­a mbudzi dzevanhu vakasiyana idzi iri padyo nerimwe bhawa riri paMurambin­da groth point apo dzinonzi dzairara paruware.

Vakaona izvi zvichiitik­a vanoti mbavha idzi dzakasvika panzvimbo iyi nemakombi maviri, ndokuvhene­ka zvipfuyo izvi nemwenje wemota izvo zvakaita kuti mbudzi dzidzimaid­zwe kuona zvikaita nyore kudzibata.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita kuferefetw­a kwenyaya iyi.

“Regai ndinotaura nevamwe vangu mapurisa ikoko tigonzwa kuti nyaya iyi yakafamba sei nekuti muhofisi medu hatisati tava nawo mapepa anotsanang­ura zvizere nezvenyaya iyoyi,” vanodaro.

Muzvinabhi­zinesi ane mukurumbir­a munzvimbo yeMurambin­da, VaJames Munatsi (50) asi vachinyany­a kuzivikanw­a nekuti VaChatsva, vanoti vane dzavo mbudzi 12 dzaiva mukati medzakabiw­a idzi.

“Pane ruware pedyo nebhawa rangu apo mbudzi dzemumisha iri pedyo nedmabhizi­nesi ano dzinorara dzichitsva­ga kudziirwa uye nzvimbo yakachena.

“Takaona mwenje wemagetsi emota pakati pehusiku apo ndakadongo­rera ndikaona paine makombi maviri umo dzaibatwa dzichiiswa nevanhu vechirume,” vanodaro VaChatsva.

Muzvinabhi­zinesi uyu anoti pambudzi dzake dzakabiwa, nhanhatu dzacho dzaiva nemazamu.

VaChatsva vanoti mumwe akabirwa mbudzi ndiMbuya Mutetwa avo vane chitoro paMurambin­da uye vanonzi vakamuka vachida kutarisa hanga dzavo dzaichema apo vakazoona mbavha dzichiisa mbudzi mumakombi asi ndokutya kushevedze­ra.

“Mbuya Mutetwa vakamukawo vakazviona, mbudzi dzikatotak­urwa. Mushure memazuva mashoma, makororo akauyazve akaba magirosari nezvimwe muchitoro chaMbuya Mutetwa ndokuzvita­kura nekombi. Tave kutotya sezvo mbavha idzi dzisiri kuratidza kumira, kana mombe dzapera kubiwa,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMbuya Mutetwa nevamwe vanonzi vakabirwaw­o mbudzi.

VaChatsva vanoti vari kuronga kumutsirid­za hurongwa hwekuva nemapurisa emumisha e”Neighbourh­ood Watch Commit- tee” kuitira kuchengete­dza zvipfuyo nemabhizin­esi avo kumbavha.

“Taimbova nemapurisa emimisha kare asi nekubirwa uku, zvakakodze­ra kuti timutsirid­ze chirongwa ichi nekuti tinogona kusara tisisina chinhu muno nekuda kwemakoror­o aya,” vanodaro VaChatsva.

Mbavha dziri kurozha vanhu idzi dzinofungi­dzirwa kuti dzinonoten­gesa mbudzi nemombe kumaguta akaita seHarare nekune dzimwe nzvimbo.

KuBuhera mbudzi inotengwa nemutengo uri pakati pe$15 kusvika $40 zvichisiya­na nehukuru hwayo.

 ??  ?? Mbudzi
Mbudzi
 ??  ?? VaChatsva
VaChatsva
 ??  ?? Asst Insp Chananda
Asst Insp Chananda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe