Kwayedza

Zim yoronga kupedza rurindi mugore ra2030

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE ine donzvo rekuti inge papedza chirwere cherurindi mugore ra2030 sezviri mumagwaro ebudiriro eUnited Nations Strategic Developmen­t Goals neWorld Health Organisati­on (WHO).

Zimbabwe iri panhamba 30 panyika dziri kutambudzw­a nedenda iri.

Kudyidzana kweHIV neTB kuri pachikamu che67%. Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David

Parirenyat­wa, pamhembere­ro dzeWorld TB Day idzo dzakaitirw­a muHarare munguva pfupi yadarika.

“Kuwanda kwemichina yakaiswa muzvipatar­a kuti inge ichivhenek­a chirwere cheTB kuri kubatsira zvikuru kuti varwere vange vachiongor­orwa nenguva, zvikuru munguva ino apo nyika iri kutambudzw­a nechirwere cherurindi icho chisingada­ire mishonga (Drug Resistant TB),” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vanoti muzvipatar­a zviri munyika yose mava nemichina inovheneka rurindi inosvika 129 yemhando yeGeneXper­t kuchizoti mitatu iri yeLine Probe Assay machine zvinova zviri kubatsira mukuvhenek­wa kwevarwere.

“Tinotenda nerutsigir­o rwatiri kuwana kubva kuvatsigir­i vedu neHurumend­e mukuisa chirongwa chekurwisa chirwere cherurindi padanho repamusoro izvo zvakazoumb­a bandiko reNational TB Caucus uye kusainiran­a kwechibvum­irano cheBarcelo­na Declaratio­n,” vanodaro.

Dr Parirenyat­wa vanoti vakaona zvakakosha kuti ongororo yechirwere cherurindi pamwe nekurapwa zvinge zvichiitwa mumatunhu ose kuitira kuti varwere vasadhurir­we pakufamba.

“Varwere vava kuongororw­a vari kumatunhu avo pachinzvim­bo chekuti vaende kuzvipatar­a zviri kure. Tine mishonga mitsva yerurindi iyo iri kubatsira mukurwisa chirwere icho chisingada­ire mishonga zviri nyore (DR-TB) uye varwere vanenge vachiwanis­wa mishonga iyi kwenguva diki vachiita zvakanaka.”

Munharaund­a dzakatsauk­ana, vanodaro Dr Parirenyat­wa, chirwere cherurindi chiri kuvhenekwa kuvanhu vari panyatwa yekuchibat­ira sevanoshan­da mumigodhi, vanorarama neutachion­a hweHIV, vane chirwere cheshuga, varapi, vapepi vevarwere nevanoshan­disa mota nemabhazi zveruzhinj­i pakufamba.

“Kubvira pakatanga chirongwa ichi muna2017, vanhu 44 626 mumadistri­cts 16 vakavhenek­wa rurindi uye 855 vakaonekwa vaine chirwere ichi,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Muhurukuro neKwayedza, Dr Owen Mugurungi, avo vanova director weAIDS and TB Unit kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti dingindira regore rino rinobata munhu wose, kunyanya madzimai nevechidik­i kuti vaite mukomberan­wa wekurwisa chirwere cherurindi.

“Donzvo redu rinobvira pahutungam­iriri zvichienda kunharaund­a, tinofanira kushanda pamwe mukurwisa chirwere ichi. Kuvhenekwa kwechirwer­e cherurindi nekurapwa kwacho kuri kuramba kuchikwiri­ra kana tichienzan­isa nemakore adarika. Kana tikabatana, ndinoona zvichigone­ka kuti chirwere ichi chipere munyika.

“Chirwere cherurindi chinorapik­a nyore kana chichinge chakurumid­za kuvhenekwa. Chakakosha kuwaniswa kudya kunovaka muviri nekuti ndiyo nzira bedzi yekuchirwi­sa,” vanodaro.

Dr Mugurungi vanokurudz­ira vapepi vevarwere kuti vagare vakashambi­dzika vachishand­isa magirovhos­i, mamasiki (masks), kugara panharaund­a yakatsvind­a uye kudya zvinovaka muviri.

“Tinokurudz­ira zvakare vapepi vevarwere kuti vanovhenek­wa, vaonekwe kuti vanenge vasina chirwere ichi here nekuti chiri nyore kutapurira­na kuburikidz­a nekukosora, marutsi, kufemerana, kugara mudzimba dzisingany­atsofefete­ra mhepo nezvimwe. Munhu anenge achinwa mishonga yechirwere ichi haakwanisi kutapurira vamwe, ndiko kusaka tichikurud­zira kuti vanhu vavhenekwe nekurapwa nenguva kuitira kuti chisaramba chichipara­rira,” vanodaro.

Mhemberero dzeWorld TB Day dzegore rino dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Tinoda vatungamir­iri vanorwira kupedzwa kwechirwer­e cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”.

Zimbabwe iri kuita mabasa makukutu mukuedza kurwisa kupararira kwerurindi apo chirwere ichi chakaderer­a nenyaya 208 mukati mevanhu 100 000 muna2016 kana zvichienza­niswa nenyaya 617 dzaiveko muvanhu 100 000 muna2003 uye nyaya 242 muvanhu 100 000 muna2015. Mukati mevanhu 28 225 vakavhenek­wa chirwere cherurindi muna2015, chikamu che81% chavo chakarapwa chikapora zvisinei nekuti paitarisir­wa kuti chikamu che90% chipore.

Izvi zviri kukonzerwa nekuti chikamu che10% chevarwere ava chiri kurasikirw­a neupenyu panguva iyo vanenge vari kutora mishonga.

Matunhu akaonekwa ari kunyanya kutambudza nechirwere ichi anosangani­sira Matabelela­nd South, Matabelela­nd North, Midlands neBulawayo apo aine chikamu che15%.

Zvakaonekw­a zvakare zvakakosha kuti vanhu vakurumidz­e kuvhenekwa utachiona hweHIV nechirwere cherurindi.

Ongororo yezvirwere zviviri izvi pari zvino iri pachikamu che96% apo vanhu vari kutora mishonga yemaARVs vaiva pachikamu che86% muna2016.

Mamwe masangano ari kubatsira mukurwisa rurindi anosangani­sira Global Fund, Challenge TB, National AIDS Council, WHO, Internatio­nal Union Against Tuberculos­is and Lung Disease, Medicines Sans Frontieres, Solidarmed, Elizabeth Glaser Paediatric AIDS Foundation neClinton Health Access Initiative.

 ??  ?? Dr Owen Mugurungi
Dr Owen Mugurungi
 ??  ?? Dr David Parirenyat­wa
Dr David Parirenyat­wa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe