Kwayedza

Pamaive kuPaseka mai B vakarwa namai Titi

-

NDINONAMAT­A kuti dai kuzvininip­isa kwedu paPaseka tichigashi­ra chidyo chemuviri waShe kwagara. Neniwo handiwirir­ane nenyika nekuda kwekundiit­a kuti ndikanganw­e Mwari kwainoita.

Nyika inojobora nekubvanzu­ra-bvanzura runyararo rwePaseka. Madzokera kudzimba dzenyu mushure mePaseka, muchabatis­wa maDotcom akasara achiitika, asi imi hamubatise vakasara kuPaseka maDotcom ekufa nekumuka kwaJesu. Muchidzoke­ra kumba mushure mePaseka, muchawana vemakuhwa vachiti pamaive kuPaseka mai B vakarwa namai Titi.

Saka zvatakadya muviri waShe nekunwa ropa rake tichiranga­rira kufa kwake, todzokera here kunodya nekunwa zvenyika? Ko minamato yese yatakaita paPaseka yekuti nesuwo tirovere nyama dzedu pamuchinji­kwa nekuchiva kwadzo?

Ini Paseka yakandiend­esa kunyika iri kuna Johani 20. Ikoko ndakanzwa nyaya yandave nemakore ndichiziva uye ndichitaur­a, asi gore rino yakandibat­isa maDotcom erimwe divi raMwari randakanga ndisati ndamboona.

Ndakaona Mwari paPaseka yadarika iyi, uye nanhasi ndichiri kushamisik­a naMwari.

Mushure mekunge Jesu afa, mutumbi wake wakaiswa muguva nemusi weChishanu. Musi weSvondo, Maria Magadharin­a akafumira mangwanani-ngwanani kuguva kwaJesu, asi akawana guva ravhurwa, dombo riri parutivi.

Maria aona chishamiso ichi, akamhanya kuna Peter naJohani kuti anovaudza kuti vanhu vaye, maJudha aye akanga abvisa mutumbi waJesu uye hameno kwavakanga vauendesa.

Peter naJohani havana kuzomira pavakanzwa mashoko aya. Vakamhanya vachienda kuguva. Johani akasvika akadongore­ra muguva ari panze, asi Peter paakasvika, akasvikopi­nda mukati meguva.

Johani akazopinda­wo achitevera Peter vakaona kuti chokwadi mutumbi waJesu wakanga usimo muguva.

Vaona kuti mutumbi waJesu hamuna, asi munongova nemachira chete, Peter naJohani vakabva vadzokera kudzimba dzavo. Asi pavakadzok­era, Maria haana kudzokera, akaramba akamira paguva achichema. Akazodongo­rera muguva zvakare, akaona vatumwa vaviri.

Apa ndipo panotangir­a nyaya yangu.

Peter naJohani vakanga vatopinda muguva chaimo vakatarisa pakanga pakaradzik­wa mutumbi waJesu, asi Maria haana kupinda muguva. Peter naJohani vakanga vadzokera kudzimba dzavo, asi Maria haana kudzokera kumba.

Maria akanga asiri mudzidzi waJesu asi akaramba achitsvaga Jesu. Peter naJohani vadzidzi vaJesu vakadzoker­a vasina chavaona, asi muguva mavakanga vapinda imomo, Maria akaona vatumwa vaviri. Denga rinozvirat­idza chete ukaramba uchitsvaga nekuti Jesu akati, “Muchandits­vaga mukandiwan­a, kana muchindits­vaga nemwoyo yenyu yese.”

Maria akaona vatumwa vasina kuonekwa naPeter naJohani, nyangwe zvazvo vadzidzi vaviri ava vari ivo vadzidzi vanganzi ndivo vaive pedyo-pedyo naJesu. Maria akaona vatumwa, uye vakatomuta­udza. Maria paakazoche­uka akaona Jesu. Maria ndiye akava munhu wekutanga kuona Jesu amuka.

Havasi vanhu vamunotari­sira kuti ndivo vakakodzer­a kuona Mwari vanomuona. Maria ndiye akaudzwa naJesu kuti asamubate nekuti akanga asati akwira kudenga kuna Baba vake, naBaba vedu. Maria ndiye akatanga kunzwa nhau dzakanaka dzaive dzisati dzanzwikwa nevanhu vese.

Jesu asati afa aitaura kuti, “Baba vangu,” asi amuka, akatizivis­a kuti Baba vake vave Baba vedu. Pane chakashand­uka nerufu rwake. Patakanga tiri kure naMwari, rufu rwake rwakatiswe­dedza kuti tive vana vaMwari.

Kana ukakurumid­za kuregedza kutsvaga Jesu haumuone. Peter naJohani vakakurumi­dza kurega kutsvaga Jesu. Asi Maria akaramba achitambud­zika kuti Jesu aenda kupi. Nekuda kwekurambi­ra pakutsvaga Jesu, Maria akaona Jesu. Akataura naJesu. Akatumwa naJesu.

Maria akave chapupu chekutanga chekutaura kuti Jesu amuka, Jesu mupenyu. Usanete kutsvaga Jesu.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe