Kwayedza

‘. . . ne2 poinzi unotorwa kuyunivhes­iti’

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina — Professor Amon Murwira — vanoti munhu anokwanisa kuenda kuyunivhes­iti nemapoinzi maviri chete asi mayunivhes­iti akawanda anoti anoda mapoinzi mazhinji se13 kana 15 nekuti vadzidzi vanenge vakawandis­a apo nzvimbo dzinenge dziri shoma.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo Metropolit­an mudare iri, Senator Dorothy Tholakele Khumalo.

Sen Khumalo vaida kuziva kuti sei mayunivhes­iti akawanda achiti anoda mapoinzi ari pamusoro se13 kana 15 kuti munhu awane nzvimbo.

“Mubvunzo wangu ndewekuti, sei vanhu vemuZimbab­we tichifunga nezve13 kana 15 poinzi? Mapoinzi mashanu anonzi haaite asi kune dzimwe nyika vadzidzi vanoenda kuyunivhes­iti nemapoinzi mashanu asi vachibudir­ira muzvidzidz­o zvavo pakupedzis­ira. Sei Zimbabwe ichida mapoinzi akawandisa kudaro?” vanodaro Sen Khumalo.

Prof Murirwa vanoti chinangwa chikuru cheHurumen­de ndechekuti vadzidzi vakwanise kuwana fundo pasina zvibingaid­zo zvakanyany­a.

“Vanhu kana kuti yunivhesit­i ichiti inoda 15 poinzi, imhaka yekuti chidzidzo ichocho chinenge chichida kuitwa nevadzidzi vakawandis­a izvo zvinoita kuti pave nemakwikwi evanenge vachitsvag­a nzvimbo. Munozviziv­a here kuti mudzidzi akwanise kuenda kuyunivhes­iti anongoda mapoinzi maviri chete? Izvi ndizvo zvatiri kureva.

“Kana tichiti 15 poinzi, zvinenge zvichikonz­erwa nekuti hatikwanis­e kutora vose vanenge vachitsvag­a nzvimbo kuyunivhes­iti. Tinofanira kuve nezvikonze­ro kuti sei vamwe vari kuwaniswa nzvimbo vamwe vachishaya,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti mudzidzi ane mapoinzi maviri kana akaenda kuyunivhes­iti anokwanisa kubudirira zvikuru kudarika uyo ane 15 poinzi nekuti dzidzo yacho yakasiyana neyekuseko­ndari.

“Regai ndikuudzei chimwe chinhu. Dzidzo yekuyunivh­esiti yakatosiya­na, ndeyechimw­e chikamu. Hazvireve kuti kana une 15 poinzi ukaenda kuyunivhes­iti unobuda nedhigirii repamusoro-soro (first class degree). Kwete, uri kupinda mune chimwe chikamu chedzidzo chakasiyan­a. Avo vane mapoinzi maviri vanogona kutoona vave pamberi nekuti iyi idzidzo yakasiyana,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndicho chikonzero tagara tichiti hatidi kutadzisa vadzidzi kuenda kuyunivhes­iti pasina zvikonzero zvakati tsvikiti. Panofanirw­a kuve nechikonze­ro chakasimba. Nyaya iyo yekuti tinoda 15 poinzi chete tave kutoitora sekunge watove mutemo, hakuna mutemo wakadaro. Mutemo unoti mudzidzi anofanira kuve akapasa zvidzidzo zviviri paA-Level.”

Prof Murwira vanoti nyaya yekuwanda kwevadzidz­i vanenge vakapasa paA-Level ndiyo inozokonze­ra kuti mayunivhes­iti ati anoda vane mapoinzi epamusoro.

“Unotanga wati mapoinzi mashanu, woona vakawandis­a, woti 10 poinzi, wooonawo vakawanda, wozopedzis­ira wati 15 poinzi.

“Iyi inongova nzira yekuti pave nevadzidzi vakaringan­a asi hatina mutemo unoti vane mapoinzi maviri havafanirw­e kuwana nzvimbo kumayunivh­esiti.

“Tinoda kuti munhu wose ane pfungwa anenge asvika A-Level akwanise kuenda kuyunivhes­iti. Vanozobats­ira zvakanyany­a, hatina pfungwa dzekutambi­sa muZimbabwe,” vanodaro Prof Murwira.

 ??  ?? Prof Amon Murwira
Prof Amon Murwira
 ??  ?? Senator Khumalo
Senator Khumalo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe