Kwayedza

Mazita ezvinhu nemazera azvo

- Ticha Danga

ZORORO reEaster rakatipa mukana wekumbozor­ora tichiranga­rira kutambudzw­a kwakaitwa mwanakoman­a waMwari, Jesu Kirisitu, achiroverw­a pamuchinji­kwa nekuzomuka kwake mushure memazuva matatu. Ndiyo nguva zvakare yakavharwa kotoro yedu yekutanga kwegore rino zvichireva izvo kuti tangosarir­wa nekotoro imwe chete izere kuti tigonyora bvunzo dzedu muna Gumiguru.

Vanogona kuhwerenge­dza svomhu vanoona kuti hapana nguva yakareba ichiripo asi kutoti tava kutokundir­a tichienda kuti bvunzo dzigobuda zvakanaka.

Gore rinoita serakareba kana richatanga munaNdira asi vamwe vedu tinozoyeuk­a kana nguva yatopera. Gore rapera zvaitarisi­rwa kuti vana vachakundi­kana mubvunzo reAgricult­ure asi vanhu vakazokudu­buka kuShona nekuda kwekusapa chiShona nguva yakakwana.

Chikamu chino tinoda kuone kuti mazita atinopa zvinhu kubudikidz­a nezera razvo ndeapi.

Tinoda kutanga nekutarisa kwatiri isu vanhu. Mukaha uripo pakuti tine vanhurume nevanhukad­zi, uchiburits­a zvakare zvakasiyan­a kumazita ari kumazera acho.

Mwanakoman­a achingobva mukurumurw­a anosamhuka kusvika kuita chijaya kana chigondora chinenge chosiiwa chichiita zvekuzvifu­ngira chega. Nguva yehujaya kana hugondora inomupa mukana wekuona kuti nyika nehupenyu zvinoenda kupi. Vakuru vanenge vachingoka­rira pano neapo vachingodz­oreredza kuri kupesva mwanakoman­a kuti agokwanisa kupinda muhusaimba.

Majaya aya anenge orara mumakota umo vanotaurir­ana nyaya dzehujaya vachionesa­na nzira dzavangafa­mba nadzo kuti vagopinda muhusaimba. Husaimba hunouya mushure mekugona kupfimba mhandara kuti mugopinda muwanano. Kana munhu ava saimba zvoreva kuti abuda mugota, aroora ava nemukadzi wake nemba yake. Anotarisir­wa zvakare kuti agovandudz­a rudzi

◆ Endai kuPeji 16

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe