Mazita ezvinhu nemazera azvo
ZORORO reEaster rakatipa mukana wekumbozorora tichirangarira kutambudzwa kwakaitwa mwanakomana waMwari, Jesu Kirisitu, achiroverwa pamuchinjikwa nekuzomuka kwake mushure memazuva matatu. Ndiyo nguva zvakare yakavharwa kotoro yedu yekutanga kwegore rino zvichireva izvo kuti tangosarirwa nekotoro imwe chete izere kuti tigonyora bvunzo dzedu muna Gumiguru.
Vanogona kuhwerengedza svomhu vanoona kuti hapana nguva yakareba ichiripo asi kutoti tava kutokundira tichienda kuti bvunzo dzigobuda zvakanaka.
Gore rinoita serakareba kana richatanga munaNdira asi vamwe vedu tinozoyeuka kana nguva yatopera. Gore rapera zvaitarisirwa kuti vana vachakundikana mubvunzo reAgriculture asi vanhu vakazokudubuka kuShona nekuda kwekusapa chiShona nguva yakakwana.
Chikamu chino tinoda kuone kuti mazita atinopa zvinhu kubudikidza nezera razvo ndeapi.
Tinoda kutanga nekutarisa kwatiri isu vanhu. Mukaha uripo pakuti tine vanhurume nevanhukadzi, uchiburitsa zvakare zvakasiyana kumazita ari kumazera acho.
Mwanakomana achingobva mukurumurwa anosamhuka kusvika kuita chijaya kana chigondora chinenge chosiiwa chichiita zvekuzvifungira chega. Nguva yehujaya kana hugondora inomupa mukana wekuona kuti nyika nehupenyu zvinoenda kupi. Vakuru vanenge vachingokarira pano neapo vachingodzoreredza kuri kupesva mwanakomana kuti agokwanisa kupinda muhusaimba.
Majaya aya anenge orara mumakota umo vanotaurirana nyaya dzehujaya vachionesana nzira dzavangafamba nadzo kuti vagopinda muhusaimba. Husaimba hunouya mushure mekugona kupfimba mhandara kuti mugopinda muwanano. Kana munhu ava saimba zvoreva kuti abuda mugota, aroora ava nemukadzi wake nemba yake. Anotarisirwa zvakare kuti agovandudza rudzi
◆ Endai kuPeji 16