Kwayedza

Zvinoshorw­a munyaya

- Munyaradzi Gunduza

10. Tsanangura zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropod­zwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]

Munyori ari kushoropod­za vanhu vari kuenda mhiri kwemakungw­a kunotsvaga mari nenzira yechipfamb­i. Izvi tinozvinzw­a naSarah paanenge akagara naMary naPastor Mwenje kumba kwavo kuUK mumupanda wekudyira ari mangwanani. Anoti akanzwa naMary kuti kune vanhurume nevanhukad­zi vaibva kuZimbabwe vachiendak­o kunotsvaga mari kana raramo nenzira yechipfamb­i.

Munyori ari kushoropod­za vanhu vasiri kugona kushandisa fesibhuku. Izvi zvinobuda kuna Charles anenge achitsiurw­a nehanzvadz­i dzake, Judith naBeauty kuti asanyanye kuita zvefesibhu­ku achishaya mukana wekuvereng­a mabhuku. Charles anenge ave kudofora muchikoro nekuti aishaiswa mukana wekuvereng­a nefesibhuk­u.

Munyori ari kushoropod­za vanhu vanoshandi­sa indaneti zvisirizvo. Izvi tinozviona panonzi naBeauty indaneti yakanaka zvikuru nekuti ruzivo rwese rwakanyorw­a rwunowanik­wapo asi akaipa munhu anoishandi­sa. Anoti indaneti inoshatira kuti haitarise rudzi nezera remunhu inongoita zvayaudzwa kuti iburitse zvisinei nehunaku kana huipi hwazvo.

Chimwe chinoshoro­podzwa nemunyori webhuku iri vanhu vasingagon­i kushandisa watsiapu. Zvinobuda panonzi naBeauty watsiapu inodyira munhu nguva kupinda fesibhuku nezvimwe kana akatadza kuzvibata zvinoita kuti azokundika­na kuita chinhu chinobatik­a muupenyu.

Munyori anoshoropo­dza huori huri kuitwa nevatungam­iri vemachechi. Tinozviona kuna Pastor Mwenje vanoba mari gumi rezviuru zvemayusa ekereke aifanira kunobatsir­a varombo vachiapa Sarah nhengo yechechi yavaidanan­a nayo ndokuzogad­zirisa marisiti ekunyepera kuti vasabatwe kuti vakanga vambobvisa chimwe chidimbu chemari iyi.

Chinonyany­a kushorwa nemunyori kutadza kuzvibata kunoitwa nevakuru vemachechi.

Munyori anojekesa izvi naPastor Mwenje vaitungami­ra Revelation­s Church ndokutadza kuzvibata vachibva vatanga kudanana nenhengo yemukereke mavo, Sarah mudzimai waZebra. Kusazvibat­a kwaPastor Mwenje kunoita kuti vazoguma vapa Sarah mwana muchivande zvinoita kuti Zebra asazoda zvekunamat­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe