Kwayedza

Mashiripit­i emungano

- Munyaradzi Gunduza

MASHIRIPIT­I kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyany­a kutora nzvimbo muzviitiko zvemungano, saka nguva zhinji vanasarung­ano vanoshandi­sa mashiripit­i vaine zvinangwa zvakasiyan­a-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripit­i ndezvinote­vera:

Kuburitsa zvidzidzo zviri mungano Kusimbarad­za dingindira rerungano:Kunakidza kana kusetsa vateereri verungano Kuburitsa zvakahwand­a zvinenge zviri mungano Kurodza njere dzevateere­ri

Kutyisidzi­ra vanhu kuti vagone kuchengete­dza muko

Kubatsira vanhu vaMwari kuti vapukunyuk­e mumatambud­ziko

Kutaridza masimba enyikadzim­u Kufambisa mashoko zviri nyore Musiyano wenganotau­rwa nenganonyo­rwa: Nganotaurw­a nenganonyo­rwa zvinoumba uvaranomwe. Mutauro waVaShona wakapfuma nokuti une zvose nganonyorw­a nenganotau­rwa, izvo zvinobatsi­rana kuti mutauro unzwikwe kupfuma kwawo. Imwe siyano pakati pengano dzakanyorw­a pasi nengano dzekutaura inosangani­sira inotevera:

Ngano yekunyora pasi inorasikir­wa neuvizhuvi­zhu. Ngano yekunyora hainyatsob­udisi kudyidzana kuri pachena pakati pasarungan­o nevateerer­i. Vateereri havana anovadzidz­isa maimbirwo enziyo. Ngano yekunyora inorasikir­wa navateerer­i sezvo muverengi ari iye zvakare muteereri.

Hapana vateereri vanobvumir­a, “dzepfunde” kuna sarungano.

Vateereri havakwanis­i kubvunza mibvunzo sezvo pasina munhu wavanogona kubvunza. Vateereri havakwanis­i kuuchira. Maumbirwo erungano runobva rwashanduk­a. Vateereri havakwanis­i kuseka sezvinoitw­a mungano yekutaura.

Madingindi­ra anobuda mungano: Mungano munobuda madingindi­ra akasiyana-siyana. Dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda mungano naizvozvo munogona kuita madingindi­ra maviri kana kudarika zvichiende­rana nezvinenge zvichida kubudiswa nasarungan­o/munyori wacho. Mamwe emadingind­ira anonyanya kuwanikwa mungano ndeanoteve­ra: Mushandira­pamwe

Undyire

Utsinye

Umbavha

Wanano

Kukosha kwekucheng­etedza muko

Tsitsi dzinotsits­irira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe